RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/94 p. 2
  • Misangano Yebasa yaDecember

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaDecember
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naDecember 5
  • Vhiki Inotanga naDecember 12
  • Vhiki Inotanga naDecember 19
  • Vhiki Inotanga naDecember 26
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 12/94 p. 2

Misangano Yebasa yaDecember

Vhiki Inotanga naDecember 5

Rwiyo 68

12 min: Zviziviso zvomunzvimbomo neZviziviso zvakakodzera zvomuUshumiri Hwedu hwoUmambo. Onesa nyaya imwe chete kana kuti mbiri dzinofadza dzingagona kusimbiswa pakugovera magazini azvino uno. Ita kuti muparidzi anokwanirisa aenzanisire mharidzo, achishandisa imwe yenyaya dzacho. Uyewo kurukura nyaya inoti “Kuderedza Mumitengo Yamabhuku Namagazini.”

15 min: “Muenzaniso Wokusanotevera.” Mibvunzo nemhinduro.

18 min: “Koka Vamwe Kuti Vatevere Munhu Mukurusa.” Kurukura navateereri. Gadzirira mienzaniso mipfupi miviri. Simbisa dikanwo yokuchengeta zvinyorwa zvakarurama zvapaimba neimba; nokupfupikisa hwirudzura kuti mashokoi anofanira kunyorwa.

Rwiyo 153 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naDecember 12

Rwiyo 86

13 min: Zviziviso zvomunzvimbomo naMashoko oUshe. Mushumo weakaunzi, kubatanidza kubvumwa kupi nokupi kwokugamuchirwa kwemipiro. Ipa zvikarakadzo pamusoro penzira yokupindura nayo kwaziso dzemazororo enyika.—Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo, December 1990, peji 8.

14 min: “Ipa Ngwariro Yenguva Dzose Kukudzidzisa Kwako.” Hurukuro inokurukurwa nomutariri wechikoro. Hwirudzura mirayiridzo iri mu“Rudungwe rweChikoro choUbati Ushe hwaMwari rwa 1995,” uchionesa zviyeuchidzo zvipi nezvipi zvinodikanwa zvikuru neungano.

18 min: “Ratidza Kuonga Imba yaMwari.” Mibvunzo nemhinduro. Ita imwe tsinhiro pamusoro pokusvika panguva pamisangano.—Ona Nharireyomurindi yaJune 15, 1990, mapeji 26-9.

Rwiyo 99 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naDecember 19

Rwiyo 78

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Hwirudzura gadziriro dzomunzvimbomo dzebasa romumunda mukati menhambo yezororo iri kuuya. Karakadza nzira dzokugovera nadzo magazini azvino uno mundima yomunzvimbomo.

20 min: “Vanhu Vanoshingairira Mabasa Akaisvonaka.” Wedzero. Mibvunzo nemhinduro pandima 1-8, ichaitiswa nomukuru. Kurukurai kushandiswa kwamagwaro akanyorwa.

15 min: “Vakurudzire Kuva Vateveri Vake.” Kurukura navateereri. Iva nemienzaniso mipfupi miviri. Rumbidza kuti vose vashandise nguva yakati youshumiri hwomumunda vhiki imwe neimwe kuti vaite shanyo dzedzokerero.

Rwiyo 22 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naDecember 26

Rwiyo 74

5 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Kurukurai inoti “Nguva Dzemisangano Yenyu Dzichachinja Here?” kana ichishanda kuungano yenyu.

20 min: “Vanhu Vanoshingairira Mabasa Akaisvonaka.” Wedzero. Mibvunzo nemhinduro pandima 9-14. Kurudzira vose avo vane migariro inobvumidza kurangarira nenzira yokunyengetera basa roupiyona hwebetsero.

10 min: Zvinodikanwa zvomunzvimbomo. Kana kuti ipai hurukuro panyaya inoti “Uri Kubetsera Mwana Wako Kusarudza Jehovha Here?” muNharireyomurindi yaOctober 1, 1994, pamapeji 26-30.

10 min: Gadzirira chinogoverwa chaJanuary. Bhuku ripi neripi ramapeji 192 rakabudiswa 1982 asati asvika ringashandiswa. Kana ungano isina api naapi mudura, bhuku raRugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei? ringagoverwa. Kana bhuku irori richashandiswa munzvimbomo, gadzirira mharidzo inogona kushandiswa pakugovera bhuku racho pasuo. Kana bhuku rimwewo zvaro richagoverwa, gadzirira mharidzo imwe kana kuti mbiri dzakakodzerana naro. Mifungo yemharidzo inogona kuwanika mubhuku raKurangarira, mapeji 9-15. Ita kuti muparidzi anokwanisa aenzanisire mharidzo yacho.

Rwiyo 94 nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe