RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 51
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • Uprofita pamusoro peBhabhironi (1-64)

        • Bhabhironi richangoerekana rakundwa nevaMedhiya (8-12)

        • Bhuku rinokandwa muna Yufratesi (59-64)

Jeremiya 51:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Iri rinoita sezita rechibhende raishandisirwa Kadheya.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 50:9

Jeremiya 51:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 50:14, 29

Jeremiya 51:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 13:17, 18; Jer 50:30

Jeremiya 51:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 13:15

Jeremiya 51:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, nyika yevaKadheya.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 94:14; Isa 44:21; Jer 46:28; Zek 2:12

Jeremiya 51:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “muponese mweya yenyu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 50:8; Zek 2:7; Zva 18:4
  • +Jer 25:12, 14; 50:15

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/15/2008, pp. 8-9

    Kupukunyuka, pp. 82-88

Jeremiya 51:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zva 17:1, 2; 18:3
  • +Jer 25:15, 16

Jeremiya 51:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 21:9; 47:9; Zva 14:8
  • +Zva 18:2, 9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/15/2002, pp. 30-31

Jeremiya 51:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 13:14
  • +Zva 18:4, 5

Jeremiya 51:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mik 7:9
  • +Jer 50:28

Jeremiya 51:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “zadzai homwe dzemiseve.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 50:14
  • +Isa 13:17; 45:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa,

    6/2017, p. 3

Jeremiya 51:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “bango rechiratidzo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 13:2
  • +Zva 17:17

Jeremiya 51:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “kuyerwa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zva 17:1, 15
  • +Isa 45:3; Jer 50:37
  • +Ha 2:9; Zva 18:11, 12, 19

Jeremiya 51:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nemweya wake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 50:15

Jeremiya 51:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 93:1; 104:24
  • +Pis 136:5; Zvi 3:19; Isa 40:22; Jer 10:12-16

Jeremiya 51:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mhute isimuke.”

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “Anogadzira munobuda nemvura inonaya.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 135:7

Jeremiya 51:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “yesimbi yakanyungudutswa.”

  • *

    Kana kuti “mweya wekufema.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 44:11
  • +Ha 2:19

Jeremiya 51:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Haibatsiri.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 41:29; Jer 14:22

Jeremiya 51:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “Ndiye akagadzirawo mudonzvo wenhaka yake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 32:9
  • +Isa 47:4

Jeremiya 51:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 137:8

Jeremiya 51:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 50:31
  • +Jer 25:9

Jeremiya 51:26

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “refaundesheni.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 50:13, 40; Zva 18:21

Jeremiya 51:27

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “bango rechiratidzo.”

  • *

    ChiHeb., “Tsvenesai.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 13:2; Jer 51:12
  • +Ge 8:4
  • +Ge 10:2, 3; Jer 50:41

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    11/15/2001, p. 26

Jeremiya 51:28

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Tsvenesai.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 13:17; Dha 5:30, 31

Jeremiya 51:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 13:13, 19; Jer 50:13, 39, 40

Jeremiya 51:30

Mashoko Emuzasi

  • *

    Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.

  • *

    Aya mapango kana kuti simbi dzaishandiswa sezvihuri.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 13:7
  • +Jer 50:37
  • +Pis 107:16; Isa 45:2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa,

    6/2017, p. 3

    Jeremiya, p. 161

    Shoko raMwari, pp. 123-124

    Nharireyomurindi,

    3/1/1988, p. 31

Jeremiya 51:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 47:11; Jer 50:24, 43

Jeremiya 51:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 44:27; Jer 50:38; Zva 16:12

Jeremiya 51:33

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Jeremiya 51:34

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 36:17, 18; Jer 50:17
  • +Jer 51:44

Jeremiya 51:35

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 137:8; Jer 50:29

Jeremiya 51:36

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 50:34
  • +Dhe 32:35
  • +Isa 44:27; Jer 50:38

Jeremiya 51:37

Mashoko Emuzasi

  • *

    Iyi imhuka yakada kufanana negava.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 25:12; 50:15
  • +Isa 13:19, 22
  • +Jer 50:13, 39

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa,

    6/2017, p. 3

Jeremiya 51:38

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “seshumba dzava nezenze.”

Jeremiya 51:39

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 5:1, 4
  • +Jer 25:17, 27; 51:57

Jeremiya 51:41

Mashoko Emuzasi

  • *

    Iri rinoita sezita rechibhende raishandisirwa Bhabheri (Bhabhironi).

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 25:17, 26
  • +Isa 13:19; Jer 49:25; Dha 4:30

Jeremiya 51:43

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 13:1, 20; Jer 50:39

Jeremiya 51:44

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 46:1; Jer 50:2
  • +2Mak 36:7; Ezr 1:7; Jer 51:34; Dha 1:1, 2
  • +Jer 51:58

Jeremiya 51:45

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “muponese mweya yenyu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 48:20; Zva 18:4
  • +Jer 51:6; Zek 2:7
  • +Isa 13:13

Jeremiya 51:47

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 13:15; Dha 5:30

Jeremiya 51:48

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 44:23; 48:20; 49:13; Zva 18:20
  • +Jer 50:3, 41

Jeremiya 51:49

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 50:17; 51:24

Jeremiya 51:50

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 50:8; Zva 18:4
  • +Ezr 1:3; Pis 137:5

Jeremiya 51:51

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “vatisingazivi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 79:1; Mari 1:10

Jeremiya 51:52

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 13:15

Jeremiya 51:53

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 14:13; Dha 4:30
  • +Jer 50:10

Jeremiya 51:54

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 13:6
  • +Jer 50:22, 23

Jeremiya 51:56

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 21:2
  • +Jer 50:36
  • +Dhe 32:35; Pis 94:1; Isa 34:8; Jer 50:29; Zva 18:5
  • +Pis 137:8

Jeremiya 51:57

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 25:27
  • +Jer 51:39

Jeremiya 51:58

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 50:15; 51:44
  • +Ha 2:13

Jeremiya 51:59

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 32:12; 36:4; 45:1

Jeremiya 51:62

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 13:1, 20; 14:23; Jer 50:3, 39; 51:29, 37

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa,

    6/2017, p. 3

Jeremiya 51:63

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Zvakazarurwa, p. 269

Jeremiya 51:64

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zva 18:21
  • +Jer 51:58

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Zvakazarurwa, p. 269

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 51:1Jer 50:9
Jer. 51:2Jer 50:14, 29
Jer. 51:3Isa 13:17, 18; Jer 50:30
Jer. 51:4Isa 13:15
Jer. 51:5Pis 94:14; Isa 44:21; Jer 46:28; Zek 2:12
Jer. 51:6Jer 50:8; Zek 2:7; Zva 18:4
Jer. 51:6Jer 25:12, 14; 50:15
Jer. 51:7Zva 17:1, 2; 18:3
Jer. 51:7Jer 25:15, 16
Jer. 51:8Isa 21:9; 47:9; Zva 14:8
Jer. 51:8Zva 18:2, 9
Jer. 51:9Isa 13:14
Jer. 51:9Zva 18:4, 5
Jer. 51:10Mik 7:9
Jer. 51:10Jer 50:28
Jer. 51:11Jer 50:14
Jer. 51:11Isa 13:17; 45:1
Jer. 51:12Isa 13:2
Jer. 51:12Zva 17:17
Jer. 51:13Zva 17:1, 15
Jer. 51:13Isa 45:3; Jer 50:37
Jer. 51:13Ha 2:9; Zva 18:11, 12, 19
Jer. 51:14Jer 50:15
Jer. 51:15Pis 93:1; 104:24
Jer. 51:15Pis 136:5; Zvi 3:19; Isa 40:22; Jer 10:12-16
Jer. 51:16Pis 135:7
Jer. 51:17Isa 44:11
Jer. 51:17Ha 2:19
Jer. 51:18Isa 41:29; Jer 14:22
Jer. 51:19Dhe 32:9
Jer. 51:19Isa 47:4
Jer. 51:24Pis 137:8
Jer. 51:25Jer 50:31
Jer. 51:25Jer 25:9
Jer. 51:26Jer 50:13, 40; Zva 18:21
Jer. 51:27Isa 13:2; Jer 51:12
Jer. 51:27Ge 8:4
Jer. 51:27Ge 10:2, 3; Jer 50:41
Jer. 51:28Isa 13:17; Dha 5:30, 31
Jer. 51:29Isa 13:13, 19; Jer 50:13, 39, 40
Jer. 51:30Isa 13:7
Jer. 51:30Jer 50:37
Jer. 51:30Pis 107:16; Isa 45:2
Jer. 51:31Isa 47:11; Jer 50:24, 43
Jer. 51:32Isa 44:27; Jer 50:38; Zva 16:12
Jer. 51:342Mak 36:17, 18; Jer 50:17
Jer. 51:34Jer 51:44
Jer. 51:35Pis 137:8; Jer 50:29
Jer. 51:36Jer 50:34
Jer. 51:36Dhe 32:35
Jer. 51:36Isa 44:27; Jer 50:38
Jer. 51:37Jer 25:12; 50:15
Jer. 51:37Isa 13:19, 22
Jer. 51:37Jer 50:13, 39
Jer. 51:39Dha 5:1, 4
Jer. 51:39Jer 25:17, 27; 51:57
Jer. 51:41Jer 25:17, 26
Jer. 51:41Isa 13:19; Jer 49:25; Dha 4:30
Jer. 51:43Isa 13:1, 20; Jer 50:39
Jer. 51:44Isa 46:1; Jer 50:2
Jer. 51:442Mak 36:7; Ezr 1:7; Jer 51:34; Dha 1:1, 2
Jer. 51:44Jer 51:58
Jer. 51:45Isa 48:20; Zva 18:4
Jer. 51:45Jer 51:6; Zek 2:7
Jer. 51:45Isa 13:13
Jer. 51:47Isa 13:15; Dha 5:30
Jer. 51:48Isa 44:23; 48:20; 49:13; Zva 18:20
Jer. 51:48Jer 50:3, 41
Jer. 51:49Jer 50:17; 51:24
Jer. 51:50Jer 50:8; Zva 18:4
Jer. 51:50Ezr 1:3; Pis 137:5
Jer. 51:51Pis 79:1; Mari 1:10
Jer. 51:52Isa 13:15
Jer. 51:53Isa 14:13; Dha 4:30
Jer. 51:53Jer 50:10
Jer. 51:54Isa 13:6
Jer. 51:54Jer 50:22, 23
Jer. 51:56Isa 21:2
Jer. 51:56Jer 50:36
Jer. 51:56Dhe 32:35; Pis 94:1; Isa 34:8; Jer 50:29; Zva 18:5
Jer. 51:56Pis 137:8
Jer. 51:57Jer 25:27
Jer. 51:57Jer 51:39
Jer. 51:58Jer 50:15; 51:44
Jer. 51:58Ha 2:13
Jer. 51:59Jer 32:12; 36:4; 45:1
Jer. 51:62Isa 13:1, 20; 14:23; Jer 50:3, 39; 51:29, 37
Jer. 51:64Zva 18:21
Jer. 51:64Jer 51:58
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
  • 39
  • 40
  • 41
  • 42
  • 43
  • 44
  • 45
  • 46
  • 47
  • 48
  • 49
  • 50
  • 51
  • 52
  • 53
  • 54
  • 55
  • 56
  • 57
  • 58
  • 59
  • 60
  • 61
  • 62
  • 63
  • 64
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 51:1-64

Jeremiya

51 Zvanzi naJehovha:

“Ndiri kuunzira Bhabhironi+ nevagari vemuRebhi-kamai*

Mhepo inoparadza.

 2 Ndichatuma vaurutsi kuBhabhironi,

Uye vachariurutsa, voita kuti nyika yaro isare isina chinhu;

Vachauya kuzorirwisa kumativi ese pazuva redambudziko.+

 3 Uya anopfura neuta ngaarege kukombamisa uta hwake.

Uye ngaparege kuva nemunhu anosimuka akapfeka nguo yake yesimbi yehondo.

Musanzwira majaya aro tsitsi.+

Paradzai uto raro rese.

 4 Uye vachati rabada pasi vaurayiwa munyika yevaKadheya,

Vabayiwa mumigwagwa yaro.+

 5 Nekuti Israeri naJudha havana kusiyiwa naMwari wavo vari chirikadzi, iye Jehovha wemauto.+

Asi nyika yavo* izere nemhosva pakuona kweMutsvene waIsraeri.

 6 Tizai muBhabhironi,

Tizai murege kuurayiwa.*+

Musafira kukanganisa kwaro.

Nekuti inguva yekutsiva kwaJehovha.

Ari kuritsiva zvarakaita.+

 7 Bhabhironi ranga riri kapu yegoridhe iri muruoko rwaJehovha;

Rakadhakisa nyika yese.

Marudzi akanwa waini yaro;+

Ndokusaka marudzi ava kupenga.+

 8 Bhabhironi rangoerekana rawa uye raputsika.+

Richemei!+

Ritsvagirei bharisamu kuitira marwadzo aro; zvichida ringaporeswa.”

 9 “Takaedza kurapa Bhabhironi, asi harina kupora.

Risiyei tiende, mumwe nemumwe kunyika yake.+

Nekuti kutongwa kwaro kwasvika kudenga;

Kuri mudenga semakore.+

10 Jehovha atirwira.+

Uyai tirondedzere basa raJehovha Mwari wedu tiri muZiyoni.”+

11 “Penyesai miseve;+ torai nhoo dzeraundi.*

Jehovha amutsa mwoyo yemadzimambo evaMedhiya,+

Nekuti ari kuda kuparadza Bhabhironi.

Nekuti uku kutsiva kwaJehovha, kutsiva nekuda kwetemberi yake.

12 Simudzirai masvingo eBhabhironi chiratidzo.*+

Wedzerai kurinda, isai varindi.

Itai kuti vaya vakahwandira vagadzirire.

Nekuti Jehovha ndiye afunga zano racho,

Uye achaitira vagari vemuBhabhironi zvaakataura.”+

13 “Haiwa iwe mukadzi anogara pamvura zhinji,+

Ane pfuma zhinji,+

Kuguma kwako kwasvika, iko kuguma* kwekuwana kwako mubereko.+

14 Jehovha wemauto apika naiye pachake* achiti,

‘Ndichakuzadza nevanhu vakawanda semhashu,

Uye vachashevedzera vachifarira kuti vakukunda.’+

15 Ndiye akasika nyika nesimba rake,

Akasimbisa nyika neuchenjeri hwake,+

Uye akatatamura denga nekunzwisisa kwake.+

16 Paanoita kuti inzwi rake rinzwike,

Mvura iri mudenga inotinhira,

Uye anoita kuti makore asimuke* kubva kumigumo yenyika.

Anogadzirira mvura inonaya mheni,*

Uye anobudisa mhepo mumatura ake.+

17 Munhu wese ari kuita zvinhu asingafungi uye achiratidza kuti haana ruzivo.

Vapfuri vese vesimbi vachanyara nemifananidzo yakavezwa;+

Nekuti mifananidzo yavo yesimbi* ndeyenhema,

Uye haina mweya* mairi.+

18 Haisi chinhu,*+ ibasa rinoshorwa.

Ichaparara pazuva rekutongwa kwayo.

19 Mugove waJakobho hauna kuita sezvinhu izvi,

Nekuti ndiye Muumbi wezvinhu zvese,

Ndiyewo mudonzvo wenhaka yake.*+

Jehovha wemauto ndiro zita rake.”+

20 “Uri tsvimbo yangu yehondo, chombo chehondo,

Nekuti ndichakushandisa kuputsa-putsa marudzi.

Ndichakushandisa kuparadza umambo.

21 Ndichakushandisa kuputsa-putsa bhiza nemutasvi waro.

Ndichakushandisa kuputsa-putsa ngoro yehondo nemutyairi wayo.

22 Ndichakushandisa kuputsa-putsa murume nemukadzi.

Ndichakushandisa kuputsa-putsa akwegura nemukomana.

Ndichakushandisa kuputsa-putsa jaya nemhandara.

23 Ndichakushandisa kuputsa-putsa mufudzi nezvipfuwo zvake.

Ndichakushandisa kuputsa-putsa murimi nechipani chake.

Ndichakushandisa kuputsa-putsa magavhuna nevatevedzeri vevatongi.

24 Ndichatsiva Bhabhironi nevagari vese vemuKadheya

Nemhaka yezvakaipa zvese zvavakaita muZiyoni imi makatarisa,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

25 “Ndichakurwisa,+ haiwa iwe gomo rinoparadza,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,

“Iwe muparadzi wenyika yese.+

Ndichakutambanudzira ruoko rwangu ndokukungurutsa uchibva pamatombo,

Ndoita kuti uve gomo rakatsva.”

26 “Vanhu havazotori dombo repakona kana dombo renheyo* pauri,

Nekuti uchava matongo nekusingaperi,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

27 “Simudzai chiratidzo* munyika yacho.+

Ridzai hwamanda pakati pemarudzi.

Gadzai* marudzi kuti arirwise.

Rishevedzerei umambo hweArarati,+ Mini neAshkenazi.+

Rayirai mukuru anopinza vanhu basa kuti arirwise.

Itai kuti mabhiza auye sezvinoita mhashu dzine tumvere.

28 Gadzai* marudzi kuti arirwise,

Madzimambo eMedhiya,+ magavhuna ayo nevatevedzeri vevatongi vayo,

Nenharaunda dzese dzavanotonga.

29 Uye nyika ichadengenyeka, ichadedera,

Nekuti zvakafungwa naJehovha pamusoro peBhabhironi zvichaitwa,

Kuti nyika yeBhabhironi ive chinhu chinotyisa, isina anogaramo.+

30 Varwi veBhabhironi vamira kurwa.

Vakagara munhare* dzavo.

Simba ravo rapera.+

Vava kuita sevakadzi.+

Dzimba dzaro dzapiswa nemoto.

Mazariro* aro atyorwa.+

31 Nhume inomhanyira kunosangana neimwe nhume,

Uye mutumwa kuti anosangana nemumwe mutumwa,

Kuti vaudze mambo weBhabhironi kuti guta rake rakundwa rese zvaro,+

32 Kuti mazambuko atorwa,+

Kuti zvikepe zvenhokwe zvapiswa nemoto,

Uye kuti varwi vapera nekutya.”

33 Nekuti zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri:

“Mwanasikana weBhabhironi akaita seburiro.*

Inguva yekumutsika-tsika zvakasimba.

Nguva yekukohwa ichamusvikira pasina nguva.”

34 “Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi andidya;+

Andivhiringidza.

Andigadzika pasi semudziyo usina chinhu.

Andimedza sezvinoita nyoka huru;+

Azadza dumbu rake nezvinhu zvangu zvinonaka.

Andisukurudza.

35 ‘Kurwiswa kwandakaitwa uye kwakaitwa nyama yangu ngakuve paBhabhironi!’ anodaro mugari wemuZiyoni.+

‘Uye ropa rangu ngarive pavagari vemuKadheya!’ rinodaro Jerusarema.”

36 Saka zvanzi naJehovha:

“Ndiri kukumiririra panyaya yako,+

Uye ndichakutsivira.+

Ndichaomesa gungwa raro, uye ndichaomesa matsime aro.+

37 Uye Bhabhironi richava mirwi yematombo,+

Nzvimbo inogara hunguhwe,*+

Chinhu chinotyisa uye chinoridzisa muridzo,

Risina anogaramo.+

38 Vachadzvova pamwe chete seshumba dzine simba.*

Vachaomba sevana veshumba.”

39 “Pavanenge vafarisa, ndichavagadzirira mabiko avo ndovadhakisa,

Kuti vapembere nemufaro;+

Uye vacharara hope dzisingaperi,

Dzavasingazomuki,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

40 “Ndichadzika navo semakwai makono ari kunourayiwa,

Semakondohwe pamwe chete nembudzi.”

41 “Inga Sheshaki* yakundwa,+

Inga guta riya rekurumbidzwa nenyika yese rabvutwa!+

Bhabhironi zvarangova chinhu chinotyisa pakati pemarudzi!

42 Gungwa rauya pamusoro peBhabhironi.

Rarifukidza nemafungu aro mazhinji.

43 Maguta aro ava chinhu chinotyisa, nyika isina mvura uye gwenga.

Nyika isingazogarwi nemunhu uye isina munhu achazombopfuura nemairi.+

44 Ndichafunga nezvaBheri+ muBhabhironi,

Ndichabudisa mumuromo make zvaakamedza.+

Marudzi haazodiranizve achienda kwaari,

Uye rusvingo rweBhabhironi ruchawa.+

45 Budai mariri vanhu vangu!+

Tizai kuti mupone*+ pakutsamwa kukuru kwaJehovha!+

46 Mwoyo yenyu ngairege kutya kana kuvhundutswa nemashoko achanzwiwa munyika.

Mashoko acho achauya gore rimwe chete,

Uye gore rinotevera racho pachauya mamwe mashoko,

Emhirizhonga munyika uye ekurwisana kwevatongi.

47 Saka inzwai! mazuva achasvika

Andichafunga nezvemifananidzo yakavezwa yeBhabhironi.

Nyika yaro yese ichanyadziswa,

Uye vanhu varo vese vakaurayiwa vachati katakata pakati paro.+

48 Denga nenyika nezvese zviri mazviri

Zvichapembera nemufaro pamusoro peBhabhironi,+

Nekuti vaparadzi vacharivinga vachibva kuchamhembe,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

49 “Bhabhironi harina kungouraya vaya vakaurayiwa pavaIsraeri chete,+

Asi muBhabhironi makafirawo vaya vakaurayiwa vepanyika yese.

50 Imi vanopona pabakatwa, rambai muchienda, musamira!+

Yeukai Jehovha muri kure,

Uye fungai Jerusarema mumwoyo menyu.”+

51 “Tanyadziswa, nekuti tanzwa mashoko ekushora.

Kunyara kwafukidza zviso zvedu,

Nekuti vanhu vekune imwe nyika* vauya kuzorwisa nzvimbo tsvene dzeimba yaJehovha.”+

52 “Saka inzwai! mazuva achasvika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,

“Andichafunga nezvemifananidzo yaro yakavezwa,

Uye munyika yaro yese munhu akakuvadzwa achagomera.”+

53 “Kunyange kana Bhabhironi rikakwira kudenga,+

Kunyange rikasimbisa shongwe dzaro refu refu,

Vaparadzi varo vachabva kwandiri,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

54 “Teererai! Pane kushevedzera kuri kubva kuBhabhironi,+

Ruzha rwedambudziko guru ruri kubva kunyika yevaKadheya,+

55 Nekuti Jehovha ari kuparadza Bhabhironi,

Achanyaradza inzwi raro guru,

Uye mafungu avo achaomba semvura zhinji.

Inzwi ravo richanzwiwa.

56 Nekuti muparadzi achauya paBhabhironi;+

Varwi varo vachabatwa,+

Uta hwavo huchaparadzwa,

Nekuti Jehovha ndiMwari wekutsiva.+

Achatotsiva chete.+

57 Ndichadhakisa machinda aro nevarume vavo vakachenjera,+

Magavhuna aro nevatevedzeri vevatongi varo nevarwi varo,

Uye vacharara hope dzisingaperi,

Dzavasingazomuki,”+ ndizvo zvinotaurwa naMambo, ane zita rekuti Jehovha wemauto.

58 Zvanzi naJehovha wemauto:

“Rusvingo rweBhabhironi, kunyange zvazvo rwakafara, ruchakoromorwa rwese,+

Uye magedhi aro, kunyange akareba, achapiswa nemoto.

Marudzi achashandira pasina;

Marudzi achazvinetesa nezvinhu zvichangoiswa mumoto.”+

59 Iri ndiro shoko rakataurwa nemuprofita Jeremiya achiripa semurayiro kuna Seraya mwanakomana waNeriya+ mwanakomana waMaseya paakaenda naMambo Zedhekiya weJudha kuBhabhironi mugore rechina rekutonga kwake; Seraya aiva mutariri aiona nezvezvinhu zvamambo. 60 Jeremiya akanyora mubhuku rimwe chete nezvedambudziko rese raizouya paBhabhironi, iwo mashoko ese aya akanyorerwa Bhabhironi. 61 Jeremiya akatiwo kuna Seraya: “Paunosvika kuBhabhironi, woriona, uverenge mashoko ese aya zvinonzwika. 62 Ubve wati, ‘Haiwa Jehovha, makati nzvimbo ino ichaparadzwa yosara isina chinogaramo, angava munhu kana mhuka, uye kuti ichava dongo nekusingaperi.’+ 63 Uye paunopedza kuverenga bhuku iri, risungirire dombo urikande pakati paYufratesi. 64 Ubve wati, ‘Bhabhironi richanyura seizvi uye harizobudizve+ nemhaka yedambudziko randiri kuunza pariri; uye vachaneta.’”+

Mashoko aJeremiya anogumira pano.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe