RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w14 6/1 pp. 7-9
  • Wakamboravira Chingwa Choupenyu Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Wakamboravira Chingwa Choupenyu Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • CHINGWA CHOKUTSIGIRA MWOYO WOMUNHUWO ZVAKE
  • CHINGWA CHOUPENYU
  • Jesu—“Chingwa Chechokwadi Chakaburuka Kudenga”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Jesu “Chingwa Choupenyu”
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Chingwa Chakaburuka Kudenga
    Imbirai Jehovah Rumbidzo
  • Chishamiso Chekupa Vanhu Chingwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
w14 6/1 pp. 7-9
Baba vechiIsraeri vari kumedurirana chingwa nevana vavo

Wakamboravira Chingwa Choupenyu Here?

VASHANYI vacho vakanga vava nenzara. Kushanyira nzvimbo dzekare dziri muguta reBethlehem kwakaita kuti vade kudya, uye vaida kumboravira zvokudya zvemo. Mumwe wavo akaona resitorendi yaiva nezvokudya zvinonzi falafel zvinosanganiswa madomasi, hanyanisi, pizi, nemimwe miriwo, uye zvinodyiwa nechingwa chegorosi kana kuti chebhari chinonzi pita bread. Zvokudya zviri nyore izvi uye zvinonaka zvakaita kuti vave nesimba rokupfuurira kufamba vachiona nzvimbo yacho.

Vashanyi vacho havana kuziva kuti chingwa ichocho chisina twakawanda-wanda chinogona kunge chava nenhoroondo refu kupfuura zvimwe zvavakaona musi iwoyo. Zita rokuti Bethlehem rinoreva kuti “Imba Yechingwa,” uye chingwa chava nezviuru zvemakore chichibikwa munzvimbo iyi. (Rute 1:22; 2:14) Pita bread chimwe chezvingwa zvinodyiwa muBethlehem mazuva ano.

Makore anoda kusvika 4 000 akapfuura, munzvimbo iri kumaodzanyemba kweBethlehem, Sara mudzimai waAbrahamu akabika chingwa kuti ape vaenzi vatatu vakangoerekana vasvika. (Genesisi 18:6) “Furawa yakatsetseka” yaakashandisa inofanira kunge yaiva yegorosi kana kuti yebhari. Sara aifanira kubika chingwa chacho nokukurumidza uye anogona kunge akabikira mukanyiwa wacho pamatombo aipisa.—1 Madzimambo 19:6.

Nhoroondo iyi inoratidza kuti mhuri yaAbrahamu yaibikawo chingwa chayo. Kugara vachitama-tama kwaireva kuti Sara nevashandi vake vangangodaro vaisabikira chingwa muovheni dzainyanya kushandiswa mutaundi rekumusha kwake reUri. Akagadzira furawa yakatsetseka achishandisa zvirimwa zvekwavaiva. Iri rinofanira kunge raiva basa rakaoma raiitwa pachishandiswa guyo duku rinotakurika kana kuti zvimwe duri nemutswi.

Pashure pemakore 400, Mutemo waMosesi wakataura zvakajeka kuti guyo raisafanira kutorwa sechokumbofanobata, sezvo raibatsira munhu kuti ararame. (Dheuteronomio 24:6) Mwari aiona guyo serinokosha nokuti mhuri yaisagona kuwana zvokudya zvayo zvezuva nezuva kana risipo.—Ona bhokisi rakanzi “Kukuya Uye Kubika Chingwa Munguva Dzinotaurwa muBhaibheri.”

CHINGWA CHOKUTSIGIRA MWOYO WOMUNHUWO ZVAKE

Magwaro anotaura nezvechingwa kakawanda uye vanyori veBhaibheri vaiwanzoshandisa shoko rokuti chingwa kureva zvokudya. Jesu akaratidza kuti vaya vanoshumira Mwari vanogona kunyengetera nechivimbo kuti: “Tipei nhasi zvokudya [chingwa] zvedu zvanhasi.” (Mateu 6:11) Pano Jesu akaratidza kuti tinogona kuvimba naMwari kuti atipe zvatinoda kuti tirarame.—Pisarema 37:25.

Asiwo pane zvimwe zvinokosha kupfuura chingwa kana kuti zvokudya. Jesu akati, “Munhu haangararami nechingwa chete, asi nemashoko ose anobuda mumuromo maJehovha.” (Mateu 4:4) Mashoko ake aitaura nezvenguva apo vaIsraeri vakanga vasina mumwe aigona kuvapa zvokurarama nazvo kunze kwaMwari. Vakatanga kutarisirwa naMwari nguva pfupi vachangobva muIjipiti. Pakanga papera unenge mwedzi kubva pavakapinda muRenje reSinai, uye zvokudya zvavo zvainge zvava kupera. Vachityira kuti vaizofa nenzara mugwenga iroro, vakanyunyuta vakatsamwa vachiti: “Tainge tichidya zvokudya tichiguta” muIjipiti.—Eksodho 16:1-3.

Hapana mubvunzo kuti chingwa chokuIjipiti chainaka. Munguva yakararama Mosesi, vabiki vane unyanzvi vakanga vava kubika chingwa nemakeke zvemhando dzakasiya-siyana muIjipiti. Asi Jehovha akanga asingadi kusiya vanhu vake vasina zvokudya. Akavavimbisa kuti, “Tarirai ndiri kukunayisirai chingwa chinobva kumatenga.” Chingwa ichi chakabva chatooneka mangwanani-ngwanani, uye chaiva “zvinhu zvitete zvakatsetseka” zvakaita sedova kana kuti semazaya echando. Pavakatanga kuona chingwa chacho, vaIsraeri vakabvunza kuti, “Chii ichi?” Mosesi akatsanangura kuti, “Ndicho chingwa chamapiwa naJehovha kuti mudye.” Vakachidana kuti mana,a uye vakazorarama vachidya chingwa ichi kwemakore 40 akatevera.—Eksodho 16:4, 13-15, 31.

VaIsraeri vari kunhonga mana, chingwa chakabva kudenga

Pakutanga vaIsraeri vanofanira kunge vakafarira mana yavakapiwa nechishamiso. Yainaka “semakeke akatetepa ane uchi,” uye munhu wese aidya achiguta. (Eksodho 16:18) Asi nguva zvayaifamba, vakatanga kusuwa zvokudya zvakasiyana-siyana zvavaidya kuIjipiti. Vakanyunyuta vachiti, “Maziso edu haana chimwe chaachiri kuona kunze kwemana iyi.” (Numeri 11:6) Pave paya vakapopota vachiti, “Mweya yedu yava kusema [kuvenga] chingwa ichi chinosembura.” (Numeri 21:5) “Chingwa chaibva kudenga” chakanga chisisavanakiri uye chava kuvasembura.—Pisarema 105:40.

CHINGWA CHOUPENYU

Kungofanana nezvimwe zvinhu zvakawanda, chingwa chinogona kuonekwa sechisingakoshi. Asi Bhaibheri rinotaura nezvechingwa chinokosha chaizvo chisingafaniri kutarisirwa pasi. Jesu akachifananidza nemana yakarambwa nevaIsraeri vachinyunyuta, uye chinogona kuwanisa makomborero nekusingaperi.

Jesu akaudza vateereri vake kuti, “Ndini chingwa choupenyu. Madzitateguru enyu akadya mana murenje asi akafa. Ichi ndicho chingwa chinoburuka chichibva kudenga, kuti munhu achidye arege kufa. Ndini chingwa chipenyu chakaburuka chichibva kudenga; kana munhu akadya chingwa ichi achararama nokusingaperi; uye, chokwadi, chingwa chandichapa inyama yangu nokuda kwoupenyu hwenyika.”—Johani 6:48-51.

Vakawanda vevateereri vaJesu havana kunzwisisa mashoko ake ekufananidzira okuti “chingwa” uye “nyama.” Asi muenzaniso wacho wakanga wakanyatsokodzera. Chingwa chaicho chaiva zvokudya zvevaJudha zuva nezuva, sezvakanga zvamboitawo mana iyo yakava zvokudya zvevaIsraeri kwemakore 40 murenje. Kunyange zvazvo mana yaiva chipo chinobva kuna Mwari, yakanga isingawanisi upenyu husingaperi. Asi chibayiro chaJesu chinoita kuti vaya vanotenda maari vawane upenyu husingaperi. Ndiye “chingwa choupenyu.”

Kana ukanzwa nzara, zvimwe unotsvaka chingwa. Ungatendawo Mwari nokukupa “chingwa chezuva rimwe nerimwe.” (Mateu 6:11, The New English Bible) Tinoonga zvokudya zvinonaka, asi ngatisambofa takakanganwa kukosha kwaJesu Kristu uyo anova “chingwa choupenyu.”

Kusiyana nevaIsraeri vemunguva yaMosesi vakanga vasingaongi, isu tingaratidza sei kuti tinokoshesa chingwa ichi chinokosha chaizvo? Jesu akati, “Kana muchindida, muchachengeta mirayiro yangu.” (Johani 14:15) Kana tikateerera mirayiro yaJesu, tinova netariro yokuzodya chingwa tichifara nokusingaperi.—Dheuteronomio 12:7.

a Shoko rokuti “mana” rinofanira kunge rakabva muchirevo chechiHebheru chokuti “man hu’?” chinoreva kuti “chii ichi?”

Kukuya Uye Kubika Chingwa Munguva Dzinotaurwa muBhaibheri

Mukadzi ari kukuya furawa

Kukuya furawa. Vakadzi vaiwanzogadzira furawa nemaoko, rinova rimwe remabasa epamba avaiita mangwanani. (Zvirevo 31:15; Mateu 24:41) Munguva dzemadzitateguru evaIsraeri, vanhu vaiwanzorima gorosi rinonzi emmer raiva netsanga dzaisava nyore kuparadzanisa nehundi. Izvi zvaiita kuti basa racho riome, zvokuti vaifanira kudzvura muduri kana kuti kukuya paguyo. Kutanga, gorosi racho raifanira kunyoroveswa, rodzvurwa, uye roomeswa pazuva. Zvadaro, gorosi racho raizozungurwa risati ratanga kukuyiwa.

Kukuya furawa yaikwana mhuri kwaigona kutora maawa akawanda, uye “kurira kweguyo” kwaiwanzonzwika mumataundi anotaurwa muBhaibheri. (Jeremiya 25:10) Makuyo makuru aitenderedzwa nemhuka akazotanga kushandiswa, kukuya kwacho pakwakanga kusisaitwi nemudzimai wepamba chete asiwo kwava kunyanya kuitwa nemunhu aitoita basa iroro.—Mateu 18:6.

Mukadzi ari kubudisa chingwa muovheni duku

Kubika chingwa. Kubika chingwa ndiro basa raizotevera. Mudzimai wepamba aisanganisa furawa nemvura, okanya mukanyiwa, obva abika chingwa. (Genesisi 18:6) Dzimwe mhuri dzaingobikira chingwa pamatombo aipisa uye dzimwe dzaishandisa ovheni diki. (Revhitiko 2:4; Isaya 44:15) Vanhu vakakurumbira vakadai savanaFarao, vaibikirwa chingwa nevabiki vane unyanzvi, asi mumakore akazotevera kunyange vanhuwo zvavo vainge vava kutenga chingwa. (Genesisi 40:17; 1 Samueri 8:13; Isaya 55:2) MuJerusarema maiva ne“mugwagwa wevabiki” mumazuva aJeremiya, uye munguva yaNehemiya imwe yeshongwe dzaivamo yainzi “Shongwe yeOvheni.”​—Jeremiya 37:21; Nehemiya 12:38.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe