AIDS muAfrica—Itariroi Iripo Nokuda kweMireniyumu Itsva?
NOMUNYORI WEMUKAI! MUZAMBIA
MUNA September apfuura nhume dzaibva mumativi akasiyana-siyana eAfrica dzakaungana muLusaka, Zambia, nokuda kweInternational Conference on AIDS and STDs in Africa yechi11. Chimwe chinangwa chomusangano wacho chakanga chiri chokukurudzira kubatana kukuru kwenyika dzakavakidzana mukupindura mubvunzo wokuti, Tingadzora sei kupararira kweAIDS muAfrica?
Purofesa Nkandu Luo, akanga ari gurukota rezvoutano muZambia panguva iyoyo, akati mamiriro ezvinhu muAfrica uye mune dzimwe nyika dzichiri kusimukira “aipa zvikuru,” achiwedzera kuti zviri “kumisa” uye kunyange kudzorera shure kumwe kufambira mberi kwakaitwa muutano uye muzvimwe zvinhu zvamagariro evanhu uye zvoupfumi.”
Hurukuro yokusiyirana yokuchengeteka paropa yakabvuma kuti AIDS yave ichiparadzirwa nokuisira ropa. Mumwe chiremba, mumiririri weWorld Health Organisation’s Blood Safety Unit, akaburitsa pachena kuti kunyange zvazvo kurara nomunhu ane chirwere kusingatapurire HIV nguva dzose, munhu anoisirwa ropa rine AIDS achabatwa nayo—muzviitiko zvose! Nechikonzero chakanaka, chiremba uyu akataura kuti mumamiriro ezvinhu akadaro, “kuisira ropa kwakachengeteka ndiko kuya kusingaitwi.”
Musangano wacho wakasimbisa kuti kudhura zvikuru kwokurapa kunoita kuti zviome kana kutotadzisa vane AIDS kuti vagone kurapwa. Somuenzaniso, paavhareji munhu womuUganda anogara muguta anotambira mari inoda kusvika $7 400 pamwedzi. Asi kurapwa nemishonga inodzivisa kutapukirwa noutachiona kunogona kudhura kusvika ku$37 000 pamwedzi!
Musangano womuLusaka wakaratidza kuti kutanga kwemireniyumu itsva hakuzounzi mhinduro iri nyore pakupararira kweAIDS. Zvisinei, vadzidzi veBhaibheri vanoziva kuti pakupedzisira Musiki, Jehovha Mwari, ndiye ane mhinduro yokurwara kwose, iye anopikira kuti munyika yake itsva, “hakuna ugeremo uchati: Ndinorwara.”—Isaya 33:24.
[Mepu/Mufananidzo uri papeji 31]
Purofesa Nkandu Luo
[Kwazvakatorwa]
Photograph by permission of E. Mwanaleza, Times of Zambia