Hwirudzuro Yechikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari
Hwirudzuro inoitwa mabhuku akapfigwa pamusoro pamashoko anofukidzwa mumigove yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari nokuda kwamavhiki aMay 2 kusvikira kuna August 22, 1994. Shandisai pepa riri roga rokunyorera mhinduro zhinji dzemibvunzo seyamunogona munguva yakagoverwa.
[Onai: Mukati mehwirudzuro yokunyora, Bhaibheri bedzi ringashandiswa kupindura mubvunzo upi noupi. Nongedzero dzinotevera mibvunzo ndedzenzvero yenyu mumene. Nhamba dzamapeji nendima dzingasaoneka panongedzero dzose dzeNharireyomurindi.]
Pindura kutaura kumwe nokumwe kunotevera kuti Chokwadi kana kuti Nhema:
1. Mufungo wokupfuuridzira chiremera chavo vamene, panzvimbo pokugamuchira Muzodziwa waJehovha ndicho chinorehwa nokutaura kwokuti “zvisina maturo” kunodudzwa pana Pisarema 2:1. [w86 8/15 20]
2. Mukuwirirana nePisarema 15:4, kana muKristu akaziva kuti chimwe chinhu chaakavimbisa hachisi chapamagwaro, anongofanira kuchiita. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w89-CA 9/15 mapeji 28-9.]
3. Pasinei zvapo nechinoitika muupenyu hwedu, hatifaniri kutongogumisa kuti Mwari haaitiri hanya uye nenzira yakati ndokurangarira kuti tinogona kusafadza Iye nokuda kwezvinorangarirwa kuva kusaruramisira kwaAri. [w86 3/1 p. 18 ndima 11]
4. Nzira youpenyu yaJesu Kristu yakabvumikisa kuti Adhama aigona kuva akachengeta perero yakakwana kudai akanga ada kudaro uye kuti pakanga pasina hurema mubasa rokusika raMwari. [uw-CA p. 52 ndima 11]
5. Muranda anotsanangurwa pana Ruka 19:20-24, akagamuchira pondo imwe ndokuichengeta mumucheka, akanga ane mhaka yechivi chokuregeredza. [gt-CA ganh. 100]
6. Kupfurikidza nebasa rakaoma uye kuzvipira kwachose chose kuna Mwari, muKristu wechokwadi anogona kuwana maruramiro oupenyu husingaperi. [uw-CA p. 36 ndima 13]
7. VaKorinte Wokutanga 2:9 inonongedzera kuParadhiso yapasi yomunguva yemberi. [uw-CA p. 26 ndima 12 (3); ona w85 9/15 p. 30.]
8. Hatitongogoni kutsunga kurangarira mufambiro wokusavimbika sousingakoshi, kunyange zvazvo uchizivikanwa munyika. [uw-CA p. 53 ndima 13]
9. Pisarema 49:15 iratidzirwo yokutenda mutariro yorumuko. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w89-CA 3/1 p. 22 ndima 13.]
10. Pane dzimwe nguva kunyengerwa kupinda mumufambiro wenyika kunobva kune mumwe munhu anotaura kuva anobatira Jehovha. [uw-CA p. 43 ndima 11]
Pindura mibvunzo inotevera:
11. Pisarema chii? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; onawo si p. 101 ndima 2.]
12. Chipikirwai chinoshamisa chatinopiwa nePisarema 27:10? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki ona w92-CA 3/15 p. 22 ndima 17.]
13. Pisarema 10:13 rinoratidza mufungoi wakaipa uyo vaiti vezvakaipa vasingapfidzi vanawo? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w91-CA 11/1 p. 6.]
14. Mukuwirirana neEksodho 9:15, 16, chii chakapedzwa nenzira yaJehovha yokubata naFarao? [uw-CA p. 57 ndima 6, 7]
15. Dudza mirangariro miviri yatingakamuranisa nayo nenzira inobetsera zvatinorava muBhaibheri. [uw-CA p. 27]
16. Murayiro woku“tsvoda mwanakomana” unorevei, sezvakarongwa muPisarema 2:12 (NW)? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w86 8/15 p. 20.]
17. Rudzii rworusununguko Jesu akanga ari kukurukura pana Johane 8:32? [uw-CA p. 40 ndima 6]
18. Ndiani anofananidzirwa no“mukadzi” pana Genesi 3:15? [uw-CA p. 30 ndima 3]
19. Neiko Dhavhidhi aigona kuti kuna Jehovha paPisarema 51:4, “Ndakakutadzirai imi, iyemi moga,” apo aiziva kuti zviito zvake zvokutadza zvakanga zviri mhaka dzokurwisana navanhu biyake? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w93-CA 3/15 p. 11 ndima 13.]
20. Chii chakanga chiri “nyangadzi yokuparadza” muzana rokutanga ramakore, uye iyo chii nhasi? (Mat. 24:15) [gt-CA ganh. 111]
Govera shoko kana kuti chitsama chamashoko chinodikanwa kupedza kumwe nokumwe kwokutaura kunotevera:
21. Manyuko esimba remvuu anocherechedzwa kuva mu․․․․․․․ chayo uye mumakakava e․․․․․․․ rayo. Jobho 40:16, [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona it-1 p. 280 ne it-2 p. 240.]
22. Inzwi chairo raJehovha rakanzwika apo Jesu․․․․․․․, panguva ye․․․․․․․, uye pana Nisani 10, 33 N.V., apo akanyengetera kuna Baba vake pa․․․․․․․ muJerusarema. [gt-CA ganh. 104]
23. VaFarise vaimimina․․․․․․․ muwaini yavo nemhaka yokuti mumuitiro hahuna kuchena, bva vaizvidza ruramisiro, tsitsi, uye kutendeka, kwakaenzana nokumedza․․․․․․․, mhuka isina kuchenawo mumuitiro. [gt-CA ganh. 109]
24. Sezvo Satani akashandisa nhema kuti apinze vabereki vedu vokutanga muchivi, Jesu akamudana sa“․․․․․․․” (NW). [uw-CA p. 53 ndima 13 (1)]
25. Jesu Mwanakomana waMwari․․․․․․․ nemhaka yokuti ndiye bedzi akasikwa naJehovha oga. [uw-CA p. 29 ndima 1]
Sarudza mhinduro yakarurama mukumwe nokumwe kwokutaura kunotevera:
26. Jobho akaona Mwari, sezvakanyorwa pana Jobho 42:5, mukuti iye (akava nechiono chaMwari muchamupupuri; akaona ngirozi ichioneka pamberi pake; akasvika pakuziva Jehovha nenzira yapedyo zvikuru). [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w88-CA 8/15 p. 12 ndima 11.]
27. Mukadzi uyo Jesu akanongedzera kwaari pana Mateo 26:13 akanga ari (Maria, hanzvadzi yaRazaro; Maria, mudzimai waKiropasi; Maria Magadharina). [gt-CA ganh. 101]
28. Nheyo dzinoputsirwa pasi, sezvakanyorwa paPisarema 11:3, dzinonongedzera ku (nheyo dzetembere dziri paJerusarema; Jesu Kristu seIbwe reNheyo Rapakona; nheyo idzo padziri sosaiti yakatsamira, dzakadai seruramisiro, mutemo, uye nhevedzano). [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w86 8/15 p. 20.]
29. Jesu akadana vaapostora (Petro naAndrea; Firipo naBhartoromeo; Jakobho naJohane) “Vanakomana Vokutinhira” nemhaka yechimiro chavo chendangariro chokusatya. [gt-CA 98]
30. Nhau huru iyo Satani akamutsa apo akadenha maruramiro aMwari okutonga nenzira Dzake dzokutonga chaizvoizvo yakabatanidza (maruramiro avanhu; nhau yokuti ndiani akanga ane simba zvikurusa; uchangamire hwaMwari hwechisiko chapose pose). [uw-CA p. 46 ndima 1]
Nzwananisa magwaro anotevera nokutaura kwakarongwa pasi apa:
Gen. 3:1-5; Pis 24:1; Mabasa 8:32-38; VaH. 10:26, 27; 1 Pet. 4:3, 4
31. Kuziva kuti munhu nepasi zvisikwa zvaMwari uye kuti zvinhu zvose ndezvaJehovha kunofanira kutibetsera kuva vanozvininipisa navanoteerera. [uw-CA p. 39 ndima 4]
32. Tinofanira kuva vanongwarira zvikuru kuti tidzivise kupinda mumuitiro wokuita chinhu chipi nechipi chatinoziva kuti hachifadzi kuna Jehovha. [uw-CA p. 33 ndima 8 (3) uye 8 (4)]
33. Zivo yakarurama yeBhaibheri nokuonga shoko raro zvinosunda vanhu vakafanana namakwai kubhapatidzwa. [uw-CA p. 32 ndima 7]
34. Kunyange zvazvo ungashanda navasingadaviri kana kuti kuenda kuchikoro navo, unoratidza kuti hauvasarudzi seshamwari kupfurikidza nokudzivisa songaniro yose isiri madikanwa navo. [uw-CA p. 44 ndima 13]
35. Kunokosha kuti tidzivise kufunga kwenyika kunopesvedzera vanhu kudavira kuti vari kunyimwa kana vasingagoni kugadza mipimo yavo vamene muupenyu. [uw-CA p. 46 ndima 1]