Vaurayi Vakasununguka
MARGARET nomutoo wokupererwa nezano rose akatsvaka mushonga apo mwanakomana wake Tito akabatira mararia. Mishonga mitatu, kubatanidza “chloroquine” inorumbidzwa zvikuru, yakashandiswa. Kunyanguvezvo, Tito akafa—pamwedzi mipfumbamwewo zvayo yezera.
MuKenya, musha waMargaret, nhamo yakadaro inoitika kazhinji kazhinji. “Newsweek” inoshuma, kuti: “‘Anopheles gambiae,’ rudzi rukuru rwoutunga hune mararia, runobudirira murutivi rwuno rwenyika. Vana havabudiriri. Vashanu muzana vavo vanofa nemararia vasati vasvika zera rechikoro.”
Muna 1991 rurindi rwakauraya vasungwa 12 nomurindi mumwe muNew York State, U.S.A. “Ticharudzora mumatirongo,” anodaro Dr. George DiFerdinando, Jr., “asi chinetso chaichoicho ndechokuti ucharudzora sei zvino sezvo rwasimbiswa munzanga?”
World Health Organization inoshuma kuti mabhirioni 1,7—chinodokuva chikamu chimwe chezvitatu chechiverengero chavagari venyika—ane utachiona hworurindi. Gore rimwe nerimwe, mamirioni masere aivava anobatira hosha inoenderera mberi, uye mamirioni matatu anofa.
Muchipatara cheNew York, mwanasikana mucheche akaberekwa mavhiki 11 nguva isati yasvika, asi urwu rwaingova bedzi rutivi rwechinetso chake. Ganda rinofunuka ramaoko ake, zvironda zvetsoka dzake, chiropa chakakura uye rwatata, zvose zvakapa ufakazi hwakajeka hwokuti akanga abatira njovhera achingunoveri munhumbu yaamai vake.
“Vamwe vacheche vanokuvadzwa zvakakomba zvikuru nehosha vachingunoveri munhumbu dzavanamai vavo zvokuti vanova magambe,” inoshuma kudaro “The New York Times.” “Vamwe vashomanene vanokurumidza kufa pashure pokuberekwa, vamwe vane zvironda zvinoputika mukati mokusununguka.”
Mararia, rurindi, uye njovhera—nhatu dzose dzakafungidzirwa kuve dzadzorwa uye dzava pedyo nokupedzwa chose chose makumi mashomanene amakore apfuura. Neiko zvino dziri kuita kudzoka kunoparadza?