RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • fg chidzidzo 14 mibv. 1-4
  • Nei Mwari Aine Sangano?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Mwari Aine Sangano?
  • Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Mwari Aine Sangano?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mwari Ane Sangano Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Marongerwo Akaitwa Ungano
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Nzira Iyo Zvapupu zvaJehovha Zvakarongwa Nayo
    Mwari Anodei Kwatiri?
Ona Zvimwe
Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
fg chidzidzo 14 mibv. 1-4

CHIDZIDZO 14

Nei Mwari Aine Sangano?

1. Nei Mwari akasarudza vaIsraeri kuti vave vanhu vake?

1. Vanhu vaMwari muIsraeri yekare 2. VaKristu vekare vachiparidza zvakarongeka

Mwari akasarudza vazukuru vaAbrahamu kuti vave vanhu vake akavapa mitemo. Akabva avatumidza kuti vaIsraeri uye ndivo chete rudzi rwainamata sezvaaida. Akavapawo shoko rake. (Pisarema 147:19, 20) Saka vanhu vemarudzi ese vaizowana makomborero kubva kuvaIsraeri.​—Verenga Genesisi 22:18.

Mwari akasarudza vaIsraeri kuti vave zvapupu zvake. Nhoroondo yevaIsraeri inotiratidza kuti kana vanhu vakateerera mitemo yaMwari zvinhu zvinovafambira zvakanaka. (Dheuteronomi 4:6) Saka vanhu vemamwe marudzi vaigona kudzidza nezvaMwari wechokwadi kuvaIsraeri.​—Verenga Isaya 43:10, 12.

2. Nei Mwari akaita kuti pave neungano yechiKristu?

Nekufamba kwenguva, vaIsraeri vakarambwa naMwari, uye Jehovha akabva aita kuti pave neungano yechiKristu. (Mateu 21:43; 23:37, 38) VaKristu vechokwadi ndivo vakabva vava zvapupu zvaJehovha.​—Verenga Mabasa 15:14, 17.

Jesu akaita kuti vateveri vake vaite basa rekuparidza uye rekudzidzisa vanhu zvakarongeka pasi rese. (Mateu 10:7, 11; 24:14; 28:19, 20) Basa iri rava kutosvika kumagumo aro mumazuva ano ekupedzisira enyika ino. Iye zvino Jehovha ane vanhu vakawanda zvisati zvamboitika munhoroondo yevanhu vari kumunamata sezvaanoda vakabatana. (Zvakazarurwa 7:9, 10) VaKristu vechokwadi vari musangano rimwe chete, uye vakabatanidzwa saizvozvo kuti vakurudzirane, vachibatsirana. Zvavanodzidza muBhaibheri pamisangano yavo zvakafanana pasi rese.​—Verenga VaHebheru 10:24, 25.

3. Sangano reZvapupu zvaJehovha remazuva ano rakatanga sei?

Zvapupu zvaJehovha zvichiparidza kuma1900 uye mazuva ano; zvinyorwa zvekushandisa pakudzidza Bhaibheri mumitauro yakawanda.

Kuma1870, pakava neboka diki revadzidzi veBhaibheri rakatanga kunzwisisazve chokwadi cheBhaibheri chakanga chava nenguva refu chisisazivikanwi. Vakanzwisisa kuti Jesu akarayira ungano yechiKristu kuti iparidze, saka vakatanga basa rekuparidza nezveUmambo pasi rese. Muna 1931 vakatanga kushandisa zita rekuti Zvapupu zvaJehovha.​—Verenga Mabasa 1:8; 2:1, 4; 5:42.

4. Sangano reZvapupu zvaJehovha rakamira sei?

Panguva yevaapostora vaJesu, ungano dzechiKristu idzo dzaiva munzvimbo dzakawanda, dzaibatsirwa nedare raizviisa pasi paJesu, musoro weungano. (Mabasa 16:4, 5) Mazuva ano, Zvapupu zvaJehovha zviri kubatsirwawo neDare Rinotungamirira rine vatariri vane ruzivo. Ndiro rinotungamirira basa rinoitwa pamahofisi eZvapupu zvaJehovha ayo anoprinda zvinyorwa zvinoshandiswa pakudzidza Bhaibheri zvinenge zvaiswa mumitauro inopfuura 600, zvoendeswa munzvimbo dzakasiyana-siyana. Saka Dare Rinotungamirira rinokurudzira uye rinopa mirayiridzo kuungano dzinopfuura 100 000 pasi rese. Muungano imwe neimwe munenge muine varume vanogadzwa maererano nezvinotaurwa neBhaibheri kuti vashumire sevakuru kana kuti vatariri. Varume ivavo vanofudza boka raMwari nerudo.​—Verenga 1 Petro 5:2, 3.

Zvapupu zvaJehovha zviri kuita basa rekuparidza mashoko akanaka nekudzidzisa vanhu zvakarongeka. Tinoparidza paimba neimba sezvaiitwa nevaapostora. (Mabasa 20:20) Tinotsvaga vanhu vanoda kunzwa chokwadi kuti tidzidze navo Bhaibheri. Asi Zvapupu zvaJehovha harisi sanganowo zvaro. Tiri mhuri ina Baba vane rudo. Tiri hama nehanzvadzi dzinodanana. (2 VaTesaronika 1:3) Sezvo vanhu vaJehovha vari sangano rinofadza Mwari uye rinobatsira vamwe, ndivo mhuri inofara kupfuura dzimwe dzese panyika.​—Verenga Pisarema 33:12; Mabasa 20:35.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 19 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinotidzidzisei?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe