Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi March 1
Verenga Eksodho 20:15. Zvadaro iti: “Kunyange zvazvo vakawanda vachiedza kuita zvinotaurwa nomurayiro uyu, vamwe vanofunga kuti kuba uye kumwe kusatendeseka kunganzi hakuna kuipa kana zvaitwa munhu apererwa. Munofungei? [Murege apindure.] Nyaya iyi inotaura nezvekubatsira kwokuramba wakatendeseka.” Muratidze nyaya inotangira papeji 12.
Awake! March
“Vakawanda vanoremekedza zvinotaurwa neBhaibheri asi vanofunga kuti zvakawanda zvirimo hazvichanyanyoshandi mazuva ano. Munofungei? [Murege apindure. Zvadaro verenga VaRoma 15:4.] Nyaya iyi inotsanangura kuti nei zvimwe zvikamu zveBhaibheri zvichiri kukosha kunyange zvazvo zviri zvekare.” Muratidze nyaya inotangira papeji 28.
Nharireyomurindi April 1
“Vakawanda pavanonzi vataure munhu akararama kare anokosha, vanotaura Jesu. Ndiye wamaizotaurawo here? [Murege apindure.] Cherechedzai kuti nei tichifanira kuedza kusarudza pfungwa dzakanaka dzine chokuita naye pane dzakasiyana-siyana kuitira kuti tidzidze chokwadi. [Verenga Johani 17:3.] Nharireyomurindi iyi ine nyaya inokosha inoratidza zvinonyatsotaurwa neBhaibheri nezvaJesu uye dzidziso dzake.”
Awake! April
“Kunenge kuti hatina nguva yakakwana yokuti tiite zvose zvatinoda. Munobvumirana nazvo here? [Murege apindure.] Vakawanda vakaona zano iri richibatsira. [Verenga VaFiripi 1:10.] Magazini iyi inopa mazano anobatsira kuti tinyatsoshandisa nguva yedu zvakanaka.”