Nharireyomurindi Yokudzidza yeChirungu Chisina Kuoma
[Cherechedza kuti: Kunyange zvazvo zviri munyaya ino zvisingashandi kuungano dzinoita chidzidzo cheNharireyomurindi neShona kana Ndebele, zvakangonakawo kuti vaparidzi vose vazive zviri kuitika kuNharireyomurindi yokudzidza yeChirungu.]
Pava neNharireyomurindi yokudzidza yeChirungu yava kuwanikwa iri yeChirungu chisina kuoma. Magazini iyi yakanyanya kugadzirirwa (1) vaparidzi vanotaura Chirungu semutauro waamai, asi zvichida vachiomerwa nekunzwisisa Chirungu; (2) vaparidzi vakaita zvokudzidza Chirungu; (3) vechiduku, kusanganisira vaya vari kupuraimari; uye (4) vari kudzidza Bhaibheri avo vanoda chirungu chisina kuoma uye chakajeka icho chinovabatsira kukurumidza kunzwisisa zvinhu zvokunamata.
Ndima, mibvunzo uye misoro miduku zviri muNharireyomurindi iyi zvinoenderana nezviri mune yagara ichishandiswa. Nyaya dzacho dzinenge dzakangofanana asi kungoti imwe yacho inenge ichishandisa mashoko ari nyore kunzwisisa. Muitisi weChidzidzo cheNharireyomurindi uye muverengi vanofanira kushandisa magazini yagara ichishandiswa kunze kwekuti vateereri vakawanda vachishandisa ine Chirungu chisina kuoma. Magwaro uye mifananidzo zviri mumagazini mbiri idzi zvakafanana, uye zvichaita kuti mufambirane nemuverengi paanenge achiverenga uye mukwanise kupindura.
Vaya vanofunga kuti vanogona kubatsirwa nemagazini iyi vanogona kunyoresa kumutarisiri wemagazini.