Mashoko Oushe
Cuba: Nguva pfupi yapfuura hurumende yeCuba yakabvumidza mumiriri weSosaiti kushanyira Cuba somutariri wenyika. Musangano wakaitwa nevatariri vematunhu nevemaruwa. Hama zvino dzava kukwanisa kuungana mumapoka avanosvika ku150. Idzo dzinoonga kuti zvino dzinofarikanya rusununguko rwakawedzerwa uye kuti Musha weBheteri unogona zvakare kushandiswa somusimboti weZvapupu zvaJehovha muCuba.