Turakiti raMashoko oUmambo Nhamba 38 Richagoverwa Muna December!
1. Vakawanda vanonetseka nei nezvevakafa, uye vachabatsirwa sei muna December?
1 Rufu muvengi wevanhu vese pasinei nezvavanotenda. (1 VaK. 15:26) Vakawanda vanonetseka kuti vakafa vari kupi uye kuti vachazovaonazve here. Saka ungano dzomunyika yose dzichapedza mwedzi wese dzichigovera turakiti raMashoko oUmambo Nhamba 38, rine musoro unoti, “Chokwadi Vakafa Vangararamazve Here?” MuZimbabwe, mushandirapamwe uyu unokosha uchatanga musi wa1 December. Kana mushandirapamwe wacho wapera, turakiti racho richashandiswa sezvinongoitwa mamwe maturakiti muushumiri.
2. Turakiti raMashoko oUmambo Nhamba 38 rakaita sei?
2 Zvarakaita: Turakiti raMashoko oUmambo Nhamba 38 rakagadzirwa zvokuti rinogona kupetwa kuti kumberi kwaro kuratidze musoro unoita kuti munhu ade kuziva, uyewo kuine mashoko okuti, “Ungati . . . hongu here?, kwete here?, uye pamwe here?” Muverengi paachavhura turakiti racho, achaona kuti Bhaibheri rinopindura sei mubvunzo unova musoro weturakiti racho uye kuti vimbiso yeBhaibheri ingamubatsira sei. Achaonawo kuti nei achigona kuvimba neBhaibheri. Kumashure kweturakiti racho kune mubvunzo waanozosara achifunga nezvawo uye kunomukurudzira kuti adzidze zvakawanda.
3. Turakiti raMashoko oUmambo Nhamba 38 richagoverwa sei?
3 Kugoverwa Kwarichaitwa: Mushandirapamwe uyu wakafanana neiya yokugovera mapepa okukokera vanhu kuChirangaridzo uye kumagungano eruwa. Vakuru vachapa mirayiridzo yokuti ndima yeungano ichashandwa sei yose, maererano nezviri mutsamba yomusi waApril 1, 2013 yavakatumirwa. Ungano dzine ndima diki dzinogona kuzvipira kubatsira ungano dziri pedyo dzine ndima yakakura. Paunotora maturakiti okugovera, yeuka kutora aunoda kushandisa muvhiki iroro chete. Maturakiti emushandirapamwe uyu anogona kuzogoverwa pakuparidza pachena kana matopedza kuagovera padzimba dzose dziri mundima yenyu. Kana mukapedza maturakiti mwedzi usati wapera, munofanira kushandisa zvinenge zvichigoverwa mumwedzi wacho. PaMugovera wokutanga, tichange tisingatsvaki vokudzidza navo Bhaibheri asi tichange tichigovera maturakiti. Pakupera kwevhiki, tinofanira kugoverawo magazini pazvinenge zvakakodzera. Uri kuronga kuti unyatsoshanda zvizere pamushandirapamwe uyu unokosha here?