Jobho
29 Jobho akaenderera mberi nekutaura kwake* achiti:
2 “Dai ndaiva mumwedzi yakapfuura,
Mumazuva andaichengetedzwa naMwari,
3 Paaiita kuti rambi rake rivheneke pamusoro wangu,
Pandaifamba nemurima ndichivhenekerwa nechiedza chake,+
4 Pandakanga ndichiri kuzvinzwa,
Ushamwari naMwari huchinzwika mutende rangu,+
5 Wemasimbaose paakanga achiineni,
Ndakakomberedzwa nevana* vangu vese,
6 Tsoka dzangu dzichigeza muruomba,
Uye matombo achindibudisira hova dzemafuta.+
Ndichigara munzvimbo inoungana vanhu,+
8 Majaya aindiona onditsaukira,*
Uye kunyange harahwa dzaindisimukira dzoramba dzimire.+
9 Machinda airamba akanyarara;
Aibata miromo yawo.
10 Manzwi evanhu vakakurumbira aisanzwika;
Rurimi rwavo rwainamatira mukanwa mavo.
11 Munhu wese aindinzwa aitaura zvakanaka nezvangu,
Uye vaya vaindiona vaindipupurira.
12 Nekuti ndaibatsira varombo vaiva nezvichemo,+
Pamwe nenherera nemunhu wese akanga asina mubatsiri.+
14 Ndaipfeka kururama sezvandinoita chipfeko;
Kutonga kwangu zvakarurama kwakanga kwakaita senguo* uye ngowani.
15 Ndaiva maziso ebofu
Uye ndaiva tsoka kune akaremara.
19 Midzi yangu ichasvika mumvura,
Uye dova richapedza usiku hwese riri pamapazi angu.
20 Kukudzwa kwangu kunoramba kuchiitwa kutsva,
Uye uta huri muruoko rwangu hucharamba huchipfura.’
22 Ndaiti ndikataura, vaisara vasina chimwe chekuwedzera;
Mashoko angu aidzika zvinyoronyoro munzeve dzavo.