RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 9/15 pp. 14-15
  • Zvaunofanira Kuziva Nezvemarariya

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvaunofanira Kuziva Nezvemarariya
  • Mukai!—2015
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • 1 CHII CHINONZI MARARIYA?
  • 2 MARARIYA INOPARARIRA SEI?
  • 3 UNGAZVIDZIVIRIRA SEI?
  • Rufu Rwuri Pamapapiro Asina Kusimba
    Mukai!—1994
  • Kudzokera Kune Zvapakuvamba Mukurwisana
    Mukai!—1997
  • Chombo Chitsva Chokurwisa Mararia
    Mukai!—1993
  • Neiko Pane Kudzoka kweHosha “Dzinorapika”?
    Mukai!—1993
Ona Zvimwe
Mukai!—2015
g 9/15 pp. 14-15

Zvaunofanira Kuziva Nezvemarariya

World Health Organization inofungidzira kuti muna 2013, vanhu vanodarika 198 miriyoni vakabatwa nemarariya uye vanenge 584 000 vakaurayiwa nayo. Pavana 6 voga voga vaifa, 4 vacho vaiva nemakore ari pasi pe5. Pasi rose, nyika dzinenge 100 dziri mungozi yokuti vagari vemo vanenge 3,2 bhiriyoni vanogona kubatwa nechirwere ichi.

1 CHII CHINONZI MARARIYA?

Marariya inokonzerwa nokurumwa nemosikito ine utachiona hwemarariya. Inoita kuti munhu anzwe kupiswa, kupindwa nechando, kudikitira, kutemwa nemusoro, kunzwa kuda kurutsa, kungonzwa muviri wakati rukutu, kana kuti kurutsa. Dzimwe nguva izvi zvingaitika pashure pemazuva 2 kusvika ku3, zvichienderana nokuti unenge warumwa nemosikito ine utachiona hwakaita sei uye kuti marariya yacho yava nenguva yakareba sei iri mumuviri mako.

2 MARARIYA INOPARARIRA SEI?

  1. Pikicha iri kuratidza maparariro anoita marariya mumuviri wemunhu

    Utachiona hunokonzera marariya hunonzi Plasmodia uye kana munhu akarumwa nemosikito hadzi inonzi Anopheles, inenge iinahwo, utachiona hwacho hunobva hwapinda muropa rake.

  2. Utachiona hwacho hunobva hwapinda mumasero echiropa, hwobva hwaberekana.

  3. Kana sero rechiropa rikaputika, rinobudisa utachiona hwacho, hwobva hwapinda mumasero matsvuku eropa. Hunobva hwaramba huchiberekana imomo.

  4. Utachiona hwemarariya hunopinda mumasero matsvuku eropa hwoita kuti masero acho aputike

    Kana masero matsvuku eropa aya akaputika anobudisa utachiona hwacho uye hunobva hwapinda zvakare mune mamwe masero matsvuku.

  5. Kuputika kwemasero matsvuku aya kunoramba kuchiitika. Zviratidzo zvemarariya zvinotanga kuoneka nguva dzose panoputika masero matsvuku aya.

3 UNGAZVIDZIVIRIRA SEI?

Kana uchigara munzvimbo ine marariya . . .

  • Shandisai mosquito net. Inofanira

    • kufafaidzwa mushonga.

    • kunge isina maburi kana kubvaruka.

    • kunyatsopfinyirwa mumetiresi.

  • Garai muchifafaidza mumba menyu.

  • Kana zvichiita, isai tumasefa pamadhoo nepamahwindo, maair-conditioner kana kuti mafeni, kuti musanyanya kurumwa.

  • Pfekai mbatya dzine ruvara rwakajeka uye dzinonyatsovhara muviri wose.

  • Pose pazvinoita, musapinda mumahuswa, mumvura yakajenga, nokuti mosikito ndomadzinoberekera.

  • Kana ukabatwa nemarariya, kurumidza kunorapwa.

Kutapukira kunoita utachiona hwemarariya

Munhu anogona kuwana utachiona hwemarariya kana akarumwa nemosikito inahwo. Asi mosikito isina utachiona hwemarariya inogona kuwana utachiona uhwu painoruma munhu anahwo. Mosikito iya inobva yahupfuudzawo kune mumwe munhu

Kana uri kuronga kuenda kunzvimbo ine marariya . . .

  • Tanga watsvaka mashoko kuti unzwe kuti nzvimbo yauri kuenda yakamira sei. Mhando yeutachiona hwemarariya hunosiyana nzvimbo nenzvimbo saka mishonga yacho inosiyanawo. Uyewo zvinokosha kubvunza chiremba wako zvinhu zvinogona kukanganisa utano hwako.

  • Paunenge washanya munzvimbo ine marariya tevedzera mazano ataurwa munyaya ino.

  • Kana ukabatwa nemarariya, enda kunorapwa nekukurumidza. Yeuka kuti marariya inozotanga kuoneka pashure pevhiki imwe chete kusvika ku4.

ZVIMWE ZVAUNOGONA KUITA

  1. Unogona kubatsirwa nezvirongwa zvehurumende kana kuti zvemunharaunda zvinobatsira vanorwara.

  2. Enda kunorapwa kunzvimbo dziri pamutemo chete. (Kana ukarapwa kunzvimbo dzisiri pamutemo, urwere hwacho hunogona kutora nguva refu kana kuti unogona kufa.)

  3. Itai kuti pamba pasava nenzvimbo dzinoberekera mosikito.

Kana uchigara munzvimbo ine marariya kana kuti wakambogara munzvimbo yakadaro, enda kuchipatara kana ukaona zviratidzo izvi . . .

  • Kunzwa kupiswa zvakanyanya

  • Kudikitira

  • Kupindwa nechando

  • Kutemwa nemusoro

  • Kungonzwa muviri wakati rukutu

  • Kuneta

  • Kunzwa kuda kurutsa

  • Kurutsa

  • Manyoka

Kana munhu akasarapwa marariya nekukurumidza anopedzisira ava neropa shoma mumuviri (anemia) uye anogona kufa. Unofanira kukurumidza kuenda kunorapwa zviratidzo zvacho zvisati zvanyanya, uye kana vari vana vadiki navanaamai vane pamuviri havatombofaniri kuverengera.a

a Kuti unzwe zvimwe zvakawanda, verenga Mukai! yeChirungu yaNovember 2011, mapeji 24-25, uye Mukai! yaJuly-September 2010, mapeji 16-19.

WAIZVIZIVA HERE?

Wachi iri pamepu yeAfrica

MuAfrica moga, mwana mumwe chete anofa nemarariya paminiti yega yega

  • Vana nevakadzi vane pamuviri ndivo vari pangozi yakanyanya kana vakabatwa nemarariya.

  • MuAfrica moga, mwana mumwe chete anofa nemarariya paminiti yega yega.

  • Hazviwanzoitiki hazvo kuti vanhu vabatwe nemarariya nokuwedzerwa ropa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe