RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 1/1 pp. 22-24
  • Zvinofanotaurwa naJehovha Zvinoitika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinofanotaurwa naJehovha Zvinoitika
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Marudzi Ekare
  • Mashoko anoshamisa
  • Uporofita Hwakazadzika
    Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
  • Bhuku Raunogona Kuvimba Naro—Chikamu 5
    Mukai!—2011
  • Girisi—Simba Renyika Guru Rechishanu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Bhaibheri—Bhuku Rinobva Kuna Mwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 1/1 pp. 22-24

Zvinofanotaurwa naJehovha Zvinoitika

“NDINI Mwari uye hakuna mumwe Mwari, kana ani naani akafanana neni; Iye ari kuzivisa zvokuguma kubvira pakutanga, uye zvinhu zvisati zvaitwa kubvira kare kare.” (Isaya 46:9, 10) Anodaro Jehovha, uyo anogona kutaura zvichaitika asingakanganisi.

Zvakajairika kuti vanhu havakwanisi kufanoona zvichaitika. Kuti Bhaibheri ibhuku rouprofita kunofanira kutuma vose vanotsvaka chokwadi kuferefeta zvarinotaura zvokuti rakanyorwa naMwari. Ngatimbokurukurai humwe uprofita hweBhaibheri hwakatozadzika.

Marudzi Ekare

Mwari akafanotaura kuti Bhabhironi raizoparadzwa zvachose uye kuti Edhomi, Moabhi, uye Amoni aizoparadzwawo zvachose. (Jeremiya 48:42; 49:17, 18; 51:24-26; Obhadhiya 8, 18; Zefaniya 2:8, 9) Kutsakatika kwemarudzi aya aiva akazvimiririra kunopupurira kuti Shoko raMwari rouprofita rakarurama.

Ichokwadi kuti mumwe munhu angati chero munhuwo zvake anogona kufanoona kuti rumwe rudzi pakupedzisira ruchange rusisipo kunyange rwakasimba sei. Asi kuramba kwakadaro hakubudisi chokwadi chinokosha chakazotaurwa neBhaibheri. Somuenzaniso, rinotaura kuti guta reBhabhironi raizoparadzwa sei. Bhaibheri rakafanotaura kuti guta iri raizokundwa nevaMedhiya, kuti mauto aizopinda nechisimba aizotungamirirwa naKoreshi, uye kuti nzizi dzaidzivirira guta iri dzaizopwa.—Isaya 13:17-19; 44:27–45:1.

Bhaibheri harina kufanotaura kuti marudzi ose kana kuti vanhu vose vainge vakundwa vaizotsakatika. Kusiyana neizvi, paaitaura nezvokukundwa kweJerusarema nevaBhabhironi, Mwari akati guta iri raizovakwazve, pasinei nomutemo wevaBhabhironi wokusambosunungura vatapwa. (Jeremiya 24:4-7; 29:10; 30:18, 19) Izvi zvakazadzika uye nanhasi rudzi rwakazvimiririra rwevaJudha ruchiripo.

Uye Jehovha akafanotaura kuti Ijipiti yaizokundwa pakuva nyika ine simba kupfuura dzimwe asi ‘pashure paizvozvo yaizogarwa somumazuva ekare.’ Nokufamba kwenguva, nyika yaimbova nesimba iyi yaizova “umambo hwakaderera.” (Jeremiya 46:25, 26; Ezekieri 29:14, 15) Izvi zvakaitikawo. Kuwedzera pane izvi, Jehovha akafanotaura kuti nyika yaiva nesimba kupfuura dzimwe yeGirisi yaizokundwa, asi haana kumboti rudzi urwu rwaizotsakatika. Tinodzidzei nezvokutsakatika kwakaita marudzi akanga afanotaurwa naJehovha kuti aizoparadzwa uye nezvokuvapo kweakanga asina kunzi aizotsakatika? Tinodzidza kuti Shoko raMwari rine uprofita hwechokwadi, hwakavimbika.

Mashoko anoshamisa

Sezvataurwa pamusoro apa, Jehovha akataura zvakawanda nezvokuti Bhabhironi raizoparadzwa sei. Saizvozvowo, paraitaura nezvokuparadzwa kwaizoitwa Tire, bhuku raEzekieri rakati matombo aro, matanda uye guruva zvaizoiswa “pakati pemvura.” (Ezekieri 26:4, 5, 12) Uprofita uhwu hwakazadzika muna 332 B.C.E. apo Alexander Mukuru akaita kuti mauto ake ashandise ungwandangwanda hwaiva pachikamu cheguta chakanga chisiri pachitsuwa chakanga chakundwa kuti agadzire zambuko raienda kuchikamu cheTire chaiva pachitsuwa icho chakazokundwawo.

Uprofita hwakanyorwa pana Dhanieri 8:5-8, 21, 22 uye 11:3, 4 hwakataurawo mashoko anoshamisa nezva“mambo weGirisi” akanga aine simba zvikuru. Mutongi uyu aizourayiwa ngoma youmambo hwake yave kuririsa, uye umambo hwake hwaizokamurwa kuva huna asi husingatorwi nevana vake. Anopfuura makore 200 pashure pokunge uprofita uhwu hwanyorwa, Alexander Mukuru ndiye akava mambo ane simba iyeye. Vanonyora nhoroondo vanoti akafa asingafungiri uye kuti pakupedzisira vakuru vemauto ake vana ndivo vakakamurirana umambo hwake, kwete vana vake.

Vatsoropodzi vanoti uprofita uhwu hunofanira kunge hwakazonyorwa zvinhu zvacho zvatoitika. Zvisinei, chimbotarisazve nyaya iri pamusoro apa mubhuku raDhanieri. Tichifunga nezvokuti uprofita, mashoko ahwo anoshamisa. Asi kana iri nhoroondo yakanyorwa souprofita, hazvisi pachena here kuti pane mashoko anenge akasara? Kana paine munyengeri akararama pashure paAlexander akanyora nhoroondo iyi achiedza kufadza vaverengi nohunganzi uprofita, nei asina kutaurawo pfungwa yokuti pashure pokufa kwaAlexander, vana vake vaviri vaizoedza kuva madzimambo asi vopondwa? Nei asina kutaura kuti zvaizotora makore akawanda vakuru vemauto vose vari vana vasati vazvigadza paumambo hwaAlexander? Chokwadi, nei asina kutaura zita ramambo uye mazita evakuru vana vemauto?

Vanhu vanoti hazvibviri kufanotaura zvichaitika vanogara vachiti uprofita hweBhaibheri hwakazonyorwa zvinhu zvacho zvatoitika asi havakwanisi kuzvitsigira. Nemhaka yokuti vanoramba kuti Bhaibheri iShoko raMwari, vanomanikidzwa kutsanangura zvinhu zvose vachishandisa maonero evanhu kana kuti ziso renyama. Kunyange zvakadaro, Mwari akafuridzira nouchenjeri mashoko akakwana ouprofita kuti aratidze kuti ndiye akahunyora.a

Uprofita hweBhaibheri hunogona kusimbisa kutenda kwako kana ukawana nguva yokufungisisa uprofita humwe nohumwe uye kuzadzika kwahwakaita. Wadii kudzidza uprofita hweBhaibheri? Machati ari pamapeji 343 kusvika ku346 ebhuku rinonzi “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera” anogona kukubatsira kuti uite izvi.b Kana ukaita izvi, ita basa racho uine chinangwa chokusimbisa kutenda kwako. Usaverenga uchimhanya kuti ungokurumidza kupedza. Asi nyatsofungisisa chokwadi chokuti zvose zvinofanotaurwa naJehovha zvinotoitika chete.

[Mashoko Omuzasi]

a Kuti uwane mamwe mashoko anopikisa pfungwa yokuti uprofita hweBhaibheri hwakazonyorwa zvinhu zvacho zvatoitika, ona mapeji 106-11 ebhuku rinonzi Is There a Creator Who Cares About You? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

b Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 24]

MARARAMIRO

Heino imwe pfungwa yokudzeya. Mwari akabaya dede nomukanwa paakafanotaura nezvokumuka uye kuparara kwenyika dzine simba kupfuura dzimwe, ndiye anotiudzawo zvinotaurwa neBhaibheri nezvemararamiro. Zvimwe zvacho ndeizvi:

Unokohwa chaunodyara.—VaGaratiya 6:7.

Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.—Mabasa 20:35.

Tinofara kana tikagutsa zvatinoda pakunamata.—Mateu 5:3.

Kana ukaita izvi muupenyu hwako, unogona kuva nechokwadi chokuti uchafara uye uchabudirira.

[Mifananidzo iri papeji 22, 23]

Shoko raMwari rakafanotaura kuti marudzi aya aizoparadzwa zvachose . . .

EDHOMI

BHABHIRONI

. . . asi kwete aya

IJIPITI

GIRISI

[Kwazvakatorwa]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

WHO photo by Edouard Boubat

[Mufananidzo uri papeji 23]

Alexander Mukuru

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe