Pasi Rava Pedyo Nokuva Paradhiso!
“Baba vedu muri kudenga, zita renyu ngariitwe dzvene. Ushe hwenyu ngahuuye; kuda kwenyu ngakuitwe panyika sokudenga.”—Mateu 6:9, 10, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.
MUNYENGETERO uyu wakakurumbira, unozivikanwa nevakawanda soMunyengetero waShe kana kuti waBaba Vedu, unoita kuti vanhu vave netariro. Sei?
Sezvinoratidzwa noMunyengetero waShe, Umambo hwaMwari huchaita kuti zvinoda Mwari zviitwe pasi pano sezvazviri kutoitwa kudenga. Uye ndizvo zvinoda Mwari kuti pasi rino rivezve Paradhiso. (Zvakazarurwa 21:1-5) Umambo hwaMwari hunombova chii chaizvo, uye huchaita sei kuti pasi rivezve Paradhiso?
Ihurumende Chaiyo
Umambo hwaMwari ihurumende chaiyo. Kuti zvinzi pane hurumende, panofanira kuva nevatongi, mitemo, uye vanotongwa. Umambo hwaMwari hune zvinhu izvi here? Ona kuti Bhaibheri rinopindura sei mibvunzo mitatu inotevera:
Ndivanaani vanotonga muUmambo hwaMwari? (Isaya 33:22) Jehovha Mwari akagadza Mwanakomana wake, Jesu Kristu, kuti atungamirire Umambo hwacho. (Mateu 28:18) Achitungamirirwa naJehovha, Jesu akasarudza vanhu vashoma vanobva “mumadzinza ose nendimi nevanhu norudzi” vachatonga naye “semadzimambo pamusoro penyika.”—Zvakazarurwa 5:9, 10.
Mitemo ipi yakadzikwa noUmambo hwaMwari inofanira kuteererwa nevachatongwa nahwo? Mimwe mitemo yacho kana kuti mirayiro inoda kuti vanotongwa vaite zvimwe zvinhu. Jesu akataura mitemo inonyanya kukosha kupfuura yose achiti: “‘Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose.’ Uyu ndiwo murayiro mukuru pane yose uye wokutanga. Wechipiri, wakafanana nawo, ndouyu, ‘Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’”—Mateu 22:37-39.
Mimwe mitemo yacho inoda kuti vanotongwa noUmambo hwaMwari varege kuita zvimwe zvinhu. Somuenzaniso, Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti: “Musatsauswa. Zvifeve, kana vanonamata zvidhori, kana mhombwe, kana varume vanochengeterwa kuita zvinhu zvisiri zvomusikirwo, kana varume vanorara nevarume, kana mbavha, kana vanhu vanokara, kana zvidhakwa, kana vanotuka, kana makororo havazogari nhaka youmambo hwaMwari.”—1 VaKorinde 6:9, 10.
Ndivanaani vanotongwa noUmambo hwaMwari? Jesu akafananidza vanotongwa noUmambo hwaMwari nemakwai. Akati: “Achateerera inzwi rangu, uye achava boka rimwe chete, pasi pomufudzi mumwe chete.” (Johani 10:16) Kuti munhu atongwe noUmambo hwaMwari, haangofaniri kutaura kuti anotevera Mufudzi Akanaka, Jesu, asi anofanirawo kuita zvinorayirwa naJesu. Akati: “Haasi munhu wose anoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ achapinda muumambo hwokumatenga, asi uya anoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga.”—Mateu 7:21.
Saka vaya vanotongwa noUmambo hwaMwari vanoshandisa uye vanokudza zita raMwari rokuti Jehovha, sezvaingoita Jesu. (Johani 17:26) Vanoteerera murayiro waJesu wokudzidzisa vamwe “aya mashoko akanaka oumambo.” (Mateu 24:14; 28:19, 20) Uye vanodanana zvechokwadi.—Johani 13:35.
‘Kuparadza Vaya Vanoparadza Nyika’
Zviri kuitika munyika mazuva ano zvinoratidza kuti Umambo hwaMwari huchakurumidza kuchinja zvikuru zvinhu pasi pano. Tinozviziva sei? Makore zviuru zviviri apfuura, Jesu akarondedzera chiratidzo chinoumbwa nezvinhu zvakawanda chaizoratidza kuti “umambo hwaMwari hwava pedyo.” (Ruka 21:31) Sezvaratidzwa munyaya yapfuura, zvinhu zvinoumba chiratidzo ichocho zviri kunyatsooneka munyika yose.
Chii chichatevera? Jesu anopindura kuti: “Panguva iyoyo pachava nokutambudzika kukuru kusina kumboitika kubvira pakutanga kwenyika kusvikira zvino, aiwa, uyewo hakuzoitikizve.” (Mateu 24:21) Iri harisi dambudziko rinokonzerwa nomunhu. Asi, ndiMwari achazviita, kuti a“paradze vaya vanoparadza nyika.” (Zvakazarurwa 11:18) Vanhu vakaipa, vaparadza nyika pamusana pezviito zvavo zvoudyire, “vachaparadzwa panyika.” Asi vasina chavanopomerwa, vanoshumira Mwari sezvaanoda, “vachasara vari pairi.”—Zvirevo 2:21, 22.
Zvakarurama kuti Jehovha Mwari adaro. Nei? Chimbofunga muenzaniso uyu: Fungidzira kuti une chivako chako chiduku chine dzimba dzokugara. Mamwe maroja epachivako ichi anozvibata uye ane hanya; anobhadhara rendi uye anotarisira dzimba dzawo zvakanaka. Zvisinei, mamwe maroja acho anonetsa uye ane udyire; anoramba kubhadhara mari yerendi uye anokanganisa chivako chako. Pasinei nenyevero dzaanogara achingopiwa, anoramba achiita zvakaipa. Waizoita sei? Somuridzi, chokwadi waizodzinga maroja iwayo akaipa.
Saizvozvowo, Jehovha Mwari, zvaari Musiki wenyika nezvose zviri panyika, ane kodzero yokusarudza waachabvumira kuti agare panyika. (Zvakazarurwa 4:11) Jehovha akati chinangwa chake ndechokubvisa vanhu vakaipa panyika ino vasina basa nezvaanoda uye vanokanganisa kodzero dzevamwe.—Pisarema 37:9-11.
Pasi Rinoitwazve Paradhiso
Nokukurumidza Umambo hwaMwari hunotungamirirwa naJesu Kristu huchatonga pasi rino. Jesu akadana mavambo matsva aya achiti “nguva yokuti zvinhu zvose zviitwezve zvitsva.” (Mateu 19:28, New International Version) Zvinhu zvichange zvakaita sei? Ona mashoko anotevera anovimbiswa neBhaibheri:
Pisarema 46:9. “Anogumisa hondo kusvikira kumugumo wenyika.”
Isaya 35:1. “Renje nenzvimbo isina mvura zvichapembera nomufaro, bani rerenje richafara rotumbuka sesafuroni.”
Isaya 65:21-23. “Vanhu vandakasarudza vachafarira basa remaoko avo zvizere. Havazoshandi zvakaoma pasina, uyewo havazobereki vana vachakurumidza kufa.”
Johani 5:28, 29. “Awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi [raJesu], vobuda.”
Zvakazarurwa 21:4. “[Mwari] achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.”
Zvikonzero Zvokutenda Kuti Zvichaitika
Unotenda kuti zvakavimbiswa neBhaibheri zvichaitika here? Bhaibheri rakafanotaura kuti vakawanda vaisazotenda. Rinoti: “Mumazuva okupedzisira vaseki vachauya . . . vachiita maererano nokuchiva kwavo, vachiti: ‘Uku kuvapo kwake kwakapikirwa kuri kupiko? Chokwadi, kubvira pazuva rakarara madzitateguru edu murufu, zvinhu zvose zviri kuramba zvakaita sezvazvakanga zvakangoita kubvira pazvakatanga kusikwa.’” (2 Petro 3:3, 4) Asi vaseki ava vakarasika zvikuru. Chimbofunga zvikonzero zvina bedzi nei uchifanira kutenda zvinotaurwa neBhaibheri:
(1) Mwari akamboparadza vanhu vakaipa pasi pano kare. Mafashamo omuzuva raNoa muenzaniso uri pachena.—2 Petro 3:5-7.
(2) Shoko raMwari rakafanotaura zvakarurama nezvezvinhu zviri kuitika munyika yose iye zvino.
(3) Zvinhu zvose hazvisi ‘kuita sezvazvakanga zvakangoita kubvira pazvakatanga kusikwa.’ Pamwero mukuru zvikuru munhoroondo yevanhu, nyika yedu yave ichitambura mune zvenzanga, mutsika, uye kukanganisika kwezvakapoteredza.
(4) “Mashoko akanaka oumambo” ari kuparidzwa iye zvino munyika yose, zvichiratidza kuti “kuguma kuchasvika” nokukurumidza.—Mateu 24:14.
Zvapupu zvaJehovha zvinokukumbira kuti udzidze nazvo Shoko raMwari, Bhaibheri, kuitira kuti udzidze zvakawanda nezvetariro youpenyu husingaperi pasi pokutonga kwoUmambo hwaMwari. (Johani 17:3) Chokwadi, mberi kune remangwana rakanaka nokuda kwevanhu. Nguva yakanaka iyi yava kusvika! Uchavapowo here?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 7]
Vaya vanotaura kuti zvinhu zvicharamba zvakaita sezvazvakanga zvakaita vagara vakarasika zvikuru
[Mufananidzo uri papeji 8]
Uchavapowo here munguva iyi?