RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 6/15 p. 19
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Anozivisa “Zvinhu Zvinofanira Kukurumidza Kuitika”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Kusagadzikana Mune Zvematongerwo Enyika Kuri Kuzadzisa Uprofita hweBhaibheri
    Dzimwe Nyaya
  • Kumuka Nokuwa kweChifananidzo Chikuru
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Dzidza Pauprofita hweBhaibheri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 6/15 p. 19

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Maererano neuprofita hweBhaibheri, Umambo hweBritain neAmerica hwakava umambo hwechinomwe hune simba pane humwe hwose riini?

Chifananidzo chikuru chakaonekwa naMambo Nebhukadhinezari hachimiriri umambo hwose hwaiva nesimba pane humwe. (Dhan. 2:31-45) Chinongoratidza umambo hushanu hwakatonga kubva panguva yaDhanieri zvichienda mberi uye hune zvahwakanyatsoita pavanhu vaMwari.

Kubva patsanangudzo dzaDhanieri, chifananidzo ichi chinoratidza kuti Umambo hweBritain neAmerica hwaizobuda muRoma, kwete kuti hwaizoikunda. Pachifananidzo chacho, Dhanieri anoona makumbo esimbi iyo yaidzika kusvika kutsoka nezvigunwe. (Kutsoka nezvigunwe, simbi yacho yakasangana nevhu.)a Tsanangudzo iyoyo inoratidza kuti Umambo hweBritain neAmerica hwaizobva mumakumbo esimbi. Zvakaitika zvinonyatsoratidza kuti tsanangudzo iyi ndeyechokwadi. Britain, iyo yaimbova chikamu cheUmambo hweRoma yakatanga kuva nesimba makore okuma1700 ava kunopera. Pava paya, United States of America yakavawo nesimba. Zvisinei, umambo hune simba hwechinomwe hunotaurwa neBhaibheri hwakanga husati hwavapo. Nei tichidaro? Britain neUnited States dzakanga dzisati dzabatana zvinonyatsooneka. Dzakazobatana muHondo Yenyika I.

Pakazosvika nguva iyi, “vanakomana voumambo” vakanga vachishingaira zvikuru muUnited States, vaine muzinda wavo muBrooklyn, New York. (Mat. 13:36-43) Vakazodzwa vakanga vachishingaira kuparidza munyika dzaitongwa neUmambo hweBritain. Pairwiwa Hondo Yenyika I, Britain neAmerica dzakaumba husahwira padzairwisa vavengi vadzo. Britain neAmerica dzakavengawo vose vaiva chikamu chembeu ‘yemukadzi’ waMwari nokuti panguva yehondo dzaitarisira kuti vanhu vose vaifanira kutsigira nyika dzavo. Vakarambidza mabhuku avaiburitsa uye vakasunga vaya vaitungamirira basa rokuparidza.—Zvak. 12:17.

Saka kubva pauprofita hweBhaibheri, umambo hwechinomwe hahuna kutanga makore okuma1700 ava kunopera, pakatanga Britain kuva nesimba. Asi, hwakazotanga pakatanga zuva raShe.b

[Mashoko Omuzasi]

a Ivhu rakasangana nesimbi rinomirira zvinhu kana kuti vanhu vanowanika muUmambo hweBritain neAmerica uhwo hwakaita sesimbi. Nguva zvayave ichifamba, ivhu iri rave richiita kuti zviomere umambo ihwohwo kushandisa simba rahungada kushandisa.

b Tsanangudzo iyi inogadziridza mashoko ari papeji 57 ndima 24 mubhuku raUprofita hwaDhanieri uye ari pamachati ari papeji 56 ne 139.

[Mufananidzo uri papeji 19]

Hama sere dzepamuzinda weWatchtower dzakaiswa mujeri muna June 1918

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe