Ita Zvakanaka uye Goverana Nevamwe
1 Dhokasi “aiva nemabasa akawanda akanaka nezvipo zvengoni.” (Mab. 9:36, 39) Rupo rwake rwakaita kuti adiwe nevanhu vaimuziva uye naJehovha Mwari. VaHebheru 13:16 inoti: “Musakanganwa kuita zvakanaka nokugoverana zvinhu nevamwe, nokuti Mwari anofadzwa kwazvo nezvibayiro zvakadaro.” Tingaita sei zvakanaka uye tingagoverana sei nevamwe nhasi?
2 Imwe nzira yatingabatsira nayo vamwe ndeyokugoverana navo ‘zvinhu zvedu zvinokosha.’ (Zvir. 3:9) Mipiro yedu kubasa romunyika yose inoita kuti Dzimba dzoUmambo, Dzimba dzeMagungano, uye mapazi zvivakwe pasi pose. Rupo rwedu rwaita kuti mamiriyoni abatsirwe nemirayiridzo yechiKristu uye ushamwari hunokurudzira mune zvokunamata.
3 Kunyaradzana: Panoitika njodzi, vanhu vaJehovha vakagadzirira ‘kuitira zvakanaka’ vavanonamata navo pamwe chete nevaya vasingatendi zvatinotenda. (VaG. 6:10) Pashure pokuputika kwakaitika mufekitari inogadzirwa makemikari muFrance, mumwe murume nomudzimai wake vaiva vakavakidzana nefekitari yacho vakati: “Hama dzedu dzechiKristu dzakabva dzangouya kuzobatsira kuchenesa imba yedu uyewo dzevamwe vomuchivako chacho. Vavakidzani vedu vakashamiswa chaizvo kuti vanhu vakawanda kudaro vakauya kuzobatsira.” Imwe hanzvadzi yakatiwo: “Vakuru vakauya kuzotibatsira. Vakauya kuzotikurudzira. Chokwadi, izvi ndizvo zvataida, kupfuura kubatsirwa mune zvinhu zvokunyama.”
4 Kunyange zvazvo paine nzira dzakawanda dzatingaitira vavakidzani vedu zvakanaka, nzira yatinganyanya kuvabatsira nayo ndeyokuvapa zivo inokosha yechokwadi, inosanganisira “tariro youpenyu husingaperi” hwakapikirwa naJehovha pachake. (Tito 1:1, 2) Shoko reBhaibheri rinonyaradza zvechokwadi vaya vari kuchema pamusana pemamiriro ezvinhu omunyika uye kutadza kwavo. (Mat. 5:4) Ngatiitei zvakanaka togoverana nevamwe kana ruoko rwedu ruine simba rokuzviita.—Zvir. 3:27.