Mabvazuva eEurope—Imutsidzirwo Yorudzidziso Here?
KUDZIVISWA kworusununguko rwokutaura kwamakumi amakore anoverengeka akapfuura munyika dzokuMabvazuva eEurope kwakabatanidza ganhuriro dzakakomba parudzidziso. Kusadavira kuvapo kwaMwari kwakaparidzirwa norushingairo, uye macathedral namachechi akashandurwa kuva mamuseum okusadavira kuvapo kwaMwari, yakadai seimwe yakashanyirwa navachakairi vazhinji muLeningrad. Vakuru vorudzidziso vapi navapi vanoshanda vakava vashandi vehurumende yazvino uno. Nenzvimbo dzose dzokunamatira, dzakadai semisha yamamonk, machechi, uye misikiti, zvapfigwa pamutemo muna 1967, Albania yakatoziviswa neRadio Tirana kuva “nyika yokutanga isingadaviri kuvapo kwaMwari munyika.”
Zvino, norusununguko ruri kubumbunuka kunzvimbo iri yose muMabvazuva eEurope samaruva omuchirimo, chii chiri kuitika kurudzidziso? Sokunyora kwakaita munyori wechiFrench Jean-François Kahn, kuti: “Rudzidziso runodenhwa nedziviswo runogona kubatana norudzi runodenhwa nedzvinyiriro. Kwakaitika zuro muIran. Kuri kuitika nhasi muSoviet Azerbaijan. Mangwana kungapararira kuchigura nomuRussia somwoto wesango.” Kunyange nazvino marudzidziso akati kuti ari kuzvibatanidza amene nepfungwa dzourudzi nekariro uye achiva rimwe remikoto yokutsutsumwa kwezvamatongerwe enyika, achikutsvenesa kupfurikidza nokuvapo kwavaprista vavo vechiKaturike neveOrthodox uye vafudzi veLutheran.
Naizvozvo rusununguko rworudzidziso rwuri kuita sei mumugariro mutsva woubati ushe hwechisarudzo chavanhu?
Machinjire Akaita Zvinhu!
Marudzidziso makuru okuMabvazuva kweEurope, zvikurukuru Chechi yechiKaturike, akaita chiito chapakarepo kuti awane kuzivikanwa kwapamutemo kuhurumende itsva. Somuenzaniso, L’Osservatore Romano rakashuma kuti “pana February 9, [1990], Wirirano yakasainwa pakati peHoly See neRepublic yeHungary.” Kupfurikidza neiyi wirirano mativi maviri akabvumirana kugadza patsva wirirano munhau dzenyika. (Vatican inorangarirwa senyika yakaparadzana youchangamire.)
Mumwe mushumo unobva kuVatican unoreva kuti Chechi yeKaturike yoMuitiro weUkraine, yakarambidzwa muna 1946, yakumbira kunyoreswa uye yapinda mukurukurirano “neHurumende uye neChechi yeOrthodox yeRussia pamusoro pemibvunzo inoshanda pamusoro poupenyu hweChechi muUkraine.”
Muna April 1990 papa akashanyira Czechoslovakia uye akachingamidzwa panhandare yendege yePrague “navakuru vakuru veChechi neHurumende, kubatanidza . . . naVaVaclav Havel, Purezidhendi weRepublic.” (L’Osservatore Romano) Mugariro mutsva worudzidziso uri kukudziridzikawo ikoko.
Chechi yeKaturike yanguve iri simba rinofanira kurangarirwa narwo muPoland. Zvino, norusununguko rwayo rwuchangobva kuwanwa, iri kuita kuti tsandanyama dzayo dzive dzinochinjika uye kuita nhimbe yokupinzazve mapoka orudzidziso muzvikoro. Mumwe muprista akati: “Zvikoro ipfuma yorudzi. Rudzi rwePoland rune 90 muzana yavaKaturike. . . . Noruremekedzo rwakafanira nokuda kwamarudzidziso, muraidzo worudzidziso muzvikoro uchadzorera chiremera kuvadzidzisi, uye, . . . rwezviremera nokuti runobata nomusimboti worudzi rwomunhu.”
Mushumo pamusoro peChechi yeOrthodox muRomania unoti: “Tateguru nechiverengero chakati kuti chamabhishopi akabatana ne[Ceauşescu] hurumende vakagombedzerwa kurega. Dare rakagadzwa kuti rimutsidzire Chechi. Vazhinji vasati vaichimbova vadaviri vari kutendeukira kurudzidziso uye vari kuzadza machechi omunzvimbomo . . . Chechi yeKaturike yeByzantine yeRomania, yakagombedzerwa kutsakatika makore 40 akapfuura, yabvumirwa kurongekazve.”—Orthodox Unity, July 1990.
Chinjo muAlbania
Mukuwirirana nemishumo yepepanhau, chinjo dzinokatyamadza dziri kuitika pashoma napashoma muAlbania, nyika duku yamakomo yavagari vana mamirioni matatu nechikamu chimwe chamana, iri paMahombekombe eAdriatic pakati peYugoslavia neGreece. Pepanhau reGermany Die Welt rakashuma, kuti: “MuAlbania, nhare yokupedzisira yechikomonizimu chechinyakare muEurope, vanhu vakatanga kuvhota kupfurikidza nokuenda netsoka dzavo” kupfurikidza nokutsvaka utiziro mumahofisi avanyai vokunyika yokumwe okuMadokero, uko ivo vaibvumirwa ipapo kuti vaende Italy, Germany, nokune dzimwe nyika.
Mushumo wacho unopfuurira kuti: “Muna May 1990 vaAlbania vakavimbiswa mapasipoti uye kubviswa chose chose kwemitemo inorambidza kurondwa kworudzidziso.” (Wakanokorwa mashoko muThe German Tribune, July 15, 1990) Sokunyora kwakaita purofesa wenhau Denis R. Janz: “Parapatiko yenguva refu uye yokubishaira nokuda kwokutendeutsira kunyika kunoratidzira kuva kwakaiswa parutivi.” Zvisinei, iye anowedzera, kuti: “Pane ufakazi . . . hwokuti rudzidziso zvechokwadi rwakarovanywa munzanga ino.”
Muna aya mashoko akapoteredza Zvapupu zvaJehovha zviri kuchengeta kusatora rutivi kwazvo kwomuitiro uye kworumano. Pahwaro hwenheyo dzeBhaibheri, hazvibatanidzwi mukamukano dzezvamatongerwe enyika nedzourudzi. Zvinovimba naMwari kuzvipa mugariro une rugare wokuita basa razvo renyika yose rokuparidzira Umambo hwaMwari.—Mateo 22:21; 1 Timotio 2:1, 2; 1 Petro 2:13-15.
Naizvozvo, zvakadiniko neZvapupu zvaJehovha muMabvazuva eEurope? Zvakabudirira here mukurambidzwa? Kune rusununguko rworudzidziso nokuda kwazvo here?
[Mufananidzo uri papeji 7]
Ko vanhu vachadzokera kumachechi okuMabvazuva eEurope here?