Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
NOVEMBER 4-10
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 1 JOHANI 1-5
“Musada Nyika Kana Zvinhu Zviri Munyika”
Tevedzera Muenzaniso Wakaitwa naJesu
13 Vamwe vangafunga kuti hazvisi zvinhu zvose zviri munyika zvakaipa. Kunyange zvakadaro, nyika nezvinhu zvayo zvinokwezva zvingatitsausa nyore pakushumira Jehovha. Uye hapana chinopiwa nenyika chakagadzirirwa kutiswededza pedyo naMwari. Saka, kana tikanyanya kuda zvinhu zviri munyika, kunyange zvinhu zvingave zvisina hazvo kuipa, tinenge tiri pangozi. (1 Timoti 6:9, 10) Kunze kweizvi, zvakawanda zviri munyika zvakatoipa uye zvinogona kutikanganisa. Kana tichiona mabhaisikopu kana kuti purogiramu dzeterevhizheni dzinoratidza chisimba, kunyanya kuda zvinhu zvokunyama, kana kuti unzenza, tingazoona zvinhu izvozvo sezvakanaka—asi zvozova muedzo kwatiri. Kana tikashamwaridzana nevanhu vanonyanya kufarira kunatsiridza mararamiro avo kana kuti kukudziridza mikana yebhizimisi, zvinhu izvozvo zvinganyanya kukoshawo kwatiri.—Mateu 6:24; 1 VaKorinde 15:33.
Funga Kuti Unofanira Kuva Munhu Worudzii
18 Chimwe chinhu chinotibatsira kuti tisatsauswa ne“zvinhu zviri munyika” kugara tichiyeuka mashoko akafemerwa aJohani okuti: “Nyika iri kupfuura pamwe chete nokuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.” (1 Joh. 2:17) Nyika yaSatani inoita seicharamba iripo. Asi rimwe zuva ichaguma. Hapana chinhu chiri munyika yaSatani chichagara narini. Kuyeuka izvozvo kuchatibatsira kuti tisanyengerwa nemazano aDhiyabhorosi.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Zviyeuchidzo zvaJehovha Zvakavimbika
14 Magwaro echiKristu echiGiriki akazara nezviyeuchidzo zvinotibatsira kuti tidanane. Jesu akataura kuti murayiro mukuru wechipiri ndewokuti “ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Mat. 22:39) Jakobho, munin’ina waJesu, akatiwo rudo “mutemo wamambo.” (Jak. 2:8) Muapostora Johani akanyora kuti: “Vadiwa, handisi kukunyorerai murayiro mutsva, asi murayiro wekare wamange muinawo kubvira pakutanga. . . Zvakare, ndiri kukunyorerai murayiro mutsva.” (1 Joh. 2:7, 8) Johani paakati “murayiro wekare” uye “murayiro mutsva” aireva murayiro upi? Aireva murayiro wekudanana. Waiva “wekare” pakuti painge papera makumi emakore “kubvira pakutanga,” pawakapiwa naJesu. Asi waivawo “mutsva” pakuti vadzidzi vaifanira kuratidza rudo rwokuzvipira, rwaigona kuzovabatsira pavaisangana matambudziko matsva. Sevadzidzi vaKristu, hationgi here nyevero dzinotibatsira kuti tisangozvifunga pachedu sezvinoitwa nenyika, izvo zvinogona kuita kuti tisada muvakidzani?
it-1-E 862 ¶5
Kuregerera
Tinogona kunyengeterera vamwe kuti varegererwe naMwari; tinogona kutonyengeterera ungano yese. Ndizvo zvakaitwa naMozisi, akanyengeterera vaIsraeri. Akareurura chivi cherudzi rwacho rwese achivakumbirira ruregerero, uye Jehovha akamunzwa. (Nu 14:19, 20) Uyewo pakukumikidzwa kwetemberi, Soromoni akanyengetera kuna Jehovha kuti aregerere vanhu vake pavaipfidza. (1Mad 8:30, 33-40, 46-52) Ezra akanyengetera achimiririra vaJudha vakanga vadzoka kunyika kwavo achireurura zvivi zvavo. Munyengetero waakapa uye zvaakataura zvakakurudzira vanhu kuti vagadzirise zvinhu kuti varegererwe naJehovha. (Ezr 9:13–10:4, 10-19, 44) Jakobho akatiwo kana munhu achirwara pakunamata ngaashevedze vakuru veungano kuti vamunyengeterere, uye “kana aine zvivi zvaakaita, acharegererwa.” (Jak 5:14-16) Asi kune “chivi chinokonzera rufu,” chivi chekumhura mweya mutsvene, kureva kuramba tichiita chivi nemaune uye chivi ichocho hachizoregererwi. MuKristu haafaniri kunyengeterera vanhu vakadaro kuti varegererwe.—1Jo 5:16; Mt 12:31; VaH 10:26, 27.
NOVEMBER 11-17
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 JOHANI 1–JUDHA
“Tinofanira Kurwa Kuti Tirambe Tiri Muchokwadi”
“Rambai Muchiwana Simba munaShe”
8 Mazano aSatani tinoaziva nokuti Magwaro anoratidza nzira dzaanonyanya kushandisa. (2 VaKorinde 2:11) Paakarwisa murume akanga akarurama Jobho, Dhiyabhorosi akashandisa zvinetso zvakakomba zvoupfumi, kufa kwevadiwa, kushorwa nevomumhuri, kutambura, uye kushorwa neshamwari dzenhema pasina chikonzero. Jobho akaora mwoyo uye akafunga kuti Mwari akanga amusiya. (Jobho 10:1, 2) Kunyange zvazvo nhasi Satani angasakonzera zvinetso izvi nenzira yakananga, vaKristu vakawanda vari kusangana nezvinetso zvakadaro, uye Dhiyabhorosi angashandisa zvinetso izvi kuti zvimunakire.
9 Zvinhu zvine ngozi pakunamata zvawanda munguva ino yomugumo. Tiri kurarama munyika umo kunyanya kutsvaka zvinhu zvokunyama kuri kudarika zvinangwa zvokunamata. Zvinobudisa nhau zvinogara zvichiratidza unzenza sechinhu chinonakidza panzvimbo pokushushikana. Uye vanhu vakawanda vava ku“da zvinofadza panzvimbo pokuda Mwari.” (2 Timoti 3:1-5) Mafungiro aya anogona kukanganisa kutsiga kwedu pakunamata kutoti ‘tikarwira kwazvo kutenda.’—Judha 3.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
it-2-E 279
Mitambo Yerudo
Bhaibheri haritsananguri zvaiitwa pamitambo iyi kana kuti yaiitwa kakawanda sei. (Jud 12) Ishe Jesu Kristu kana vadzidzi vake havana kurayira vanhu kuti vaite mitambo iyi, uye zviri pachena kuti yaisafanira kuramba ichiitwa uye kuti munhu haasungirwi kuiita. Vamwe vanoti mitambo iyi yaiitwa nevaKristu vakapfuma vobva vakoka hama nehanzvadzi dzavo dzaiva varombo. Pamitambo iyi nherera, chirikadzi, vapfumi nevarombo vaiungana pamwe chete vachidya machikichori ezvekudya vakabatana pamwe chete sehama.
it-2-E 816
Dombo
Shoko rechiGiriki rekuti spi·lasʹ, rinoreva dombo rinowanikwa pasi pemvura. Judha akarishandisa achireva vamwe varume vakanga vaverevedza vachipinda muungano yechiKristu vaine chinangwa chekukanganisa ungano. Sezvo matombo ainge ari pasi pemvura aigona kuisa ngarava panjodzi, ndizvo zvakanga zvakaitawo varume ava kuungano. Akati nezvevarume ava: “Ava ndivo matombo akahwanda pasi pemvura pamitambo yenyu pavanenge vachidya nemi.”—Judha 12.
“Akanga Anyatsofadza Mwari”
Inoki akaprofita kuti kudii? Akati: “Tarirai! Jehovha akauya nemakumi ake ezviuru zvengirozi tsvene, kuti atonge vose, uye kuti ape mhosva vose vasingadi Mwari pamusoro pemabasa avo ose okusada Mwari avakaita nenzira yokusada Mwari, uye pamusoro pezvinhu zvose zvinoshamisa kwazvo zvakataurwa pamusoro pake nevatadzi vasingadi Mwari.” (Judha 14, 15) Waona here kuti Inoki ari kutaura sekunge kuti zvinhu zvacho zvakatoitika? Ndiwo manyorerwo akaitwa uprofita hwakawanda hwakazotevera. Sei hwainyorwa saizvozvo? Muprofita aitaura zvinhu sekunge kuti zvakatoitika nemhaka yekuti zvinhu zvaaitaura zvaitoti zviitike chete!—Isaya 46:10.
“Akanga Anyatsofadza Mwari”
Kutenda kwaInoki kunogona kuita kuti mumwe nemumwe wedu azvibvunze kuti maonero aanoita zviri kuitika munyika akafanana here neaMwari. Shoko raiparidzwa naInoki rokuti vanhu vakaipa vachaparadzwa richiri kushandawo nanhasi. Jehovha akaita zvaakanga audza Inoki, achibva ashandisa Mafashamo kuparadza vanhu vakaipa vemunguva yaNoa. Mwari achaparadzazve vanhu vakaipa uye kuparadza kwacho kuchange kwakakura kudarika zvaakaita mumazuva aNoa. (Mateu 24:38, 39; 2 Petro 2:4-6) Sezvaakaita kare ikako, iye zvino Mwari nengirozi dzake vakamirira nguva yekuti vaparadze vanhu vakaipa. Mumwe nemumwe wedu anofanira kuteerera zvaitaurwa naInoki, ozviudzawo vamwe. Hama neshamwari dzinogona kusatifarira, tobva tatanga kuzviona sezambiringa munyemba. Asi Jehovha haana kumbosiya Inoki uye haasi kuzombosiya vashumiri vake vakavimbika!
NOVEMBER 18-24
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ZVAKAZARURWA 1-3
“Ndinoziva Mabasa Ako”
Unoratidza Mafungiro Akaita Sei?
8 Kuti tisava nemafungiro iwayo, tinofanira kuyeuka kuti Jesu anonzi neBhaibheri ane ‘nyeredzi nomwe muruoko rwake rworudyi.’ “Nyeredzi” dzacho dzinomirira vatariri vakazodzwa asi dzinogonawo kunzi dzinomirira vatariri vose vari muungano. Jesu anogona kushandisa “nyeredzi” dziri muruoko rwake maererano nezvaanoona zvakakodzera. (Zvak. 1:16, 20) Saka Jesu zvaari Musoro weungano yechiKristu, matare ose evakuru ari mumaoko ake. Jesu zvaaine ‘maziso akaita somurazvo womoto,’ kana mumwe mukuru achifanira kubatsirwa, iye achaona zvokuita panguva yake yakakodzera uye maererano nezvaanoda. (Zvak. 1:14) Tinofanira kumirira, tichiremekedza vaya vakagadzwa nomudzimu mutsvene, nokuti Pauro akanyora kuti: “Teererai vaya vari kukutungamirirai, muzviise pasi, nokuti ivo vari kurinda mweya yenyu sevanhu vachazozvidavirira; kuti vaite izvi nomufaro kwete nokugomera, nokuti izvi zvaizokukuvadzai.”—VaH. 13:17.
Jehovha Anotichengetedza Kuti Tiponeswe
11 Mashoko ari muna Zvakazarurwa chitsauko 2 ne3, anoratidza Mambo Jesu Kristu achiongorora ungano nomwe dzomuAsia Minor. Anoratidzawo kuti Kristu anonyatsoona mamiriro chaiwo akaita zvinhu. Pamwe pacho, anototaura mazita evamwe vanhu, uye anorumbidza ungano imwe neimwe kana kuti kupa zano maererano nezvairi. Izvi zvinoratidzei? Pakuzadziswa kwemashoko iwayo, ungano nomwe dzinomirira vaKristu vakazodzwa kubvira muna 1914 zvichienda mberi, uye zano rakapiwa ungano dzacho nomwe rinogona kushandawo mazuva ano kuungano dzose dzevanhu vaMwari dziri munyika yose. Saka tinogona kutaura kuti Jehovha ari kushandisa Mwanakomana wake kutungamirira vanhu vake. Tingabatsirwa sei noutungamiriri ihwohwo?
Ramba Uchifambirana Nesangano raJehovha
20 Kuramba tichifambirana nesangano raJehovha rinofambira mberi kunoda kuti tizive basa raJesu Kristu raakapiwa naMwari so“musoro weungano.” (VaEfeso 5:22, 23) Panokoshawo ndepana Isaya 55:4, patinoudzwa kuti: “Tarirai, [ini Jehovha] ndakamuita chapupu kumarudzi avanhu, ave mutungamiriri nomubati wamarudzi.” Jesu anoziva chaizvo nzira yokutungamirira nayo. Anozivawo makwai ake nezviito zvawo. Chaizvoizvo, paakaongorora ungano nomwe dzaiva muAsia Minor, akataura kashanu mashoko okuti: “Ndinoziva zviito zvako.” (Zvakazarurwa 2:2, 19; 3:1, 8,15) Jesu anozivawo zvatinoda, sezvinoita Baba vake, Jehovha. Asati apa Munyengetero Womuenzaniso, Jesu akati: “Mwari Baba venyu vanoziva kuti zvinhu zvipi zvamunoda musati mambovakumbira.”—Mateu 6:8-13.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
kr 226 ¶10
Umambo hwaMwari Hunobvisa Vavengi Vahwo
10 Kuziviswa kwemutongo. Vachitambura kudaro vavengi vose voUmambo hwaMwari vachatoti vaone chimwe chiitiko chichatowedzera nhamo yavo. Jesu anoti: “Vachaona Mwanakomana womunhu achiuya ari mumakore nesimba guru nokubwinya.” (Mako 13:26) Kuratidzwa ikoko kwesimba kunoshamisa kunenge kuchitozivisa kuti Jesu auya kuzopa mutongo. Mune dzimwe ndima dzouprofita uhwu hwemazuva okupedzisira, Jesu anotsanangura nezvemutongo uchapiwa panguva iyi. Tinowana mashoko acho mumufananidzo wemakwai nembudzi. (Verenga Mateu 25:31-33, 46.) Vatsigiri vakavimbika voUmambo vachapiwa mutongo wekunzi “makwai” saka ‘vachasimudza misoro yavo,’ vachiziva kuti “kununurwa [kwavo] kuri kuswedera pedyo.” (Ruka 21:28) Asi, vanopikisa Umambo vachapiwa mutongo wekunzi ‘imbudzi’ saka “[va]chazvirova nemhaka yeshungu,” vachiziva kuti “kugurwa kusingaperi” kunenge kwakavamirira.—Mat. 24:30; Zvak. 1:7.
Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raZvakazarurwa—I
2:7—“Paradhiso yaMwari” chii? Sezvo mashoko aya aitaurirwa vaKristu vakazodzwa, pano paradhiso iri kureva nzvimbo yokudenga yakaita separadhiso, zvichireva kuvapo kwaMwari. Vakazodzwa vakatendeka vachapiwa mubayiro wokudya “muti woupenyu.” Vachaitwa kuti vasafa.—1 VaK. 15:53.
NOVEMBER 25–DECEMBER 1
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ZVAKAZARURWA 4-6
“Vatasvi 4 Vemabhiza”
Ndivanaani Vakatasva Mabhiza 4?
Ndiani akatasva bhiza jena? Chinotibatsira kumuziva ndezvinozotaurwa mubhuku rimwe chete iroro raZvakazarurwa paanonzi “Shoko raMwari.” (Zvakazarurwa 19:11-13) Jesu Kristu ndiye anonzi Shoko, nekuti ndiye nhume yaMwari. (Johani 1:1, 14) Ndiyezve “Mambo wemadzimambo naShe wemadzishe” uye anonziwo “Akatendeka uye weChokwadi.” (Zvakazarurwa 19:11, 16) Saka zviri pachena kuti mambo uyu ane simba rekurwa, uye haaiti uori kana kudzvinyirira vamwe. Asi izvi zvinomutsa mimwe mibvunzo.
wp17.3 4 ¶5
Ndivanaani Vakatasva Mabhiza 4?
Vatasvi vemabhiza vakatanga kutasva mabhiza avo riini? Jesu ndiye mutasvi wekutanga, uye akatanga kutasva bhiza rake paakapiwa korona. (Zvakazarurwa 6:2) Akagadzwa kuva Mambo riini kudenga? Paakadzokera kudenga pashure perufu rwake, haana kusvika achiitwa Mambo. Bhaibheri rinoratidza kuti aifanira kumbomirira. (VaHebheru 10:12, 13) Jesu akaudza vateveri vake zvinhu zvaizoita kuti vazive kuti atanga kutonga kudenga. Akataura kuti paaizotanga kutonga, zvinhu zvaizowedzera kuipa panyika. Kwaizova nehondo, nzara, uye zvirwere. (Mateu 24:3, 7; Ruka 21:10, 11) Pashure peHondo Yenyika I, iyo yakatanga muna 1914, zvakanga zvava kuoneka kuti nguva yaitaurwa naJesu yainge yasvika, nguva yenhamo nematambudziko inonzi neBhaibheri “mazuva okupedzisira.”—2 Timoti 3:1-5.
Ndivanaani Vakatasva Mabhiza 4?
Mutasvi uyu anomiririra hondo. Anobvisa rugare, kwete panyika shomanana, asi pasi rose. Gore ra1914 ndiro rakatanga hondo yakaitika pasi rose, uye izvi zvakanga zvisati zvamboitika. Kwakazouya hondo yenyika yechipiri, uye yakauraya vanhu vakawanda kudarika yekutanga. Dzimwe ongororo dzakaitwa dzinoti nhamba yevanhu vakafa muhondo kubvira muna 1914 inopfuura 100 miriyoni! Uyezve vakawanda vakasara varemadzwa.
wp17.3 5 ¶4-5
Ndivanaani Vakatasva Mabhiza 4?
“Ndakaona, uye, tarira! bhiza dema; uye akanga akaritasva akanga aine chikero muruoko rwake. Ndakanzwa inzwi raiita sokuti riri pakati pezvisikwa zvina richiti: ‘Rita regorosi richaita dhinari, uye marita matatu ebhari achaita dhinari; usakanganisa mafuta omuorivhi newaini.’”—Zvakazarurwa 6:5, 6.
Mutasvi uyu anomiririra nzara. Pano tinoona kuti zvekudya zvaizoshomeka zvekuti zvaizoita zvekuyerwa; rita regorosi (0.7 kg) raizotengwa nedhinari. Mumazuva akararama Jesu panyika, munhu aihoreswa dhinari pashure pekushanda kwezuva rimwe chete. (Mateu 20:2) Dhinari raigonawo kutenga marita matatu ebhari (2.1 kg), nekuti bhari rainge risingakoshi sezvaiita gorosi. Kana munhu aiva nemhuri yakakura, zvekudya izvi hapana kwazvaimbosvika. Mafuta emuorivhi newaini ndizvo zvaishandiswa nevanhu kare ikako mazuva ese, saka vanhu vari kunyeverwa kuti vachengetedze zvekudya zvezuva nezuva.
wp17.3 5 ¶8-10
Ndivanaani Vakatasva Mabhiza 4?
Mutasvi wechi4 anomiririra kufa kwevanhu kunokonzerwa nezvirwere nezvimwewo. Pashure pegore ra1914, Spanish flu yakauraya mamiriyoni evanhu. Vanhu vanenge 500 miriyoni vanonzi vakabatwa nechirwere ichi, kureva kuti munhu mumwe chete pavatatu vega vega pasi rose akabatwa nacho!
Asi kune zvimwe zvirwere zvaizouya. Vamwe vaongorori vanofungidzira kuti vanhu vanopfuura 300 miriyoni vakafa nechirwere chesmallpox mumakore ekuma1900. Nhasi uno, mamiriyoni evanhu ari kuurayiwa neAIDS, TB, nemalaria, pasinei nemishonga iri kugadzirwa.
Dzingave dziri hondo, nzara kana kuti zvirwere, zvese zvinoguma nerufu. Guva harisi kuguta, riri kuramba richitora vakawanda.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Kuisvonaka Kwechigaro Choumambo Chokudenga chaJehovha
8 Johane aiziva kuti vaprista vaigadzwa kubatira mutabhernakeri yekare. Naizvozvo iye angave akakatyamadzwa nokuona zvaanotevera kurondedzera, achiti: “Uye pane zvigaro zvoumambo zvina makumi maviri nezvina zvakakomberedza chigaro choumambo, uye ini ndakaona vakuru vana makumi maviri navana vakapfeka nguvo dzokunze chena vagere paizvi zvigaro zvoumambo, uye pamisoro yavo pane korona dzendarama.” (Zvakazarurwa 4:4) Hungu, panzvimbo pavaprista, pana vakuru 24, vakagara pazvigaro zvoumambo uye vakapfekedzwa korona dzakafanana nedzamadzimambo. Ndivanaani ava vakuru? Havazati vari vamwe kunze kwavakazodzwa veungano yechiKristu, vakamutswa uye vane nzvimbo yokudenga yavakapikirwa naJehovha. Tinoziva sei izvozvo?
Kuisvonaka Kwechigaro Choumambo Chokudenga chaJehovha
19 Ko izvi zvisikwa zvinofananidzirei? Chiono chakashumwa nomumwe muporofita, Ezekieri, chinotibetsera kuwana mhinduro. Ezekieri akaona Jehovha akagara pachigaro choumambo pangoro yokudenga, iyo yakanga ichiperekedzwa nezvisikwa zvipenyu zvina mavara akafanana naayo arondedzerwa naJohane. (Ezekieri 1:5-11, 22-28) Gare gare, Ezekieri akaonazve chigaro chiya choumambo chengoro chichiperekedzwa nezvisikwa zvipenyu. Zvisinei, nguva ino iye akataura nezvezvisikwa zvipenyu samakerubhi. (Ezekieri 10:9-15) Zvisikwa zvipenyu zvina izvo Johane anoona zvinofanira kumirira makerubhi mazhinji aMwari—zvisikwa zvenzvimbo yakakwirira musangano Rake romudzimu. Johane haazati aizokufunga kuva kwechienzi kuona makerubhi akamiswa pedyo zvikuru napamberi paJehovha somunhu, sezvo mugadziriro yekare yetabhernakeri, makerubhi maviri endarama airatidzirwa pamusoro pechikwidibiro cheareka yesungano, iyo yaimirira chigaro choumambo chaJehovha. Inzwi raJehovha raibudisa mirairo yaienda kurudzi, ichibva pakati paaya makerubhi.—Eksodho 25:22; Pisarema 80:1.
cf 36 ¶5-6
“Tarira! Shumba Yokudzinza raJudha”
5 Shumba inowanzonzi yakashinga. Wakambomira wakatarisana neshumba hono huru here? Kana wakambodaro, zvimwe waiva wakaparadzana nemhuka iyi, zvimwe iyo iri mufenzi munzvimbo inochengeterwa mhuka. Kunyange zvakadaro, izvozvo zvinotyisa. Sezvaunotarira chiso chemhuka iyi huru ine simba uye iyo yakakutarirawo yakadzikama, haungagoni kufungidzira kuti shumba inombotizawo chimwe chinhu ichitya. Bhaibheri rinotaura nezve“shumba, mhuka ine simba kwazvo pamhuka dzose uye isina wainotiza.” (Zvirevo 30:30) Ikoko ndiko kushinga kwakaita Kristu.
6 Ngatikurukurei kuti Jesu akaratidza sei kushinga kwakaita sokweshumba munzira nhatu: pakudzivirira chokwadi, pakutsigira kururama, uye pakutarisana nokushorwa. Tichaonawo kuti tose zvedu—tingave takaberekwa takashinga kana kuti kwete—tinogona kutevedzera Jesu mukuratidza ushingi.