RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwbr18 February pp. 2-6
  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu (2018)
  • Misoro Midiki
  • FEBRUARY 5-11
  • FEBRUARY 12-18
  • FEBRUARY 19-25
  • FEBRUARY 26–MARCH 4
Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu (2018)
mwbr18 February pp. 2-6

Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

FEBRUARY 5-11

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MATEU 12-13

“Mufananidzo Wegorosi Nemasora”

w13 7/15 9-10 ¶2-3

“Tarirai! Ndinemi Mazuva Ose”

2 Zviri kuitika mumunda wemurimi iyeye zvinoratidza maunganidziro aizoita Jesu boka rose regorosi kubva muvanhu uye kuti aizozviita rini. Boka regorosi rinoreva vaKristu vakazodzwa vachatonga naJesu muUmambo hwake. Kudyara kwakatanga paPendekosti ya33 C.E. Kuunganidza kuchapera kana vakazodzwa vachange vari vapenyu pachaguma nyika ino vaiswa chisimbiso chokupedzisira voendeswa kudenga. (Mat. 24:31; Zvak. 7:1-4) Sezvinongoita nzvimbo iri pamusoro pegomo inoita kuti munhu akwanise kuona zvinhu zviri kure, mufananidzo uyu unoita kuti tizive zvinhu zvaizoitika mumakore anenge 2 000. Zviitiko zvipi zvine chokuita neUmambo zvatinokwanisa kunzwisisa iye zvino? Mufananidzo uyu unotsanangura nguva yokudyara, yokukura, uye yokukohwa. Nyaya ino ichanyanya kukurukura nezvenguva yokukohwa.

KUNYATSOTARISIRWA NAJESU

3 Nechokwokutanga kwemakore ekuma100 C.E., ‘masora akaoneka’ vaKristu vokunyepera pavakatanga kuoneka mumunda wenyika. (Mat. 13:26) Pakazosvika makore ekuma300 C.E., vaKristu vakaita semasora vainge vawanda kupfuura vaKristu vakazodzwa. Yeuka kuti mumufananidzo wacho, varanda vakakumbira tenzi wavo mvumo yokudzura masora. (Mat. 13:28) Tenzi wacho akatii?

w13 7/15 10 ¶4

“Tarirai! Ndinemi Mazuva Ose”

4 Jesu akataura nezvegorosi nemasora achiti: “Regai zvose zvikure pamwe chete kusvikira pakukohwa.” Murayiro uyu unoratidza kuti kubva munguva yevaapostora kusvika iye zvino, panyika pagara paine vaKristu vakazodzwa vakaita segorosi. Pfungwa iyoyo inotsigirwa nezvakazotaurwa naJesu kuvadzidzi vake kuti: “Ndinemi mazuva ose kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” (Mat. 28:20) Saka vaKristu vakazodzwa vaizodzivirirwa naJesu mazuva ose kusvikira munguva yokuguma. Asi hatinyatsozivi kuti ndivanani vaiva veboka regorosi panguva iyoyo yakareba nokuti vaiva vashoma pane vaKristu vakaita semasora. Zvisinei, kuchine makumi emakore mwaka wokukohwa usati watanga, boka regorosi rakatanga kuoneka. Izvozvo zvakaitika sei?

w13 7/15 12 ¶10-12

“Tarirai! Ndinemi Mazuva Ose”

10 Chokutanga, kuunganidza masora. Jesu anoti: “Mumwaka wokukohwa ndichaudza vakohwi kuti, Tangai kuunganidza masora muasunge mwanda.” Pashure pa1914, ngirozi dzakatanga “kuunganidza” vaKristu vakaita semasora nokuvaparadzanisa ne“vanakomana voumambo” vakazodzwa.—Mat. 13:30, 38, 41.

11 Basa rokuunganidza zvaraifambira mberi, musiyano waiva pakati pemapoka aya maviri wakatanga kunyatsooneka. (Zvak. 18:1, 4) Pakazosvika 1919, zvakava pachena kuti Bhabhironi Guru rainge rawa. Chii chakanyanya kusiyanisa vaKristu vechokwadi nevokunyepera? Ibasa rokuparidza. Vaya vaitungamirira paVadzidzi veBhaibheri vakatanga kusimbisa kukosha kwekuti munhu wose aitewo basa rokuparidza Umambo. Somuenzaniso, kabhuku kakabudiswa muna 1919 kainzi To Whom the Work Is Entrusted, kakakurudzira vaKristu vakazodzwa vose kuti vaparidze paimba neimba. Kakati: “Basa racho rinoita serakakura chaizvo, asi nderaIshe, uye tichariita nesimba rake. Mune ropafadzo yokuriita.” Hama dzakaita sei? The Watch Tower ya1922 yakati kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, Vadzidzi veBhaibheri vakawedzera basa ravo rokuparidza. Pasina nguva, vaKristu ivavo vakatendeka vakatanga kuzivikanwa nebasa rokuparidza paimba neimba, uye vachiri kuzivikanwa nebasa iroro.

12 Chechipiri, kuunganidza gorosi. Jesu anorayira ngirozi dzake kuti: ‘Unganidzai gorosi mudura rangu.’ (Mat. 13:30) Kubva muna 1919, vakazodzwa vave vachiunganidzwa muungano yechiKristu yakacheneswa. Kuunganidzwa kwevaKristu vakazodzwa vachange vari vapenyu pachaguma nyika ino kuchapera pavachapiwa mubayiro wavo wokudenga.—Dhan. 7:18, 22, 27.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 12:20

tambo inopfungaira: Rambi raishandiswa nevakawanda raiva kamudziyo keivhu kadiki kaiiswa mafuta emuorivhi. Rambi racho raiiswa tambo yemufurakisi. Mashoko echiGiriki ekuti “tambo inopfungaira” anogona kureva tambo yava kuda kudzima. Uprofita huri pana Isaya 42:3 hwakataura kuti Jesu aizonzwira tsitsi vanhu vaizvininipisa uye vaidzvinyirirwa. Aizopfutidza tariro yavo yainge yava kudzima.

w16.10 32

Waizviziva Here?

Ndezvechokwadi here kuti kare munhu aigona kutodyara masora mumunda wemumwe munhu?

PANA Mateu 13:24-26, Jesu akataura kuti: “Umambo hwokumatenga hwakafanana nomumwe munhu akadyara mbeu yakanaka mumunda make. Vanhu pavakanga vakarara, muvengi wake akauya akadyarawo masora pakati pegorosi, akaenda. Chipande chakati chabuda chikabereka zvibereko, masora akabva aonekawo.” Vanyori vakasiyana-siyana havana chokwadi kuti zvakataurwa mumufananidzo iwoyo zvaiitika here, asi zvinyorwa zvekare zveRoma zvinoratidza kuti zvaiitika.

“Kudyara sora rinonzi darnel nechinangwa chekutsiva . . . yaiva mhosva pasi pemutemo weRoma. Kudzikwa kwemutemo panyaya iyi kunoratidza kuti izvi zvaigara zvichiitika,” rinodaro rimwe duramazwi reBhaibheri. Muongorori wezvemitemo anonzi Alastair Kerr akatsanangura kuti muna 533 C.E., Mambo weRoma ainzi Justinian akabudisa bhuku rake rinonzi Digest, iro raiva pfupiso yemitemo yeRoma uye raiva nemamwe mashoko akanyorwa nenyanzvi dzezvemitemo dzakararama kubva munenge muna 100 C.E. kusvika muna 250 C.E. Maererano nebhuku iri (Digest, 9.2.27.14), nyanzvi yezvemitemo yainzi Ulpian yakataura nezveimwe nyaya yakatongwa nemumwe murume aiva muhurumende yeRoma ainzi Celsus. Sora rakanga radyarwa mumunda wemumwe munhu, zvirimwa zvake zvikaparara. Bhuku racho rinotaura nezvematanho aigona kutorwa nemuridzi wemunda kana kuti murimi kuti abhadharwe nemunhu ainge amudyarira sora.

Utsinye hwakadaro hwaiitwa muUmambo hweRoma munguva dzekare hunoratidza kuti zvakataurwa naJesu zvaiitika zvechokwadi muupenyu.

FEBRUARY 12-18

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MATEU 14-15

“Kupa Vakawanda Zvekudya Pachishandiswa Vashoma”

w13 7/15 15 ¶2

Kupa Vakawanda Zvekudya Pachishandiswa Vashoma

2 Jesu paanoona boka revanhu anosiririswa navo saka anobva arapa varwere vavo uye kuvadzidzisa zvakawanda nezveUmambo hwaMwari. Ava manheru, vadzidzi vanoudza Jesu kuti aendese vanhu kuti vapinde mumisha iri pedyo uye vazvitengere zvekudya. Asi Jesu anoudza vadzidzi vake kuti: “Imi vapei zvokudya.” Mashoko ake anofanira kunge anoita kuti vavhiringidzike nokuti panongova nezvingwa zvishanu nehove duku mbiri chete.

w13 7/15 15 ¶3

Kupa Vakawanda Zvekudya Pachishandiswa Vashoma

3 Anzwa tsitsi, Jesu anoita chishamiso uye chishamiso ichocho ndicho choga chakanyorwa nevanyori veEvhangeri vose vari vana. (Mako 6:35-44; Ruka 9:10-17; Joh. 6:1-13) Jesu anoudza vadzidzi vake kuti varayire vanhu vose kuti vatsenhame pauswa hwakasvibirira vari mumapoka evanhu 50 uye 100. Pashure pokunge akumbira chikomborero, anomedura chingwa nehove. Zvadaro, pane kuti iye pachake ape vanhu zvekudya zvacho, Jesu anozvipa ‘vadzidzi, vadzidzi vozvipawo mapoka acho evanhu.’ Zvinoshamisa kuti vanhu vadya vakaguta zvokuti zvimwe zvatosara! Pafunge: Jesu apa zviuru zvevanhu zvekudya achishandisa vashoma, kureva vadzidzi vake.

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 14:21

vakadzi nevana vaduku vasingabatanidzwi: Mateu ndiye ega anotaura kuti chishamiso pachakaitwa pakanga painewo vakadzi nevana vaduku. Vanhu vakapiwa zvekudya vanogona kunge vaitopfuura 15 000.

w13 7/15 15 ¶1

Kupa Vakawanda Zvekudya Pachishandiswa Vashoma

FUNGIDZIRA zviri kuitika. (Verenga Mateu 14:14-21.) Paseka ya32 C.E. yava kuda kusvika. Jesu nevadzidzi vake vane boka revarume 5 000 tisingabatanidzi vakadzi nevana vaduku, pane imwe nzvimbo isingagari vanhu pedyo nemusha weBhetisaidha, uri kumahombekombe ekuchamhembe eGungwa reGarireya.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 15:7

vanyengeri: Shoko rechiGiriki rekuti hy·po·kri·tesʹ pakutanga raishandisirwa kuvatambi vechiGiriki vaivaraidza vanhu uye pava paya, vatambi vechiRoma vakatanga kurishandisawo. Vatambi ava vaipfeka mamasiki akakura aiita kuti inzwi riwedzere kunzwika. Shoko racho rakazotanga kushandiswa kureva munhu anovanza zvaari kana kuti anonyepedzera. Jesu anoti vatungamiriri vechitendero chechiJudha “vanyengeri.”—Mt 6:5, 16.

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 15:26

vana . . . imbwa duku: MuBhaibheri, shoko rekuti imbwa rinowanzoshandiswa kureva vanhu vanoita zvinhu zvisina kunaka nekuti Mutemo waMosesi waiti imbwa hadzina kuchena. (Re 11:27; Mt 7:6; VaF 3:2; Zva 22:15) Asi mubhuku raMako (7:27) uye raMateu, shoko rakashandiswa naJesu rinoreva “imbwa duku” kana kuti “imbwa inochengetwa pamba” uye rinoratidza kuti akanga asiri kutsvinya. Jesu anogona kunge akashandisa shoko iri achifunga nezveimbwa dzemumba dzaichengetwa nevanhu vakanga vasiri vaJudha. Kana pari pamba paiva nevana neimbwa, vana ndivo vaitanga kupiwa zvekudya. Paakafananidza vaIsraeri ‘nevana’ uye vanhu vakanga vasiri vaJudha ‘neimbwa duku,’ Jesu aida kuratidza kuti vaIsraeri ndivo vakanga vari pekutanga.

FEBRUARY 19-25

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MATEU 16-17

“Une Mafungiro Aani?”

w07 2/15 16 ¶17

Varume—Zivai Kuti Kristu Ndiye Musoro

17 Pane imwe nguva, Jesu akatsanangurira vaapostora vake kuti aifanira kuenda kuJerusarema, kwaaizotambudzwa ne“varume vakuru nevapristi vakuru nevanyori, ourayiwa, ozomutswa pazuva rechitatu.” Petro anzwa izvi akatora Jesu akaenda naye padivi akatanga kumutsiura achiti: “Zviitirei mutsa, Ishe; hamungambovi nomugumo uyu.” Zviri pachena kuti maonero aPetro akanga avhiringidzwa nokunzwira tsitsi. Aifanira kururamiswa. Saka Jesu akati kwaari: “Enda shure kwangu, Satani! Uri chinhu chinogumbura kwandiri, nokuti haufungi zvinofungwa naMwari, asi zviya zvinofungwa nevanhu.”—Mateu 16:21-23.

w15 5/15 13 ¶16-17

Ngwarira—Satani Anoda Kukudya!

16 Satani anogona kunyengedza kunyange vashumiri vaJehovha vanoshingaira. Somuenzaniso, funga zvakaitika Jesu paakaudza vadzidzi vake kuti akanga ava pedyo nekuurayiwa. Hapana mubvunzo kuti muapostora Petro aiva nechinangwa chakanaka paakatora Jesu padivi akamuudza kuti: “Zviitirei mutsa, Ishe; hamungambovi nomugumo uyu.” Jesu akamupindura zvakasimba achiti: “Enda shure kwangu, Satani!” (Mat. 16:22, 23) Nei Jesu akadaidza Petro kuti “Satani”? Nokuti Jesu aiziva zvakanga zvava kuda kuitika. Nguva yokuti afe sechibayiro chorudzikinuro uye aratidze kuti Dhiyabhorosi murevi wenhema, yakanga yava kuda kusvika. Panguva iyi inokosha zvikuru munhoroondo yevanhu, zvakanga zvisina kukodzera kuti Jesu ‘azviitire mutsa.’ Satani aizoda chaizvo kuti Jesu atadze kuramba akarinda.

17 Sezvatava kusvika kumugumo wenyika ino yakaipa, nesuwo tiri kurarama munguva inokosha chaizvo. Satani anoda kuti ‘tizviitire mutsa’ nokuzvitsvakira upenyu hwakatinakira munyika ino, tokanganwa kuti mugumo wava pedyo. Usarega izvozvo zvichiitika kwauri! ‘Ramba wakarinda.’ (Mat. 24:42) Usabvuma kufurirwa nenhema dzaSatani dzokuti mugumo uri kure chaizvo kana kuti hausi kuzombouya.

w06 4/1 23 ¶9

‘Endai Munoita Vadzidzi, Muchivabhabhatidza’

9 Kutevera muenzaniso waJesu wokuita zvinodiwa naMwari kunosanganisirei? Jesu akati kuvadzidzi vake: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atore danda rake rokutambudzikira, arambe achinditevera.” (Mateu 16:24) Pano akataura zvinhu zvitatu zvatinofanira kuita. Chokutanga, ‘tinozviramba.’ Nemamwe mashoko, tinoramba mafungiro edu oudyire, asina kukwana, tobvuma zvinotaurwa naMwari uye kutitungamirira kwaanoita. Chechipiri, ‘tinotora danda redu rokutambudzikira.’ Mumazuva aJesu danda rokutambudzikira rairatidza kuti munhu anyadziswa uye atambura. SevaKristu, tinobvuma kuti dzimwe nguva tingatambudzirwa mashoko akanaka. (2 Timoti 1:8) Kunyange zvazvo nyika ingatiseka kana kutizvidza, kufanana naKristu hatina ‘hanya nokunyadziswa,’ tichifara kuziva kuti tiri kufadza Mwari. (VaHebheru 12:2) Chokupedzisira, ‘tinoramba’ tichitevera Jesu.—Pisarema 73:26; 119:44; 145:2.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 16:18

Ndiwe Petro, uye padombo guru iri: Shoko rechiGiriki rekuti peʹtros rinoreva “dombo.” Pavhesi iyi, rinoshandiswa sezita (Petro), zita rechiGiriki rakapiwa Simoni naJesu. (Joh 1:42) Rimwe shoko rechiGiriki rinoreva dombo ndipeʹtra uye rinogonawo kureva dombo riri pasi peivhu, ruware, kana mawere. Shoko iroro rechiGiriki rinowanikawo pana Mt 7:24, 25; 27:60; Ru 6:48; 8:6; VaR 9:33; 1VaK 10:4; 1Pe 2:8. Petro aisazviona sedombo raizovakirwa ungano naJesu nekuti pana 1Pe 2:4-8 akanyora kuti Jesu ndiye aiva “dombo renheyo repakona,” rakasarudzwa naMwari. Muapostora Pauro akataurawo nezvaJesu ‘senheyo’ kana kuti faundesheni uye ‘dombo guru remweya.’ (1VaK 3:11; 10:4) Saka Jesu akanga ari kuti: ‘Iwe wandakapa zita rekuti Petro, rinoreva kuti dombo, wanzwisisa kuti ndini Kristu, “dombo,” richava nheyo yeungano yechiKristu.’

ungano: Ndipo pekutanga panowanika shoko rechiGiriki rekuti ek·kle·siʹa. Rinobva pamashoko maviri echiGiriki, ek uye ka·leʹo, ayo anoreva “kudaidzwa.” Rinoreva vanhu vanodaidzwa kuti vaunganire kuita chimwe chinhu. Pano Jesu anotaura nezvekutangwa kweungano yechiKristu inenge iine vaKristu vakazodzwa ‘vari kuvakwa sematombo mapenyu kuti vave imba yemweya.’ (1Pe 2:4, 5) Shoko iri rechiGiriki rinowanzoshandiswa muSeptuagint pakushandura shoko rechiHebheru rekuti “ungano,” iro rinoreva rudzi rwese rwevaIsraeri. (Dhe 23:3; 31:30) Pana Mab 7:38, vaIsraeri vakabudiswa muIjipiti vanotaurwa nezvavo ‘seungano.’ VaKristu ‘vanodanwa kubva murima’ uye ‘vakasarudzwa munyika’ vanotaurwawo nezvavo ‘seungano yaMwari.’—1Pe 2:9; Joh 15:19; 1VaK 1:2.

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 16:19

kiyi dzoumambo hwokumatenga: MuBhaibheri, kupiwa kiyi, kungava kupiwa chaiko kana kwekungofananidzira, kwaireva kuti munhu ava nesimba rekuita zvimwe zvinhu. (1Mak 9:26, 27; Isa 22:20-22) Saka shoko rekuti “kiyi” rakazopedzisira rava kureva simba uye chinzvimbo. Petro akashandisa “kiyi” dzaakapiwa kuti avhurire vaJudha (Mab 2:22-41), vaSamariya (Mab 8:14-17), uye vemamwe marudzi (Mab 10:34-38) mukana wekuti vawane mweya waMwari kuti vazopinda muUmambo hwekumatenga.

FEBRUARY 26–MARCH 4

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MATEU 18-19

“Usazvigumbura Kana Kugumbura Vamwe”

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 18:6, 7

guyo rinotenderedzwa nembongoro: Kana kuti “guyo rakakura.” Guyo iroro rainge rakafara mamita anenge 1,2 kusvika 1,5 uye rairema zvekuti raitofanira kutenderedzwa nembongoro.

zvinhu zvinogumbura: Shoko rechiGiriki rekuti skanʹda·lon, iro rinoreva “chinhu chinogumbura,” rinofungidzirwa kuti raireva musungo uye vamwe vanoti kaiva katanda kanenge kari pamusungo kainge kakabayirirwa chikafu. Rakazotanga kushandiswa kureva chero chinhu chaigona kuita kuti munhu agumburwe kana kuti adonhe. Shoko iri rinogona kushandiswawo richireva zvinhu zvingaita kuti munhu aite zvakaipa kana kuti kutoita chivi. Pana Mt 18:8, 9, shoko rekuti skan·da·liʹzo, rakashandurwa kuti “kugumbura,” rinogona kunziwo “kuva musungo; kukonzera chivi.”

nwtsty mapikicha nemavhidhiyo

Guyo

Makuyo aishandiswa kukuya zviyo uye kusvina mafuta emaorivhi. Mamwe aiva madiki zvekuti munhu aigona kukuya nemaoko, asi mamwe ainge akakura zvekuti paitoda mhuka kuti itenderedze guyo racho. Guyo rakatenderedzeswa Samsoni nevaFiristiya rinogona kunge rakanga rakakura kudaro. (Vat 16:21) MuIsrael uye munzvimbo dzaitongwa neRoma ndimo maiwanikwa makuyo aitenderedzwa nemhuka.

Guyo

Guyo riri pamusoro, rakakura seriri kuratidzwa pano raitenderedzwa nemhuka yakadai sedhongi, uye raishandiswa kukuya zviyo kana kuti kusvina maorivhi. Guyo racho raigona kufara kusvika kumamita 1,5.

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 18:9

Gehena: Shoko iri rinobva pamashoko echiHebheru ekuti geh hin·nomʹ, ayo anoreva kuti “mupata waHinomu,” waiva kumadokero kwakadziva kumaodzanyemba kweJerusarema rekare. (Ona sgd chikamu 16, mepu yakanzi “Jerusarema neNzvimbo Yakapoteredza.”) Munguva yaJesu, mupata wacho waipisirwa marara, saka shoko rekuti “Gehena” rinongoratidza kuparadzwa zvachose.

nwtsty Mashoko emuBhaibheri

Gehena

Ishoko rechiGiriki rinoreva mupata waHinomu, uri kumadokero kwakadziva kumaodzanyemba kweJerusarema rekare. (Jer 7:31) Mupata uyu wakataurwa nezvawo muuprofita senzvimbo yaizorasirwa zvitunha. (Jer 7:32; 19:6) Hapana umboo hunoratidza kuti mhuka kana vanhu vaikandirwa muGehena kuti vatsve vari vapenyu. Saka haisi nzvimbo inopiswa vanhu nekusingaperi. Jesu nevaapostora vake vaishandisa shoko rekuti Gehena vachireva “rufu rwechipiri,” urwo rwunoreva kuparadzwa zvachose.—Zva 20:14; Mt 5:22; 10:28.

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 18:10

dzichiona chiso chaBaba vangu: Ngirozi ndidzo dzega dzinogona kuona chiso chaMwari nekuti dzinomira pamberi pake.—Eks 33:20.

w10 11/1 16

Zvinoitwa Nengirozi Kwatiri

Jesu akaratidza kuti ngirozi dzakapiwa basa rokuona kuti vashumiri vaMwari vari kufambirwa zvakanaka here nenyaya dzokunamata. Ndosaka Jesu akanyevera vadzidzi vake kuti vasagumbura vamwe achiti: “Chenjerai kuti hamuzvidzi mumwe wevaduku ava; nokuti ndinokuudzai kuti ngirozi dzavo dziri kudenga dzinogara dzichiona chiso chaBaba vangu vari kudenga.” (Mateu 18:10) Jesu paakataura izvi akanga asiri kureva hake kuti muteveri wake mumwe nomumwe ane ngirozi yake inomuchengeta. Asi aireva kuti ngirozi dzinoshanda pamwe naMwari dzinoda chaizvo kuti zvinhu zvifambe zvakanaka muungano yechiKristu.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 18:22

Kanosvika ka77: Shoko iri muchiGiriki rinogona kureva “70+7” (ka77) kana kuti “70×7” (ka490). Ndiro Shoko rakashandiswa muGreek Septuagint pana Gen 4:24 kushandura shoko rechiHebheru rinoreva kuti 77 uye zvinotsigira mashandurirwo akaitwa pana Mat 18:22 ekuti ka77. Saka pasinei nekuti shoko iri rinogona kureva ka77 kana kuti ka490, chinokosha ndechekuti kudzokororwa kwa7 kunoratidza kuti “nekusingaperi.” Paakaudza Petro kuti ka77, Jesu aiudza vateveri vake kuti vaifanira kuramba vachiregerera vamwe. Zvakataurwa naJesu zvakasiyana nezviri muBabylonian Talmud (Yoma 86b), iyo inoti: “Kana munhu akatadza kekutanga, kechipiri uye kechitatu anoregererwa asi kechina haaregererwi.”

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 19:7

rugwaro rwokudzinga: Kana kuti “rugwaro rwokuramba.” Mutemo waiti kana murume achida kuramba mudzimai wake aifanira kunyora gwaro uye aigonawo kumbotanga ataura nevakuru asati aita chisarudzo. Mutemo wacho waiita kuti vanhu vasangokurumidza kurambana uye waidzivirira vakadzi. (Dhe 24:1) Asi munguva yaJesu, vatungamiriri vezvitendero vaiita kuti kurambana kuve nyore. Munyori wezvakaitika kare ainzi Josephus, uyo aiva muFarisi uye ainge akarambana nemukadzi wake, akataura kuti vanhu vaigona kurambana “nekuda kwechero chikonzero (uye varume ndivo vaiwanzova nezvikonzero izvozvo).”

nwtsty mapikicha nemavhidhiyo

Rugwaro Rwokuramba

Gwaro iri rakanyorwa nechiAramaiki muna 71 kana kuti 72 C.E. Rakawanika kuchamhembe kweWadi Murabbaat, rwizi rwakaoma rwuri mugwenga reJudhiya. Rinoti mugore rechi6 rekupanduka kwevaJudha, Joseph, mwanakomana waNaqsan, aigara muguta reMasada, akarambana naMiriam mwanasikana waJonathan.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe