‘Kuda kwaMwari Ngakuitwe’
1. Purogiramu yegungano rezuva chairo yegore rebasa ra2012 ichange ine musoro wokutii, uye nei zvichikosha kuti tifunge nezvenyaya iyi?
1 Kusikwa kwatakaitwa kuda kwaJehovha. (Zvak. 4:11) Saka hazviiti kuti tizadzise chinangwa chatakasikirwa kana tisingadzidzi uye tisingaiti kuda kwaMwari. Kuzviita hakusi nyore, nemhaka yokuti tinofanira kurwisana ‘nezvinhu zvinodiwa nenyama nepfungwa dzedu’ kana kuti ‘nezvinhu zvinodiwa nemamwe marudzi.’ (VaEf. 2:3; 1 Pet. 4:3; 2 Pet. 2:10) Kana pasina rubatsiro runobva kuna Mwari, zvinobva zvava nyore ‘kubatwa naDhiyabhorosi tiri vapenyu kuti tiite zvinodiwa naye.’ (2 Tim. 2:26) Purogiramu yegungano rezuva chairo yegore rebasa ra2012 ichabatsira mumwe nomumwe wedu kuti aite zvinoenderana nechikumbiro chechitatu chinokosha chiri pamunyengetero waShe, chokuti “kuda kwenyu ngakuitwe.”—Mat. 6:9, 10.
2. Mibvunzo ipi ichapindurwa pagungano?
2 Mibvunzo Ichapindurwa: Pauchange uchiteerera gungano, tsvaka mhinduro dzemibvunzo iyi: Chii chinokosha zvakafanana nokunzwa Shoko raMwari? Tingaramba sei tichinzwisisa izvo Mwari anoda kuti tiite? Nei tichifanira kuda kubatsira vanhu vemarudzi ose? Tingawana sei upenyu hunogutsa uye hune chinangwa? Vechiduku, chii chamunofanira kuratidza Jehovha? Kuita kuda kwaMwari kune mibayiro ipi? Nei zviri zvokukurumidzira kuti tivake uye tikurudzire vamwe?
3. Ndezvipi zvatingaita kuti tinyatsobatsirwa negungano iri?
3 Iva nechokwadi chokuti wapinda gungano uye wanyatsoteerera. Zvichida mutariri anofambira kana mumwe anobva kuBheteri achange aripo semukurukuri anoshanya. Purogiramu isati yatanga uye yapera inzwai makasununguka kutaura naye uye kunyange nemudzimai wake. Kana madzoka kumba, musava ‘vanzwi vanokanganwa,’ asi dzokororai purogiramu semhuri uye kurukurai kuti mungaita sei kuti munyatsoita maererano nechinangwa chaMwari.—Jak. 1:25.
4. Sei zvichikosha kuti tiise kuda kwaMwari pakutanga?
4 Kwasara nguva pfupi kuti vaya vanoita zvavanoda uye vasingadi kuita kuda kwaJehovha vaparadzwe. (1 Joh. 2:17) Saka tinotenda kuti Jehovha atigadzirira mashoko anoenderana nenguva achatibatsira kuti tiise kuda kwaMwari pakutanga.