RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/05 p. 1
  • Ita Zvakanaka uye Goverana Nevamwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ita Zvakanaka uye Goverana Nevamwe
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Rambai Muchivakana
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • ‘Iva Norupo, Ude Kugoverana’
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Nyaradza Vanochema
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • ‘Nyaradza Vose Vanochema’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 4/05 p. 1

Ita Zvakanaka uye Goverana Nevamwe

1 Dhokasi “aiva nemabasa akawanda akanaka nezvipo zvengoni.” (Mab. 9:36, 39) Rupo rwake rwakaita kuti adiwe nevanhu vaimuziva uye naJehovha Mwari. VaHebheru 13:16 inoti: “Musakanganwa kuita zvakanaka nokugoverana zvinhu nevamwe, nokuti Mwari anofadzwa kwazvo nezvibayiro zvakadaro.” Tingaita sei zvakanaka uye tingagoverana sei nevamwe nhasi?

2 Imwe nzira yatingabatsira nayo vamwe ndeyokugoverana navo ‘zvinhu zvedu zvinokosha.’ (Zvir. 3:9) Mipiro yedu kubasa romunyika yose inoita kuti Dzimba dzoUmambo, Dzimba dzeMagungano, uye mapazi zvivakwe pasi pose. Rupo rwedu rwaita kuti mamiriyoni abatsirwe nemirayiridzo yechiKristu uye ushamwari hunokurudzira mune zvokunamata.

3 Kunyaradzana: Panoitika njodzi, vanhu vaJehovha vakagadzirira ‘kuitira zvakanaka’ vavanonamata navo pamwe chete nevaya vasingatendi zvatinotenda. (VaG. 6:10) Pashure pokuputika kwakaitika mufekitari inogadzirwa makemikari muFrance, mumwe murume nomudzimai wake vaiva vakavakidzana nefekitari yacho vakati: “Hama dzedu dzechiKristu dzakabva dzangouya kuzobatsira kuchenesa imba yedu uyewo dzevamwe vomuchivako chacho. Vavakidzani vedu vakashamiswa chaizvo kuti vanhu vakawanda kudaro vakauya kuzobatsira.” Imwe hanzvadzi yakatiwo: “Vakuru vakauya kuzotibatsira. Vakauya kuzotikurudzira. Chokwadi, izvi ndizvo zvataida, kupfuura kubatsirwa mune zvinhu zvokunyama.”

4 Kunyange zvazvo paine nzira dzakawanda dzatingaitira vavakidzani vedu zvakanaka, nzira yatinganyanya kuvabatsira nayo ndeyokuvapa zivo inokosha yechokwadi, inosanganisira “tariro youpenyu husingaperi” hwakapikirwa naJehovha pachake. (Tito 1:1, 2) Shoko reBhaibheri rinonyaradza zvechokwadi vaya vari kuchema pamusana pemamiriro ezvinhu omunyika uye kutadza kwavo. (Mat. 5:4) Ngatiitei zvakanaka togoverana nevamwe kana ruoko rwedu ruine simba rokuzviita.—Zvir. 3:27.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe