Misangano Yebasa yaDecember
Vhiki Inotanga naDecember 5
12 min: Zviziviso zvomunzvimbomo neZviziviso zvakakodzera zvomuUshumiri Hwedu hwoUmambo. Onesa nyaya imwe chete kana kuti mbiri dzinofadza dzingagona kusimbiswa pakugovera magazini azvino uno. Ita kuti muparidzi anokwanirisa aenzanisire mharidzo, achishandisa imwe yenyaya dzacho. Uyewo kurukura nyaya inoti “Kuderedza Mumitengo Yamabhuku Namagazini.”
15 min: “Muenzaniso Wokusanotevera.” Mibvunzo nemhinduro.
18 min: “Koka Vamwe Kuti Vatevere Munhu Mukurusa.” Kurukura navateereri. Gadzirira mienzaniso mipfupi miviri. Simbisa dikanwo yokuchengeta zvinyorwa zvakarurama zvapaimba neimba; nokupfupikisa hwirudzura kuti mashokoi anofanira kunyorwa.
Rwiyo 153 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naDecember 12
13 min: Zviziviso zvomunzvimbomo naMashoko oUshe. Mushumo weakaunzi, kubatanidza kubvumwa kupi nokupi kwokugamuchirwa kwemipiro. Ipa zvikarakadzo pamusoro penzira yokupindura nayo kwaziso dzemazororo enyika.—Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo, December 1990, peji 8.
14 min: “Ipa Ngwariro Yenguva Dzose Kukudzidzisa Kwako.” Hurukuro inokurukurwa nomutariri wechikoro. Hwirudzura mirayiridzo iri mu“Rudungwe rweChikoro choUbati Ushe hwaMwari rwa 1995,” uchionesa zviyeuchidzo zvipi nezvipi zvinodikanwa zvikuru neungano.
18 min: “Ratidza Kuonga Imba yaMwari.” Mibvunzo nemhinduro. Ita imwe tsinhiro pamusoro pokusvika panguva pamisangano.—Ona Nharireyomurindi yaJune 15, 1990, mapeji 26-9.
Rwiyo 99 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naDecember 19
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Hwirudzura gadziriro dzomunzvimbomo dzebasa romumunda mukati menhambo yezororo iri kuuya. Karakadza nzira dzokugovera nadzo magazini azvino uno mundima yomunzvimbomo.
20 min: “Vanhu Vanoshingairira Mabasa Akaisvonaka.” Wedzero. Mibvunzo nemhinduro pandima 1-8, ichaitiswa nomukuru. Kurukurai kushandiswa kwamagwaro akanyorwa.
15 min: “Vakurudzire Kuva Vateveri Vake.” Kurukura navateereri. Iva nemienzaniso mipfupi miviri. Rumbidza kuti vose vashandise nguva yakati youshumiri hwomumunda vhiki imwe neimwe kuti vaite shanyo dzedzokerero.
Rwiyo 22 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naDecember 26
5 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Kurukurai inoti “Nguva Dzemisangano Yenyu Dzichachinja Here?” kana ichishanda kuungano yenyu.
20 min: “Vanhu Vanoshingairira Mabasa Akaisvonaka.” Wedzero. Mibvunzo nemhinduro pandima 9-14. Kurudzira vose avo vane migariro inobvumidza kurangarira nenzira yokunyengetera basa roupiyona hwebetsero.
10 min: Zvinodikanwa zvomunzvimbomo. Kana kuti ipai hurukuro panyaya inoti “Uri Kubetsera Mwana Wako Kusarudza Jehovha Here?” muNharireyomurindi yaOctober 1, 1994, pamapeji 26-30.
10 min: Gadzirira chinogoverwa chaJanuary. Bhuku ripi neripi ramapeji 192 rakabudiswa 1982 asati asvika ringashandiswa. Kana ungano isina api naapi mudura, bhuku raRugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei? ringagoverwa. Kana bhuku irori richashandiswa munzvimbomo, gadzirira mharidzo inogona kushandiswa pakugovera bhuku racho pasuo. Kana bhuku rimwewo zvaro richagoverwa, gadzirira mharidzo imwe kana kuti mbiri dzakakodzerana naro. Mifungo yemharidzo inogona kuwanika mubhuku raKurangarira, mapeji 9-15. Ita kuti muparidzi anokwanisa aenzanisire mharidzo yacho.
Rwiyo 94 nomunyengetero wokugumisa.