Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Feb. 15
“Kudai maigona kusarudza mumwe munhu kuti atonge nyika, maizosarudza ani? [Rega apindure.] Magazini ino yeNharireyomurindi inotaura zvinhu zvinopupurira Mesiya, uyo Mwari akasarudza kuti atonge nyika. Inotsanangurawo kuti kutonga kwake kucharevei kuvanhu.” Verenga Isaya 9:6, 7.
Awake! Feb.
“Nhasi vanhu vanonamata vanamwari vakawanda. Zvisinei, onai zvakataurwa naJesu mumunyengetero nezvaBaba vake vokudenga. [Verenga Johani 17:3.] Kana kuina Mwari mumwe chete wechokwadi, zvakadini nevamwe vanamwari vose? [Rega apindure.] Nyaya ino inoratidza zvinotaura Bhaibheri.” Muratidze nyaya iri pamapeji 28-9.
Nharireyomurindi Mar. 1
“Vanhu vakawanda anobvuma kuti tinofanira kudanana, sezvakarayirwa naJesu murugwaro urwu. [Verenga Johani 13:34, 35.] Zvisinei, ndokupi kwatingawana vanhu vari kushandisa zvakadzidziswa naJesu muupenyu hwavo? [Rega apindure.] Magazini ino inotaura kuti tingaziva sei vaKristu vechokwadi nhasi.”
Awake! Mar.
“Rudo runokosha kuti tifare uye tigare zvakanaka. Asi, kune vanhu vakawanda, zvakaoma kuwana rudo rwechokwadi. Munofunga kuti nei zvakadaro? [Rega apindure.] Imwe nzira yokuwana nayo rudo rwechokwadi ndeyokudzidza kuratidza vamwe rudo rusina udyire. Magazini ino inotaura kuti izvozvo zvinosanganisirei.” Verenga 1 VaKorinde 13:4-7.