Purogiramu yoMusangano Webasa
Vhiki Inotanga naApril 11
15 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Shandisa mazano ari papeji 8 (kana achikodzera ndima yenyu) kuenzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaApril 1 neAwake! yaApril 8. Dzimwe mharidzo dzinoshanda dzingashandiswa. Mune mumwe wemienzaniso yacho, ita kuti muparidzi aenzanisire kupupura kwomumugwagwa.
15 min: “Ramba Uchiparidza.”a Kana nguva iripo, kumbira vateereri kuti vatsanangure magwaro aripo.
15 min: “Ita Zvakanaka uye Goverana Nevamwe.”b Ita kuti mashoko acho ashande muungano yenyu, uchitaura nzira dzinoshanda dzatinogona kushandisa kubatsira vamwe.
Rwiyo 47 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naApril 18
10 min: Zviziviso zveungano.
20 min: “Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi—Chikamu 8.”c Iva nomuenzaniso mupfupi unoratidza muparidzi achipa mudzidzi weBhaibheri mutsva bhurocha raZvapupu zvaJehovha—Ndivanaani? Muparidzi wacho anomuratidza mufananidzo uri mubhurocha racho papeji 20, otsanangura muchidimbu Musangano Wavose. Anotaura musoro wehurukuro yavose inotevera uye anokoka mudzidzi wacho kuti apinde.
15 min: Kuva Nepfungwa Dzakanaka Munguva Yazokurumbira Zvemakombiyuta. (Tito 2:11, 12) Hurukuro inobva muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaSeptember 2002, papeji 8, ndima 1-7, uye hwaNovember 1999, papeji 5, ndima 24-6, uye papeji 6, ndima 35-6. Kana nguva iripo, dzimwe pfungwa dziri muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 1999 dzingataurwawo kana dzichishanda muungano yenyu.
Rwiyo 169 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naApril 25
15 min: Zviziviso zveungano. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba dzinobva kubazi dzokutenda mari yakatumirwa. Yeuchidza vaparidzi kuendesa mishumo yebasa romumunda yaApril. Uchishandisa mazano ari papeji 8 (kana achikodzera ndima yenyu), enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaApril 15 neAwake! yaApril 22. Dzimwe mharidzo dzinoshanda dzingashandiswa. Mune mumwe wemienzaniso yacho, enzanisira zvingaitwa kumunhu anoramba kukurukurirana achiti “Ini handifariri.” (Ona bhuku raKurangarira, p. 16.) Taura nyaya dzingangonyanya kufarirwa nevanhu vari mundima yacho.
30 min: “Ngatichengetei Nzvimbo Yedu Yokunamatira Yakanaka.”d Shandisa mibvunzo iripo. Pakukurukura ndima 2 ne3, taura urongwa hweungano hwokuchenesa Imba yoUmambo. Taura zvinhu zvipi nezvipi zvingada kuitwa. Rumbidza ungano nokuda kwokushanda kwayo nesimba kuchengetedza nzvimbo yakakodzera yokunamata kwechokwadi. Simbisa kukosha kwokuchengeta Imba yoUmambo zvakanaka, uchitaura zviri mubhokisi riri papeji 5. Taurawo mashoko mashoma nezvezvakaita imba yenyu, uye taura urongwa hupi nohupi hwokugadzirisa kana kuti kuvandudza.
Rwiyo 8 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naMay 2
10 min: Zviziviso zveungano. Kurukura kwenguva pfupi nyaya inoti “Kudzidza Bhurocha raRambai Makarinda!” iri papeji 6. Taura kuti mashoko aya anoratidza purogiramu yokudzidza bhurocha racho. Kurudzira vose kuti vanyatsogadzirira uye kuti vapindure pachidzidzo chacho vhiki nevhiki, kutanga nevhiki yaMay 23.
15 min: Zvinodiwa muungano.
20 min: “Vanhu Vose Vachaponeswa.”e Ita kuti mashoko acho ashande mundima yenyu.
Rwiyo 112 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
d Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
e Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.