RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 2/1 p. 15
  • “Ini Handizokukanganwi”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Ini Handizokukanganwi”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • “Tsitsi Huru dzaMwari Wedu”
    Swedera Pedyo naJehovha
  • Jehovha—Baba Vedu Vanonzwira Tsitsi Nenzira Younyoro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • “Mwari Rudo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Rudo rwaMwari Runoonekwa Murudo Rwaamai
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 2/1 p. 15

Swedera Pedyo naMwari

“Ini Handizokukanganwi”

JEHOVHA ane hanya nevashumiri vake zvechokwadi here? Kana zvakadaro, anovada zvakadini? Tinogona chete kungoziva mhinduro dzemibvunzo iyoyo kubva pane zvinotaurwa naMwari pachake. MuBhaibheri, Jehovha anotaura zvakajeka manzwiro aanoita. Funga nezvemashoko ari pana Isaya 49:15.

Achishandisa Isaya, Jehovha anotaura muenzaniso unobaya mwoyo zvikuru kuti aratidze rudo rwakadzama rwaanarwo nevashumiri vake. Anotanga nokubvunza mubvunzo unotokonya pfungwa wokuti: “Mudzimai angakanganwa mwana wake anoyamwa zvokuti angasanzwira tsitsi mwanakomana wedumbu rake here?” Pakutanga tingaona sokuti mhinduro yacho iri pachena. Mudzimai anoyamwisa angakanganwa sei mwana wake? Siku nesikati mwana iyeye anenge achida kutarisirwa naamai vake uye kana pane zvaanoda anochema. Asi mubvunzo waJehovha une zvimwe zvaunoreva.

Nei amai vachiyamwisa mwana wavo uye vachimutarisira pane zvose zvaanoda? Vanozviitira kuti vangomunyaradza kana achichema here? Aiwa. Zvingori muropa kuti amai vanzwire ‘tsitsi mwanakomana wedumbu ravo.’ Shoko rechiito rechiHebheru rakashandurwa kuti “tsitsi” rinopawo pfungwa ‘yokunzwira ngoni.’ (Eksodho 33:19; Isaya 54:10) Rinogonawo kupa pfungwa yokunzwira tsitsi zvikuru munhu asina simba rokuzvidzivirira. Pfungwa iyi inoita kuti tifunge nezvetsitsi huru dzinoratidzwa naamai kumwana wavo.

Asiwo zvinosuruvarisa kuti vamwe vanaamai havanzwiri tsitsi vana vavo. Jehovha anototi: ‘Vakadzi ava vangatokanganwa vana vavo pane kuti iye akanganwe vanhu vake.’ Tiri kurarama munguva ine vanhu vakawanda ‘vasina kuvimbika uye vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo.’ (2 Timoti 3:1-5) Dzimwe nguva tinonzwa nezvanaamai vasina basa nevana vavo, vanovashungurudza uyewo vanorasa vana vachangoberekwa. Richitaura nezvaIsaya 49:15, rimwe duramanzwi rinoti: “Vanaamai vane zvivi uye dzimwe nguva rudo rwavo runokanganiswa nekuparara kwetsika. Kunyangewo rudo rukuru rungaratidzwa nevanhu rungasvika pakupera.”

Asi Jehovha anotivimbisa kuti “ini handizokukanganwi.” Saka iye zvino tinogona kunzwisisa zviri kurehwa nomubvunzo uri pana Isaya 49:15. Pano Mwari haasi kuzvienzanisa navanaamai vasina kukwana. Asi ari kuti iye haazombofa akarega kana kuti kukanganwa kunzwira tsitsi vanomunamata, kusiyana nezvingaitwa navanaamai vane zvivi. Ndokusaka duramanzwi rambotaurwa pamusoro apa richiti nezvaIsaya 49:15: “Zvinoita sokuti uku ndiko kurondedzerwa kukuru kworudo rwaMwari muTestamende Yekare.”

Hazvizorodzi here kudzidza nezve“tsitsi huru dzaMwari wedu?” (Ruka 1:78) Wadii kudzidza nezvokuti ungaswedera sei pedyo naJehovha? Mwari uyu ane rudo anovimbisa vanamati vake kuti: “Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.”—VaHebheru 13:5.

Ndima dzeBhaibheri Dzamunogona Kuverenga Muna February:

◼ Isaya 43-62

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe