RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 10/15 pp. 3-4
  • Tsaona—Ijambwa Kana Kuti Migariro Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tsaona—Ijambwa Kana Kuti Migariro Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri Rinodzidzisa Rudaviro Mujambwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Kufanorongerwa Here Kana Kuti Zvinongozviitikira Zvega?
    Mukai!—1999
  • Chitendero Mujambwa Chinotonga Upenyu Hwako Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Kutsvaka Zvakafanosarudzirwa Munhu
    Mukai!—1999
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 10/15 pp. 3-4

Tsaona—Ijambwa Kana Kuti Migariro Here?

SEZVO Cristina, muratidziri muduku wembatya muchitoro anokwezva, akayambuka Nove de Julho Avenue yaifamba motokari dzakawanda muSão Paulo, Brazil, haana kuona bhazi rakanga richisvika. Muchairi akaedza nenzira yokupererwa nezano rose kumisa motokari yake, asi kwakanga kwava kunyanyononoka. Cristina akatsikwa ndokuuraiwa.

Tsaona ine ngwavaira iyoyi yakawana mushumo wapapeji rokutanga mupepanhau reBrazil O Estado de S. Paulo. (July 29, 1990) Bva yakanga ichingovawo zvayo imwe yetsaona dzinouraya dzezvinofamba mumugwagwa 50 000 dzinoitika gore rimwe nerimwe muBrazil. Uye nepo zvimwe zviuru zvichiremadzwa netsaona dzakadaro, vamwe vanopukunyuka vasina kukuvadzwa. Neiko, ipapoka, uyu musikana muduku asina kupukunyuka? Akanga akatemerwa kufa zuva iroro here?

Vanhu vasingaverengeki vaizotaura kuti izvi ndizvo zvakaitika. Vanodavira jambwa, kuti zvinoitika zvikuru, zvakadai senguva yomunhu yorufu, zvakasarudzwa pachine nguva mberi. Chitendero ichochi chakaparira kutaura kwakadai sokwokuti “Hakuna munhu anogona kurwisana nejambwa,” “Nguva yake yasvika,” kana kuti “Chipi kana chipi chichaitika chichaitika.” Kune zvokwadi ipi neipi here iri kukutaura kwakakurumbira kwakadai souku? Tiri vashandiswiwo zvavo vejambwa here?

Chitendero mujambwa, kana kuti mufungo wokuti zvinoitika zvose zvakasarudzwa pachine nguva mberi, wakanga wakapararira pakati pavaGiriki navaRoma vekare. Kunyange nhasi mufungo wacho unoramba wakasimba mumarudzidziso mazhinji. Islam, somuenzaniso, inoomerera kumashoko eKoran, anoti: “Hakuna mweya unombogona kufa kunze kwokupfurikidza nezororo raAllah uye panguva yakagadzwa.” Kudavira mujambwa kunozivikanwawo navose muchiKristudhomu uye kwave kuchitsigirwa nedzidziso yokudeya kutemerwa, yakadzidziswa naJohn Calvin. Naizvozvo, kunozivikanwa navose kuti vafundisi vaudze hama dzokunyama dziri kuchema kuti tsaona yakati yakanga iri “kuda kwaMwari.”

Murangariro wokuti tsaona dzinoparirwa nejambwa, zvisinei, unopesana nokufunga kwakanaka, ruzivo rwokuzviwanira, uye mufungo. Kutanga, tsaona dzemotokari hadzitongogoni kuva muuyo wokupindira kwoumwari, sezvo kusanonzvera kuchazivisa kazhinji kazhinji chisakiso chine mufungo zvakakwana. Kupfuurirazve, zviverengero zvinoratidza nenzira yakajeka kuti kuita nhano dzokuchenjera dzakati—zvakadai sokusunga bhande rechigaro mumotokari—kunoderedza zvikuru bviro yetsaona inouraya. Nhano dzipi nedzipi dzokungwarira dzekotsekano dzingagona chaizvoizvo kudzivisa chido chakasarudzwa pachine nguva mberi chaMwari here?

Kudavira mujambwa chinotapura mutendi zvakaipa, kunyanguvezvo. Hachikurudziri zviito zvokufarira kupinda mungozi, zvakadai sokufuratira ganhuriro dzesipidhi nezviratidziro zvomumugwagwa kana kuti kuchaira mupesvedzero yedoro kana kuti mirimo here? Zvakakomba zvikuru, kudavira chitendero mujambwa kunopesvedzera vamwe vanhu kupomera Mwari apo tsaona inovatapura. Vachinzwa vakatsamwa uye vari vasingabetseri, uye vapwiswa kuti Mwari haaitiri hanya, vangatorasikirwa nokutenda. Mudetembedzi Emerson akasanotaura, kuti: “Chinhu chine ngwavaira chakaipa zvikurusa muupenyu kudavira muRushambwa rwakaipa kana kuti Jambwa.”

Asi Bhaibheri rinotii pamusoro penjodzi netsaona? Rinodzidzisa chaizvoizvo kuti aya mabasa ejambwa here? Mukuwedzera, chii charinotaura pamusoro pekariro dzedu nokuda kworuponeso? Tine chisarudzo chipi nechipi here munhau yacho?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]

“Chinhu chine ngwavaira chakaipa zvikurusa muupenyu kudavira muRushambwa rwakaipa kana kuti Jambwa.”—Ralph Waldo Emerson

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe