RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb19 February p. 8
  • Ramba Wakamirira Uchitsungirira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ramba Wakamirira Uchitsungirira
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
  • Mashoko Akafanana
  • Ngapasava Nechinoita Kuti Ushaye Mubayiro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • “Kutsungirira Ngakupedze Basa Rakwo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Tsungiriro—Inokosha Nokuda kwamaKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Kumhanya Nhangemutange Netsungiriro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
mwb19 February p. 8

KURARAMA KWECHIKRISTU

Ramba Wakamirira Uchitsungirira

Wava nenguva yakareba sei wakamirira kuti Umambo hwaMwari huuye? Uri kutsungirira nemwoyo murefu here pasinei nematambudziko auinawo? (VaR 8:25) Vamwe vaKristu vanovengwa, vanobatwa zvisina kunaka, vanoiswa mumajeri, kunyange kutourayiwa. Vamwewo vari kutambura nezvirwere zvisingarapiki kana kukwegura.

Chii chichatibatsira kuti tirambe tichitsungirira? Kuverenga Bhaibheri zuva nezuva, kudzamisa pfungwa pane zvatinenge taverenga uye kuisa pfungwa patariro yedu zvichatibatsira kutsungirira. (2VaK 4:16-18; VaH 12:2) Tinofanira kukumbira Jehovha kuti atipe mweya wake mutsvene. (Ru 11:10, 13; VaH 5:7) Jehovha achatibatsira kuti ‘titsungirire zvizere nemwoyo murefu nemufaro.’​—VaK 1:11.

ONA VHIDHIYO INONZI ‘NGATIMHANYEI TICHITSUNGIRIRA’​—IVA NECHIVIMBO CHEKUTI UCHAWANA MUBAYIRO, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Hama Jamie nemudzimai wavo vari muushumiri

    Ndezvipi “zviitiko zvisingafanoonekwi” zvingaitika muupenyu? (Mup 9:11)

  • Hama Jamie pavakasitiroka, hama Carl vakavaverengera mavhesi anokurudzira

    Munyengetero unotibatsira sei patinosangana nematambudziko?

  • Hama Jamie nahama Carl vachifudza mumwe murume nemudzimai

    Kana tisingachakwanisi kuita zvataimboita pakushumira Jehovha, nei tichifanira kuisa pfungwa pane zvatichiri kukwanisa kuita?

  • Hama Jamie vachizviona vasisiri kurwara muParadhiso

    Pfungwa dzako ngadzirambe dziri pamubayiro

    Chii chinokubatsira kuti urambe uine chivimbo chekuti uchawana mubayiro?

Ungabatsira sei vaya vari kusangana nematambudziko pamwe chete nemhuri dzavo?

  • Taura mashoko anonyaradza uye usavaenzanisa nevamwe

  • Nyatsovateerera pavanotaura

  • Vanyengeterere uye nyengeterawo navo

  • Vabikire zvekudya kana kuvaitira mamwe mabasa epamba

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe