RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w21 June p. 25
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Mashoko Akafanana
  • Mitero—Mubayiro “Wenzanga Yakabudirira” Here?
    Mukai!—2003
  • “Kana Mune Mungava Wemitero, Terai Mitero”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Unofanira Kubhadhara Mitero Yako Here?
    Mukai!—2003
  • Mitero Iri Kuwedzera Kusafarirwa Here?
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
w21 June p. 25
Jesu akabata dhinari.

Waizviziva Here?

Mitero ipi yaifanira kubhadharwa nevanhu munguva yaJesu?

KWEMAKORE akawanda, vaIsraeri vaipa mari yekutsigira kunamata kwechokwadi. Asi munguva yaJesu, vaJudha vaibhadhariswa mitero yakawanda uye zvaiita kuti vaomerwe neupenyu.

Kuti vatsigire kunamatwa kwaMwari panzvimbo tsvene, vanhurume vese vechiJudha vainge vabva zera vaifanira kubhadhara hafu yeshekeri (madrakema maviri) gore negore. Panguva yaJesu, mitero iyoyo yaishandiswa pakutenga zvibayiro uye pakuchengetedza temberi yakavakwa naHerodhi. Vamwe vaJudha vakabvunza Petro kuti Jesu aiti kudii nenyaya yacho, uye Kristu haana kuipikisa. Akatoudza Petro kwaaizowana mari yekubhadhara mutero wacho.—Mat. 17:24-27.

Kare ikako vanhu vaMwari vaifanirawo kubhadhara chegumi chezvirimwa zvavo kana kuti chemari yavo. (Revh. 27:30-32; Num. 18:26-28) Vatungamiriri vezvitendero vaitiwo vanhu vaifanira kunyatsova nechokwadi chekuti vabhadhara mutero pazvirimwa zvese, kunyange ‘pamindi nedhiri nekumini.’ Jesu haana kuti kubhadhara chegumi kwakaipa, asi akafumura unyengeri hwevanyori nevaFarisi.—Mat. 23:23.

Panguva iyoyo, vaRoma ndivo vaitonga, uye vaibhadharisa vanhu mitero yakawanda. Mumwe waiva mutero waibhadharwa nevanhu vaiva neminda, uye vaiubhadhara vachishandisa mari kana kuti zvinhu. Zvinofungidzirwa kuti mutero wacho waiva chikamu chimwe chete kubva muzvina, kana kuti chikamu chimwe chete kubva muzvishanu chezvirimwa zvavo. Paivawo nemutero waibhadharwa nemuJudha mumwe nemumwe. Jesu akambobvunzwa nezvemutero uyu nevaFarisi. Akaratidza maonero atinofanira kuita nyaya yekubhadhara mutero paakati: “Saka dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvaMwari kuna Mwari.”—Mat. 22:15-22.

Paivawo nemutero waibhadharwa pazvinhu zvaipinda kana kubuda munharaunda. Mutero wacho waibhadharirwa pazviteshi zvengarava, pamabhiriji, pamharadzano dzemigwagwa, kana kuti panzvimbo dzaipindwa nadzo mumaguta kana mumisika.

Mitero yaibhadharwa nevanhu vaitongwa neRoma yainyanya kuvaremera. Maererano nemumwe munyori wezvakaitika kare wekuRoma ainzi Tacitus, panguva yaitonga Mambo Tibheriyo, Jesu achiri panyika, “Syria neJudæa, dzakakumbira kudzikisirwa mitero nekuti dzairemerwa nayo.”

Nzira yaishandiswa pakubhadharisa vanhu mitero yacho ndiyo yaitoita kuti iwedzere kurema. Kodzero yekubhadharisa vanhu mitero yaitengeserwa munhu aibvisa mari yakawanda kuti awane basa racho. Munhu iyeye aizova nevanhu vaimushandira pakutora mari dzemutero, uye vese vaiedza kuita purofiti. Zvinoita sekuti Zakeyo aiva nevanhu vaimushandira pakubhadharisa mitero. (Ruka 19:1, 2) Ndosaka vanhu vaisafarira kubhadhariswa kwavaiitwa mitero uye vaivenga vaya vaivabhadharisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe