Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Jan. 1
“Munofunga kuti mhuri dzaizonzwa sei kudai dzaizoshandisa mazano aya? [Verenga VaEfeso 4:31. Zvadaro rega apindure.] Nyaya iyi inopa mazano anobatsira anobva muBhaibheri okugadzirisa kusawirirana uye okuti mhuri irambe ichifara.” Muratidze nyaya inotangira papeji 18.
Awake! Feb.
“Vamwe vanofunga kuti Mwari anogara achiongorora zvose zvatinokanganisa. Vamwewo vanofunga kuti anokanganwira zvivi zvose, pasinei nokuti zvakakura sei. Imi munofungei? [Rega apindure. Zvadaro verenga Mabasa 3:19.] Nyaya iyi inotaura nezvematanho matatu ari muBhaibheri okunzwirwa ngoni naMwari kwatingaita.” Muratidze nyaya inotangira papeji 10.
Nharireyomurindi Feb. 1
“Ndingada kunzwa zvamunofunga nezvorugwaro urwu runozivikanwa. [Verenga Johani 3:16.] Makambozvifungawo here kuti rufu rwomunhu mumwe chete rungaita sei kuti vamwe vawane upenyu husingaperi? [Rega apindure.] Magazini iyi inotsanangura zvinogutsa nezvokuti tinobatsirwa sei nokufa kwaJesu.”
Awake! Mar.
“Munofunga kuti machechi ose akanaka here? [Rega apindure.] Onai zvinotaura Bhaibheri nezvemanamatiro anoita vamwe. [Verenga Mako 7:7.] Munhu angaziva sei kana chechi yake ichidzidzisa chokwadi, kwete kudzidzisa “mirayiro yevanhu”? Kunamata kwechokwadi kungazivikanwa here? Magazini ino inopindura mibvunzo iyi.”