Zvevechiduku
Ngwarira Midzimu Yakaipa!
Mirayiridzo: Ita basa iri uri panzvimbo isina zvinokukanganisa. Paunoverenga magwaro, fungidzira uripowo pazvaiitika. Ona zvaiitika mupfungwa dzako. Inzwa manzwi acho. Iva nemanzwiro evanhu vanonyanya kutaurwa. Ngazviite sokuti zviri kutoitika.
1 ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA GENESISI 6:1-6 UYE MABASA 19:11-20.
Rondedzera zvaunofungidzira kuti ndizvo zvaiva zvakaita vaNefirimu.
․․․․․
Unofunga kuti varume vacho vakanzwa sei mushure mokusangana nemudzimu wakaipa, sezvinorondedzerwa pana Mabasa 19:13-16?
․․․․․
2 DZAMISA PFUNGWA.
Uchishandisa mabhuku kana kuti zvimwe zvinhu zvinobatsira pakutsvakurudza zvamunazvo, tsvaka mamwe mashoko nezvevaNefirimu. Unofunga kuti sei vaifarira zvokurwa kudaro?
․․․․․
Sei zvinganzi midzimu yakaipa ‘yakasiya nzvimbo yayo yokugara yakakodzera’? (Verenga Judha 6.) Unofunga kuti sei zvakanga zvisina kukodzera uye zvakaipa kuti itsvake madzimai aiva vanhu?
․․․․․
Nhoroondo mbiri dzawaverenga dzakuudzei nezvekupenga nebonde uye kuda zvokurwisana kunoitwa nemidzimu yakaipa?
․․․․․
3 ITA ZVAWADZIDZA. NYORA ZVAWADZIDZA PAMUSORO PE . . .
Utsinye uye kungoda kuzvifadza kunoitwa nemidzimu yakaipa.
․․․․․
ZVIMWE ZVOKUTI UITE.
Sezvo midzimu yakaipa isingachagoni kuchinja miviri yayo, ingaedza sei kukukanganisa?
․․․․․
Ivaraidzo dzipi nhasi dzinoratidza zvinofarirwa nemidzimu yakaipa uye maonero ayo?
․․․․․
Ungaratidza sei hautombodi kukanganiswa nemidzimu yakaipa? (Verengazve Mabasa 19:18, 19.)
․․․․․
4 ZVII ZVIRI MUNYAYA IDZI ZVANYANYA KUKUBATSIRA, UYE NEI?
․․․․․
Kana usina Bhaibheri, kumbira Zvapupu zvaJehovha, kana kuti riverenge paIndaneti www.watchtower.org