RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 8/15 pp. 3-4
  • Chitendero Mujambwa Chinotonga Upenyu Hwako Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chitendero Mujambwa Chinotonga Upenyu Hwako Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Rutivi Rworudzidziso
  • Kukanda Mari Nokuverenga Nyeredzi
  • Kufanorongerwa Here Kana Kuti Zvinongozviitikira Zvega?
    Mukai!—1999
  • Bhaibheri Rinodzidzisa Rudaviro Mujambwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Jambwa Rinofanira Kutonga Upenyu Hwako Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Kutsvaka Zvakafanosarudzirwa Munhu
    Mukai!—1999
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 8/15 pp. 3-4

Chitendero Mujambwa Chinotonga Upenyu Hwako Here?

MUNA September 1988 ngwavaira yakarova. Mvura dzinopfuurira munodira nzizi dzaGanges naBrahmaputra mukuru dzakakwira mamita 9 ndokufukidza zvikamu zvitatu zvezvina zveBangladesh. Zviuru zvakanyura. Vane 37 000 000 vakasiiwa vasina musha. Anopfuura makiromita 60 000 emigwagwa akanyangarika.

Sezvo mafashamo akadaro akafukidza Bangladesh panguva nenguva, rimwe pepanhau rakadana nyika yacho kuti “Panodira Pane Ngozi.” Rondedzero iyoyo inoratidzira icho vanhu vazhinji vanorangarira sechisakiso chengwavaira dzinokatyamadza dzakadaro: ngozi, kana kuti jambwa.

Kunyange zvazvo vamwe vangarangarira kuti jambwa haritongi upenyu, mirangariro yejambwa zvamazvirokwazvo inopoterera pasi. Neiko vazhinji kwazvo vachidavira jambwa, uye jambwa chii?

Rutivi Rworudzidziso

Shoko rokuti “jambwa” rinobva muna fatum wechiLatin, kureva “chakataurwa.”a Vanotenda jambwa vanodavira kuti zvinoitika zvinorongwa pachine nguva mberi uye kuti vanhu havana simba rokuchinja zvinhu. Uyu murangariro wakaparadzirwa namarudzidziso akasiana-siana uye wakaumba murangariro wamamirioni avatendi. Kuringa marudzidziso makurusa matatu enyika kunoratidza kuti jambwa rine chiso chine zviratidzo zvakasiana-siana—zvakasiana-siana sezvimiro zvetembere dzeHindu, misikiti yeIslām, uye chechi dzechiKristudhomu.

MaMuslim enyika ane mamirioni 900, somuenzaniso, anorangarira kuti jambwa (Kismet) rinorongwa nokuda kwoumwari.b Qurʼān inozivisa, kuti: “Hakuna chakaipa chinouya pasi pano . . . , asi icho chiri mubhuku tisati taita kuti chivepo.” “Uye mweya hausati uchizofa kunze kwebvumo yaAllah; nhambo yacho inogadzwa.”—Surah 57:22; 3:145.

Karma mutemo wechisakiso nomuuyo—chimwe chiso chejambwa—icho chinotapura upenyu hwavaHindu venyika vanodokusvika mamirioni 700. Kunorangarirwa kuti zvinoitika zvinoitika muupenyu hwazvino hwomuHindu zvinorairwa nezviito zvake mukupinda mumuviri kwakapfuura. Garuda Purana, manyoro akare eHindu, anoti: “Ndiwo mabasa aiyeyu amene mukuvapo kwekare ayo anosarudza rudzi rwomuviri warwo unotevera, pamwe chete norudzi rwehosha, dzingave dzomuviri kana kuti dzendangariro, idzo uchava nyajambwa wadzo . . . Munhu anowana muupenyu izvo iye anoitirwa jambwa kuwana.”

Zvakadiniko nemitezo inenge inodokusvika mamirioni 1 700 yechiKristudhomu? Sezvinobvumwa, vamwe vari muchiKristudhomu vangataura kuva vakatsiva jambwa naMwari, uye rudaviro mujambwa nokudeya kusarudzirwa. Asi Encyclopædia of Religion and Ethics inobvuma, kuti: “Hakugoni kutaurwa kuti chiKristu . . . chakasununguka chose chose pachitendero muJambwa.” Mamwe masangano achiri kudzokorora chitendero chomumutsidziri womuzana ramakore rechi 16 Martin Luther, uyo akambotaura kuti munhu ari “asina kusununguka sebhuroko romuti, ibwe, vhinga romunyakwe, kana kuti shongwe yomunyu.”

Kukanda Mari Nokuverenga Nyeredzi

Kunyange zvazvo mirangariro yakaoma yakadaro zvino yakawira mumugariro usingafambiri mberi wezvitendero zvechiKristudhomu chikuru, mumwe mufundisi anobvuma kuti vazhinji vemitezo yacho vachiri kugamuchira chitendero chacho “muchimiro chenyika.” Muchimiro ichocho, jambwa ringava nenyemwerero yechinguvana ndokunzi mhanza yakanaka. Iwe sezvingabvira unoziva nezvavazhinji panhambo nenhambo vanokanda mari mukukumbira mhanza, kana kuti jambwa. Kunyange zvazvo ivo vangaedza kunyepedzera ikoku setsikawo zvayo, vanopfuurira kukuita, uye, padzimwe nguva, kunoratidzika kwavari kuva kunoshanda. Somuenzaniso, The New York Times misi ichangobva kupfuura iyi yakashuma kuti mumwe munhu anogara muUnited States akawana peni (mari) rine mufananidzo womusoro pamusoro pashure pokunge atenga matikiti erotari. Iye akati: “Nguva iri yose yandakawana peni rine rutivi rune mufananidzo womusoro pamusoro, chimwe chinhu nguva dzose chakaitika chakanaka kwandiri.” Muichi chinoitika, iye akahwina mamirioni amadhora 61,68. Iwe unofunga here kuti chitendero chake mumhanza yakanaka, kana kuti jambwa, chakaderera?

Vamwe vanhu vanoseka pamusoro pokukanda mari. Bva, ivo vangadavira kuti nguva yavo yemberi inodeya kusarudzwa nokufamba kwenyeredzi—chimwe chiso chejambwa. MuNorth America moga, mapepanhau 1 200 ane zvikamu zvavoruzivo rwemitumbi yomudenga. Imwe nzvero yakaratidza kuti 55 muzana yepwere muUnited States inodavira kuti ruzivo rwemitumbi yomudenga runoshanda.

Hungu, inganzi Kismet, Karma, Mwari, mhanza yakanaka, kana kuti nyeredzi, chitendero mujambwa chinobatanidza pasi uye chakaita saizvozvo kwamazera. Waiziva here, somuenzaniso, kuti pavanhu vose venhau vakarongwa pano, mumwe bedzi haana kudavira chitendero mujambwa? Ndiani asina? Uye murangariro wake wejambwa unogona sei kutapura wako?

[Mashoko Omuzasi]

a The Encyclopedia of Religion, Volume 5, peji 290, inoti: “JAMBWA. Rakatorwa muna fatum weLatin (chimwe chinhu chinotaurwa, ziviso youporofita, masvikiro, kutsunga kwoumwari).”

b “Kismet inosiana neJambwa bedzi mukunongedzerwa kwayo Kukuda kune simba rose; chichemo chose chavanhu pamusoro pechimwe nechimwe hachina maturo.”—Encyclopædia of Religion and Ethics yaHastings, Volume V, peji 774.

[Bhokisi riri papeji 4]

NDIVANAANI VAIDAVIRA JAMBWA?

Maskarīputra Gośāla Jesu Kristu

Muzvinyimi weIndia, Muvambi wechiKristu,

zana ramakore 6/5 P.N.V. zana ramakore 1 N.V.

Zeno weCitium, Jahm, mwanakomana waSafwān

Muzivi wechiGiriki, Mudzidzisi weMuslim,

zana ramakore 4/3 P.N.V. zana ramakore 8 N.V.

Publius Vergilius Maro John Calvin

Mudetembedzi weRoma, Mufundisi nomumutsidziri zana

ramakore 1 P.N.V. weFrance, zana ramakore 16 N.V.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe