Waizviziva Here?
Maperembudzi anotsanangurwa muBhaibheri akafanana here neanozivikanwa nhasi?
Shoko rokuti “maperembudzi” riri kushandiswa mazuva ano rinoreva chirwere chinoitwa nevanhu chinokonzerwa nemabhakitiriya. Mabhakitiriya aya akatanga kuonekwa naDr. G.A. Hansen muna 1873. Vanotsvakurudza vakawana kuti mabhakitiriya acho anogona kurarama asiri mumuviri kwemazuva mapfumbamwe ari muzvinhu zvinobuda nomumhino. Vakawanawo kuti vanhu vanogara pedyo nevane maperembudzi vari nyore zvikuru kubatwa nechirwere ichi uye kuti mbatya dzinogonawo kutapurira utachiona hwacho. Maererano nesangano rinonzi World Health Organization, muna 2007, pakaonekwazve vanhu vaipfuura 220 000 vainzi vaiva nemaperembudzi.
Hapana mubvunzo kuti vanhu vokuMiddle East vomunguva dzomuBhaibheri vaibatwa nemaperembudzi, uye Mutemo waMosesi waida kuti anenge aine maperembudzi agare kwake oga. (Revhitiko 13:4, 5) Zvisinei, shoko rechiHebheru rokuti tsa·raʹʽath rinoshandurwa kuti “maperembudzi” rakanga risingangorevi nezvechirwere chinobata vanhu chete. Mbatya uye dzimba zvaigonawo kunzi zvine tsa·raʹʽath. Maperembudzi akadai aigonawo kuita pambatya dzerineni kana kuti dzakagadzirwa nemvere dzemakwai kana kuti pachinhu chero chipi zvacho chakagadzirwa nedehwe remhuka. Dzimwe nguva zvaigona kupera nokusukwa, asi kana “hosha yegirini yakada kuita yero kana kuti yakatsvukuruka” ikaramba iripo, nguo yacho kana kuti dehwe racho raifanira kupiswa. (Revhitiko 13:47-52) Mudzimba, hosha yacho yaionekwa kana pamadziro paine “nzvimbo dzakapinda mukati dzegirini yakada kuita yero kana kuti dzakatsvukuruka.” Matombo uye dhaka raiva nehosha zvaifanira kubviswa zvorasirwa—kure nekwaigara vanhu. Kana maperembudzi airamba kupera, imba yacho yaifanira kuputswa uye zvakavakiswa zvaifanira kuraswa. (Revhitiko 14:33-45) Vamwe vanoti maperembudzi aiitika panguo kana mudzimba anogona kunge aireva chakuvhuvhu. Zvisinei, hapana anonyatsoziva.
Nei kuparidza kwakaita muapostora Pauro muEfeso kwakaita kuti vapfuri vesimbi vamutse bongozozo?
Vapfuri vesimbi vokuEfeso vaibudirira pakugadzira “tutemberi twesirivha twaAtemisi,” uyo ainzi aidzivirira Efeso, aiva mwarikadzi wokuvhima, wembereko, uye wepanguva yokusununguka vana. (Mabasa 19:24) Chidhori chake chainzi chakadonha “chichibva kudenga” uye chakaiswa mutemberi yaAtemisi kuEfeso. (Mabasa 19:35) Temberi iyi yaiverengwa panzvimbo nomwe dzekare dzainzi dzaishamisa. Mapoka evanhu aishanyira kuEfeso muna March naApril gore rimwe nerimwe kuti apinde mutambo wokuremekedza Atemisi. Kuwanda kwevanhu vaishanyira nzvimbo iyi kwakaita kuti zvinhu zvaishandiswa pakunamata zvinyanye kudiwa, zvaigona kushandiswa sezviyeuchidzo, semazango, kana kuti sezvinhu zvokupa kuna mwarikadzi, kana kuti zvaizoshandiswa pakunamata nemhuri padzainge dzadzokera kumba. Manyoro ekare okuEfeso anotaura nezvokugadzirwa kwezvifananidzo zvaAtemisi zvendarama uye zvesirivha, uye zvimwe zvaiva zvakanyorwa zvaitaura nezvemasangano evanhu vaipfura simbi.
Pauro akadzidzisa kuti zvifananidzo zva“kagadzirwa nemaoko havasi vanamwari.” (Mabasa 19:26) Saka vapfuri vesimbi pavakaona kuti zvaivararamisa zvakanga zvava pangozi vakaronga bongozozo kuti rikanganise kuparidzira kwaiita Pauro. Dhemetriyo, mumwe wevapfuri vesimbi, akataura zvairatidza kuti vaitya, achiti: “Ngozi iripo haisi yokuti basa redu iri harizoremekedzwi chete asiwo kuti temberi yamwarikadzi mukuru Atemisi ichaonekwa sepasina uye kunyange ukuru hwake hunonamatwa noruwa rwose rweEzhiya nenyika inogarwa hwava kuda kugumiswa.”—Mabasa 19:27.