PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | NAHUMI 1–HABHAKUKI 3
Ramba Wakamuka Pakunamata Uye Uchishingaira
Zvaiita sekuti vaBhabhironi vakanga vasiri kuzokwanisa kuparadza Judha. Judha yakanga ichivimba neIjipiti. VaKadheya vakanga vasina simba rakaita sereIjipiti. Uyewo, vaJudha vakawanda vaiona sekuti Jehovha aisazorega Jerusarema netemberi yaro zvichiparadzwa. Asi zvakanga zvaprofitwa ndizvo zvaizoitika, uye Habhakuki aifanira kuramba akazvimirira nekuramba akamuka pakunamata uye achishingaira.
Chii chinoita kuti nditi mugumo wava kusvika?
Ndingaramba sei ndakamuka pakunamata uye ndichishingaira?