RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/07 p. 8
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 2/07 p. 8

Zvokutaura Maererano Nemagazini

Nharireyomurindi Feb. 15

“Vamwe vanofunga kuti vanhu vari kuparadza pasi. Munombonetsekawo nezvazvo here? [Rega apindure.] Onai chipikirwa chino chinonyaradza. [Verenga Zvakazarurwa 11:18.] Magazini ino ine mashoko ezvinoita kuti nyika ino ive yakasiyana nedzimwe. Inoratidzawo zvinotaura Bhaibheri nezveremangwana repasi.”

Awake! Feb.

“Munofunga kuti ichi ndicho chikonzero nei tichiona zvinetso zvakawanda munyika here? [Verenga 1 Johani 5:19. Zvadaro rega apindure.] Nyaya ino inoratidza zvinotaura Bhaibheri nezvokuziva kwatingaita ‘akaipa iyeye’ uye kuti tingadzivisa sei kufurira kwake kwakasimba.” Muratidze nyaya inotangira papeji 12.

Nharireyomurindi Mar. 1

“Vanhu vakawanda vanofunga kuti zvitendero zvose zvinotungamirira kuna Mwari. Munofunga kuti zvine basa here kuti munhu asarudza chitendero chipi? [Rega apindure.] Onai zvinokurudzirwa pano. [Verenga 1 Johani 4:1.] Magazini ino inotaura kuti tingaedza sei dzidziso kuti tione kana dzichibva kuna Mwari. Inotsanangurawo matangiro akaita zvitendero zvakasiyana-siyana.”

Awake! Mar.

“Semaonero enyu, zvinetso zvipi zviri kusangana nevechiduku mazuva ano? [Rega apindure.] Ndima ino inotaura chimwe chinetso—kuva neshamwari dzakanaka. [Verenga Zvirevo 13:20.] Magazini ino inokurukura ngozi dzokushandisa Indaneti kuti uwane shamwari uye kuti vechiduku vangadzivirirwa sei.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe