PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAPISAREMA 120-134
“Rubatsiro Rwangu Runobva Kuna Jehovha”
Mapisarema 120 kusvika ku134 anozivikanwa seNziyo Dzokukwidza. Vakawanda vanoti nziyo idzi dzaiimbwa nevaIsraeri vachifara pavaikwidza vachienda kumitambo yaiitwa gore negore kuJerusarema. Guta iri raiva nechepamusoro pemakomo eJudha.
Kudzivirira kunoita Jehovha kunofananidzwa ne. . .
mufudzi anoramba akasvinura
mumvuri pakunenge kuchipisa
musoja akavimbika