RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 10 p. 28-p. 29 ndim. 7
  • Mhuri yaJesu Inoenda kuJerusarema

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mhuri yaJesu Inoenda kuJerusarema
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Achiri Mudiki
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Jesu Muduku Ari Mutembere
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Jesu Akadzidza Kuteerera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Jesu Aiteerera Nguva Dzose
    Dzidzisai Vana Venyu
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 10 p. 28-p. 29 ndim. 7
Jesu aine makore 12, achibvunza vadzidzisi vechiJudha

CHITSAUKO 10

Mhuri yaJesu Inoenda kuJerusarema

RUKA 2:40-52

  • JESU ANOBVUNZA VADZIDZISI MIBVUNZO AINE MAKORE 12

  • JESU ANOTI JEHOVHA ‘NDIBABA VAKE’

Mava muchirimo. Saka yava nguva yekuti Josefa nemhuri yake uye hama neshamwari vaite rwendo rwavo rwekuenda kuJerusarema, urwo rwunoitwa gore negore. Vanoenda ikoko kunopemberera Paseka, sezvinotaura mutemo. (Dheuteronomio 16:16) Pane chinhambwe chemakiromita anenge 120 kubva kuNazareta kusvika kuJerusarema. Munhu wose ari kuita chipatapata uye ari kufara. Jesu, uyo ava nemakore 12, ari kutarisira chaizvo kuva pamutambo uyu uye kuva nemukana wekuva pedyo netemberi zvakare.

Jesu nemhuri yake vanotoita mazuva vari kuPaseka. Paseka ichipera, mangwana acho, Mutambo Wemakeke Asina Kuviriswa wemazuva manomwe unobva watanga. (Mako 14:1) Mutambo wacho wose unotorwa sePaseka. Rwendo rwekubva kuNazatera, uye kugara kwavachaita muJerusarema, nekuzodzokera kumba, zvinovatorera anenge mavhiki maviri. Asi gore rino pane zvinoitika kuna Jesu zvinoita kuti rwendo rwacho rwuvatorere mazuva akati wandei. Idambudziko rakazozivikanwa vanhu vava kudzoka kubva kuJerusarema.

NZENDO DZAIFADZA

Jesu nemhuri yake vachienda kuJerusarema

Nzendo dzekuenda kumitambo kuJerusarema katatu pagore dzaifadza munhu wose. (Dheuteronomio 16:15) Panzendo idzodzo, Jesu aiona nzvimbo dzakasiyana-siyana dzemunyika yacho, uye aionana nevamwe vanamati vaibva kune dzimwe nzvimbo. Zvechokwadi dzaiva nzendo dzisingakanganwiki!

Vari munzira, Josefa naMariya vanofunga kuti Jesu ari pakati pehama neshamwari dzavari kudzokera nadzo kumusha. Asi pavanomira manheru kuti vazorore, vanoshaya kuti ari kupi. Saka vanofamba vachimutsvaka pakati pevamwe vavari kufamba navo, asi vanomushaya. Mwana wavo anyangarika! Josefa naMariya vanobva vadzokera kuJerusarema kunomutsvaka.

Vanoswera vachimutsvaka asi havamuwani. Vanomutsvaka zvekare zuva rinotevera vomushaya. Vanotozomuwana pazuva rechitatu mutemberi vatambura sezvo temberi yacho iine mipanda yakawanda. Vanoona Jesu akagara pakati pevadzidzisi vechiJudha. Ari kuteerera zvavari kutaura, achibvunza mibvunzo, uye vari kushamiswa zvikuru nekunzwisisa kwake.

Josefa naMariya vanowana Jesu

“Mwana, watiitirei zvakadai?” anobvunza kudaro Mariya. “Tarira ini nababa vako tanga tichikutsvaka tichitambudzika mupfungwa.”—Ruka 2:48.

Jesu anoshamiswa kuti sei vatadza kuziva kwaari. “Nei maifanira kufamba muchinditsvaka?,” anobvunza kudaro. “Hamuna kuziva here kuti ndinofanira kuva mumba maBaba vangu?”—Ruka 2:49.

Iye zvino Josefa naMariya vaonana nemwana wavo saka vanodzokera kumusha kuNazareta uye anoramba achizviisa pasi pavo. Anoramba achikura uye anowedzerawo kuva neuchenjeri. Kunyange zvazvo achiri muduku, anofarirwa naMwari nevanhu. Kubva achiri muduku Jesu anoita zvinhu zvakanaka zvinogona kutevedzerwawo nevechiduku pakukoshesa nyaya dzekunamata uye pakuremekedza vabereki.

  • Munguva yechirimo, Jesu nemhuri yake vanogaroita rwendo rwupi, uye nei vachidaro?

  • Jesu paakanga aine makore 12, chii chakaitika Josefa naMariya vachidzokera kumusha kubva kuJerusarema, zvikazopedzisira zvaita kuti vaite sei?

  • Vechiduku mazuva ano vakasiyirwa muenzaniso upi naJesu?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe