Ganhuro 19
Neiko Vana Vasati Vachindisiya Ndiri Ndoga?
Kufamba kwomukomana kunoratidzika kuva kwechienzi. Ruzazu nokusava nechokwadi kwake amene, sezvinooneka iye ari kukangaidzwa nemhoteredzwa dzake itsva. Vadzidzi vekare pakarepo vanomuziva kuva njeni pachikoro. Muchinguvana anokomberedzwa nepwere dzinovamba kumuvirimira nemitauro yakashata! Achinyara, anotizira muutiziro huri pedyopo—kamuri rokuzororera. Kuseka chikwee kunoungira kuseri kwamadziro.
KUNETSA, kumbonaidza, nokuvirimira vamwe kuvaraidza kwoutsinye kwepwere zhinji. Kunyange munguva dzeBhaibheri, dzimwe pwere dzairatidzira muitiro woutsinye. Somuenzaniso, boka ravakomana vaduku rakambonetsa muporofita Erisha. Dzichiratidzira ruzvidzo nokuda kwenzvimbo yake, pwere nomutoo wokuzvidza dzakadanidzira, dzichiti: “Kwira, iwe nyamhanza! Kwira, iwe nyamhanza!” (2 Madzimambo 2:23-25) Nhasi, pwere zhinji dzinomurangariro wokuvirima, nokutaura mashoko anokuvadza kuna vamwe.
“Ndakanga ndiri muduku wekirasi rangu regiredhi rechipfumbamwe,” anoyeuka kudaro mumwe munyori weGrowing Pains in the Classroom. “Kuva mwana akachenjeresa uye mwana akapfupikisa mukamuriro kwakanga kuri mubatanidzwa wengwavaira nokuda kwechikoro chapamusoro: avo vaisambondirovera kuva mupfupi vaindirovera kuva mwana akachenjera. Mukuwedzera ku‘meso mana,’ ndakanga ndichinzi ‘dudzira mashoko rinofamba,’ namamwe mazita ane 800 ejee [mashoko okuvirima].” Munyori werinonzi The Loneliness of Children anowedzera, kuti: “Vana vakakuvara mumuviri, vane zvinetso zvokutaura, kana kuti vane mavara anooneka omumuviri kana kuti kuzvibata zvipfuro zviri nyore zvokusveeredzwa navamwe vana.”
Padzimwe nguva pwere dzinozvidzivirira idzo dzimene kupfurikidza nokukumbanira chinoguma nekwikwidzano youtsinye: kutaura kunowedzera kwokuvirimirana kunokuvadza (kazhinji kazhinji pamusoro pavabereki vomumwe). Asi pwere zhinji hadzigone kuzvidzivirira mukunangana nokunetsa kwevezera radzo. Imwe pwere inoyeuka kuti mamwe mazuva, nokuda kwokumbonaidzwa nokunetswa kwaiitwa navafundi biyake, akanga achitya zvikuru uye aisafara zvokuti iye aka‘funga kuti aizorutsa.’ Haati aigona kumbofungisisa pamusoro pefundo dzake nokuda kwokuzvidya mwoyo pamusoro peizvo vamwe vadzidzi vaizomuitira.
Haizi Nhau Isina Kukomba
Wati wambova chinhu chinosekwa choutsinye chavezera rako here? Ipapo unganyaradzwa kuziva kuti Mwari haazati achikurangarira senhau isina kukomba. Rangarira nhauro yeBhaibheri yomutambo wakagadzirirwa kuchengeta kurumurwa kwomwanakomana waAbrahama Isaka. Sezvinooneka godo renhaka Isaka aizogamuchira, mwanakomana wedangwe waAbrahama, Ishmaeri, akavamba “kuitira musere” Isaka. Zvisinei, kure nokuva musere unoitwa nomutoo wakanaka kumbonaidza kwakaparira ‘chitambudzo.’ (VaGaratia 4:29) Sara, amai vaIsaka, nokudaro vakafunga utsinye mukumbonaidza. Akakuona sokuvirimira donzo raJehovha rokubudisa “mbeu,” kana kuti Mesia, kupfurikidza nomwanakomana wake, Isaka. Pamukumbiro waSara, Ishmaeri namai vake nokudaro vakabviswa muimba yaAbrahama.—Genesi 21:8-14.
Nomutoo wakafanana, haizati iri nhau isina kukomba apo pwere dzinokunetsa noupfini—zvikurukuru padzinoita kudaro nokuti unotamburira kurarama mukuwirirana nemipimo yeBhaibheri. Somuenzaniso, pwere dzechiKristu dzinozivikanwa nokuda kwokugoverana kutenda kwadzo navamwe. Asi, sokutaura kwakaita rimwe boka rezvapupu zviduku zvaJehovha, rakati: “Vana muchikoro vanotiitira musere nokuti tinoparidzira pasuo nesuo, ivo vanotizvidza nokuda kwaikoko.” Hungu, savabatiri vakatendeka vaMwari vomunguva dzakare, pwere zhinji dzechiKristu dzinowana “muedzo kupfurikidza nokusekwa.” (VaHebheru 11:36) Vanofanira kurumbidzwa nokuda kwoushingi hwavo mukutsungirira kuzvidzwa kwakadaro!
Chikonzero Nei Vachikuita
Hunyanguvezvo, ungashamisika kuti ungaita sei kuti vatambudzi vako vakusiye uri woga. Kutanga, rangarira chikonzero nei kumbonaidza kuchiitika. “Kunyange mukuseka mwoyo ungave uri mumarwadzo,” rinodaro Bhaibheri pana Zvirevo 14:13. Kuseka kunoitika apo boka repwere rinonetsa mumwe munhu. Asi havazi ‘kudanidzira nomufaro nokuda kwomugariro wakanaka womwoyo.’ (Isaya 65:14) Kazhinji kazhinji kuseka kunongovawo hakwo chifukidziro chenhamo yomukati. Seri kwoushingi, vatambudzi vangave zvomenemene vachiti: ‘Isu hatizvidi timene, asi kuzvidza mumwe munhu kunotiita tinzwe zviri nani zvikuru.’
Godo rinokuchidzirawo denho. Yeuka nhauro yeBhaibheri yowechiduku Josefa, ana vakomana vake vakamupandukira nokuti akanga ari nyachide wababa vake. Godo gurusa harina kungoparira bedzi mashoko okutuka asi kunyange kurangarira kuponda! (Genesi 37:4, 11, 20) Nenzira imwe cheteyo nhasi, mudzidzi anogona nomutoo wechienzi kana kuti anodiwa zvikuru navadzidzisi angamutsa godo revezera rake. Kuvirima kunoratidzika kuva ‘kunomuderedza.’
Kusachengeteka, godo, uye kuzvikoshesa kwakaderera nokudaro kunowanzova zvikonzero zvokunyombwa. Ko zvino, unofanirirei kurashikirwa nokuzvikoshesa kwako nemhaka yokuti pwere yakati isina kukotsekana yakarashikirwa nokwayo?
Kugumisa Kunetswa
“Anofara ndiye munhu uyo . . . asina kugara pahugaro hwavanyombi,” anodaro wezvamapisarema. (Pisarema 1:1) Kukumbanira mukunyomba kuti ubvise ngwariro kwauri umene kunongoredzva bedzi kuvirima. “Musatsiva chakashata nokuda kwechakashata kune mumwe munhu . . . Rambai muchikurira chakashata nechakanaka” ndiyo pangiro youmwari.—VaRoma 12:17-21.
Muparidzi 7:9 inopfuurira kuti: “Usazvikurumidzisa iwe umene muchimiro chako chendangariro kuva anotsamwa, nokuti kutsamwa ndiko kunogara pachipfuva chamapenzi.” Hungu, neiko uchifanira kurangarira kumbonaidzwa nomutoo wakakomba zvikurusa? Sezvinobvumwa, kunokuvadza kana mumwe munhu achiseka chimiro chako chomuviri kana kuti kuwana chisetso mumavanga echiso chako. Hunyanguvezvo, mashoko, kunyange zvazvo angave asina kunaka, haazati hawo ari oupfini. Naizvozvo kana mumwe munhu nomutoo usine mhaka—kana kuti kunyange zvimwe nomutoo usati une mhaka zvikuru—akataura pamusoro pevanga rako rakati kuti rinokutapura, hupererwei nezano rose? Kana zvinotaurwa zvisati zviri mashoko akashata kana kuti asina kukodzera, edza kuona chimiro chomufaro mazviri. Kune “nguva yokuseka,” uye kutsamwira kumbonaidza kwokutamba kungava kwokunyanyisa.—Muparidzi 3:4.
Asika zvakadiniko kana kumbonaidza kuri kwoutsinye uye kunyange kwoupfini? Yeuka kuti museki anoda kufarikanya kuita kwako, kufarira nhamo yako. Kudzorera nokutuka, kuva anodzivirira, kana kuti kuchema sezvinobvira kunomukurudzira kupfuuridzira kunetsa kwake. Hupirei iyeyo gutsikano yokukuona uchitsamwa? Nzira yakanaka yokudzivisa nayo kuvirimira ndeyokuwanzofuratira nomutoo wokusaitira hanya.
Mambo Soromoni akapfuurirazve, kuti: “Uyewo, usapa mwoyo wako kumashoko ose ayo vanhu vanotaura [“Usateerera chinhu chiri chose chinotaurwa navanhu”—Today’s English Version], kuti ugorega kunzwa muranda wako achikutuka. Nokuti mwoyo wako umene unosanoziva kunyange kazhinji kuti, kunyange iwe, wakatukawo vamwe.” (Muparidzi 7:21, 22) Ku“pa mwoyo wako” kumashoko anobaya mwoyo omunyombi kwaizoreva kuva anonyanyoitira hanya pamusoro pokukurangarira kwavo. Kukurangarira kwavo kunoshanda here? Muapostora Pauro akadenhwa zvisino kufanira nevezera rake vane godo, asi iye akapindura, kuti: “Zvino iyi inhau duku zvikuru kwandiri kuti ini ndinzverwe nemi kana kuti nedare rokutamba mhaka ravanhu. . . . Iye unondinzvera ndiJehovha.” (1 VaKorinte 4:3, 4) Ukama hwaPauro naMwari hwakanga hwakasimba zvikuru zvokuti iye aiva nechivimbo nesimba romukati rokukurira denho dzisino kufanira.
Kuita Kuti Chiedza Chako Chipenye
Padzimwe nguva ungava anosekwa nemhaka yomuraramire wako somuKristu. Jesu Kristu iye amene aitofanira kutsungirira “kakavadzano” yakadaro. (VaHebheru 12:3) Jeremiawo “akava chinhu chinosekwa muswere wose wezuva” nemhaka yokutaura noushingi Shoko raJehovha. Kunetsa kwakapfuurira zvikuru zvokuti Jeremia kwechinguvana akarashikirwa nesundo yake. “Ini handizati ndichizomududza [Jehovha], uye handizati ndichizotaurazve muzita rake,” iye akasarudza kudaro. Zvisinei, rudo rwake nokuda kwaMwari nezvokwadi pakupedzisira zvakamugombedzera kukurira rutyo rwake.—Jeremia 20:7-9.
Dzimwe pwere dzechiKristu nhasi nomutoo wakafanana dzakanzwa dzaodzwa mwoyo. Neshungu dzokuita kuti kumbonaidza kupere, dzimwe dzakaedza kuvanza idi rokuti idzo maKristu. Asi rudo nokuda kwaMwari kazhinji kazhinji pakupedzisira runosunda dzakadarodzo kukurira rutyo rwadzo ndokuita kuti ‘chiedza chadzo chipenye’! (Mateo 5:16) Somuenzaniso, mumwe mukomana wechiduku akati: “Chimiro changu chendangariro chakachinja. Ndakarega kurangarira kuva muKristu somutoro unorema wokutakura ndokuvamba kukurangarira sechimwe chinhu chokudada nacho.” Iwewo unogona ku“ganza” muropafadzo yokuziva Mwari neyokuva anoshandiswa naye kubetsera vamwe.—1 VaKorinte 1:31.
Zvisinei, rega kukoka utsinye kupfurikidza nokupfuurira kutsoropodza vamwe kana kuti kupfurikidza nokupa vamwe murangariro wokuti iwe unorangarira kuti uri nani. Banza zvarinomuka rokuratidzira kutenda kwako, ita kudaro, asi no“mwoyo munyoro noruremekedzo rukuru.” (1 Petro 3:15) Mukurumbira wako wakanaka nokuda kwomufambiro wako wakaisvonaka ungabvumikisa kuva dziviriro yako hurusa paunenge uri muchikoro. Kunyange zvazvo vamwe vangasada chimiro chako choushingi, ivo kazhinji kazhinji vachakuremekedza nokuda kwacho kunyange usingadi.
Mumwe musikana anonzi Vanessa akanetswa neboka ravasikana vaimurova, kumusundidzira, kupunzira mabhuku ake pasi kubva muzvanza zvake—kwose ikoku mukutamburira kumutsa kurwa. Vakatodira mukaka wechokoreti pamusoro wake napachipfeko chichena chakachena. Asi haana kutongoshatirwa. Pane imwe nguva gare gare Vanessa akasangana nomutungamiriri webokaro pakokorodzano yeZvapupu zvaJehovha! “Ndaikuvenga . . . ,” aichimbova murwisi akadaro. “Ndaida kukuona uchirashikirwa nokuzvibata kwako kamwe bedzi.” Zvisinei, kuda kuziva kwake pamusoro pokuti Vanessa aichengeta sei kuzvibata kwake kwakamuparira kugamuchira fundo yeBhaibheri kuZvapupu zvaJehovha. “Ini ndakada zvandakadzidza,” iye akadaro, “uye mangwana ndiri kubhapatidzwa.”
Naizvozvo usarega “kutaura kwegakava” kunoitwa nevezera rako kuchiputsanya chimiro chako chokuzvibata. Pakunenge kwakakodzera, ratidzira chimiro chokuseka. Davidza kuchakashata nomutsa. Ramba kukuchidzira mwoto wekakavadzano, uye munguva yakafanira vatambudzi vako vangasawana mufaro mukukuita chipfuro nokuda kwokuseka, nokuti “uko kusina huni mwoto unodzima.”—Zvirevo 26:20.
Mibvunzo Yekurukurirano
◻ Ko Mwari anorangarira sei avo vanombonaidza vamwe noutsinye?
◻ Chii chinowanzosunda kunetsa kwepwere?
◻ Unogona sei kudukupisa kana kuti kunyange kudzivisa kunyomba?
◻ Neiko kuri kunokosha kuti iwe “uite kuti chiedza chako chipenye” muchikoro, kunyange apo vamwe vanokumbonaidza?
◻ Inhanoi dzaunogona kushandisa kuzvidzivirira iwe umene pamasimba masimba kuchikoro?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 155]
Seri kwoushingi, vatambudzi vangave zvomenemene vachiti: ‘Isu hatizvidi timene, asi kuzvidza mumwe kunotiita tinzwe zviri nani zvikuru’
[Bhokisi riri papeji 152]
Ndinogona Sei Kudzivisa Kurohwa?
‘Unoisa upenyu hwako muzvanza zvako paunouya kuchikoro.’ Vanotaura kudaro vadzidzi vazhinji. Asika kufamba nechombo upenzi uye kunokoka nhamo. (Zvirevo 11:27) Ko zvino, unogona seiko kuzvitaviridzira umene?
Ziva uye dzivisa nzvimbo dzine ngozi. Mikoto yomuhoro, matanho, namakamuri okuchinjira inzvimbo dzinonetsa chaizvoizvo mune zvimwe zvikoro. Uyewo nzvimbo dzakashata zvikuru ndiwo makamuri okuzororera akadai senzvimbo dzokuunganira nokuda kwokurwa neshandiswo yemirimo idzo pwere zhinji dzingasva hadzo dzatambura kusafaranuka kupinda kushandisa nzvimbo idzi.
Rinda songaniro dzako. Kazhinji kazhinji pwere inozviwana imene yava pakati pokurwa nemhaka bedzi yokuti iyo inosonganirana neboka rakashata. (Ona Zvirevo 22:24, 25.) Chokwadi, kusakendenga kuvafundi biyako kungavaparadzanisa kana kuvaita kuti vave noutsinye kwauri. Kana une ushamwari uye wakaterama kwavari, ivo vangava vanokombamira zvikuru kukukusiya uri woga.
Tiza kurwa. Dzivisa “kumanikidzirana kukuratidzira kwakakwana.” (VaGaratia 5:26, mashoko omunyasi) Kunyange kana ukakurira mukurwa, muvengi wako angangomirira banza rakanaka nokuda kwokurwisanazve. Naizvozvo tanga kuedza kudzivisa kurwa kupfurikidza nokutaura. (Zvirevo 15:1) Kana kutaura kusati kuchishanda, ibva—kana kunyange kutiza—panangano yamasimba masimba. Yeuka kuti, “Imbwa mhenyu iri nani zvikuru kupinda shumba yakafa.” (Muparidzi 9:4) Sorutivi rwokupedzisira rwokutendeukira kwarwuri, shandisa mitoo ipi neipi ino mufungo iri madikanwa yokuzvidzivirira umene.—VaRoma 12:18.
Taura kuna vabereki vako. Pwere “hadziwanzoshuma tyisidziro dzadzo dzokuchikoro kuvabereki vadzo, nokuda kwokutya kuti vabereki vachadzifunga kuva mbwende kana kudziranga nokuda kwokusashinga kuvarwisi.” (The Loneliness of Children) Kunyange zvazvo zvakadaro, kazhinji kazhinji kupindira kwomubereki ndiyo bedzi nzira yokupedza nayo chinetso.
Nyengetera kuna Mwari. Mwari haazati achikusimbisira kuti uchaponeswa pakuvadziko yomuviri. Asi anogona kukupa ushingi hwokunangana nedenho uye uchenjeri hunodikanirwa kuteramisa mugariro wacho.—Jakobho 1:5.
[Mufananidzo uri papeji 151]
Pwere zhinji dzinotambudzwa nevezera radzo
[Mufananidzo uri papeji 154]
Museki anoda kufarira nhamo yako. Kudzorera nokutuka kana kuti kuchema kungatokurudzirazve kunetsa
[Mufananidzo uri papeji 156]
Edza kuratidzira chimiro chokuseka paunombonaidzwa