RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 8/8 pp. 14-15
  • Kurwadziwa Kunofanira Kuratidzirwa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurwadziwa Kunofanira Kuratidzirwa Here?
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chinoitika Chomutungamiriri Wamariro
  • Tsika Dzakasiyana, Kuita Kwakasiyana
  • “Ndinogona Sei Kurarama Nenhamo Yangu?”
    Mukai!—1988
  • Mazano Ekubatsira Vakafirwa
    Mukai!—2018
  • Kutsungirira Kusuruvara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Ndinogona Sei Kugara Nenhamo Yangu?
    Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 8/8 pp. 14-15

Kurwadziwa Kunofanira Kuratidzirwa Here?

MUBHUKU rake rinonzi On Children and Death, Dr. Elisabeth Kübler-Ross anoti: “Vanhu vakura vakawanda kwazvo, vanotambura kuti havana kubudirira kugadzirisa zvaivarwadza muuduku hwavo. Saka vana vanofanira kubvumirwa kuratidzira kurwadziwa kwavo pasina kuvaona savanamazhambe kana kuti mbwende, kana kunzwa mashoko okushora okuti ‘Munhu womurume haachemi.’”

Mafungiro aya akasiyana nedzidziso iri mune dzimwe nyika yokusazvibvumira kuratidza pachena kurwadziwa kupi nokupi.

Chinoitika Chomutungamiriri Wamariro

Kusiyana uku kunoenzanisirwa namashoko aRobert Gallagher, mumwe mutungamiriri wamariro muNew York akabvunzurudzwa neveMukai! Akabvunzwa kana akamboona kusiyana kupi nokupi mukuratidza kurwadziwa pakati pavanhu vakaberekerwa muAmerica nevanhu vakatama vachibva kunyika dzechiLatin.

“Zvechokwadi ndinozviona. Pandakatanga basa iri kare muma1950, taiva navana vakawanda vechizvarwa chokutanga vemhuri dzokuItaly munharaunda yedu. Vaichema kwazvo. Zvino tava kuva navana vavo nevazukuru pamariro, uye kwakawanda kwokuchema kwacho kwakapera. Havanyanyi kuchema.”

VaHebheru vomunguva inotaurwa muBhaibheri vairatidza kurwadziwa kwavo. Ona kurondedzera kunoita Bhaibheri zvakaita Jakobho paakaitwa kuti afunge kuti mwanakomana wake Josefa akanga abvamburwa nechikara chinotyisa, rinoti: “Jakobho, achibvarura nguo dzake ndokusimira masaga pachiuno chake, akachema mwanakomana wake kwenguva yakareba. Vanakomana navanasikana vake vose vakasimuka vakamunyaradza; asi akaramba kunyaradzwa. ‘Aiwa,’ akadaro ‘ndichaburukira kuSheori ndichichema, parutivi pemwanakomana wangu.’ Baba vake vakamuchema.” (Genesi 37:34, 35, The Jerusalem Bible; tisu tatsveyamisa mabhii.) Hungu, Jakobho haana kunyara kuchema mwanakomana wake arasika.

Tsika Dzakasiyana, Kuita Kwakasiyana

Hungu, tsika dzinosiyana-siyana. Somuenzaniso, mumativi akawanda eNigeria, kunyange zvazvo mhuri dzichiwanzova navana vakawanda uye rufu ruchingogara ruchishanyako nemhaka yezvirwere zvakasiyana-siyana, “pane kuratidzirwa kukuru kwokurwadziwa panofa mwana, zvikurukuru kana ari wedangwe uye pamusoro paizvozvo ari mukomana,” akadaro munyori agara muAfrica kwemakore 20. “Kusiyana ndokwokuti muNigeria kurwadziwa kwacho ndekwenguva pfupi asi kwakakura. Hakurambi kuripo kwemwedzi nemakore akawanda.”

Munyika dzokuMediterranean kana dzokuLatin-America, vanhu vakakurira mumamiriro ezvinhu umo kuvhunduka kwakamwe kamwe kusingashamisi. Ikoko, mufaro nokusuwa zvinoratidzirwa pachena. Kukwazisana hakungogumiri mukugwinhana maoko; kunosanganisira kumbundira kwoushamwari. Saizvozvowo, kurwadziwa kunowanzoratidzirwa pachena nemisodzi nokuridza mhere.

Munyori Katherine Fair Donnelly anoti baba vanenge vafirwa “havangotsungiriri kurwadziwa mupfungwa nokufirwa nomwana asi kutya kurasikirwa nechiremera chavo chokunzi murume nemhaka yokuratidzira pachena nhamo yavo.” Zvisinei, anoti “kufirwa nomwana wako kunopfuura kuzvibata kwaunganzi ita kana kwaunganzi usaita. Ushingi hwokugeza mweya nemisodzi yokurwadziwa hwakafanana nokutumbura ronda kuti ubvise utachiona.”

Saka kana tichitaura nezvokurwadziwa, kukuratidzira kwakajairika mune dzimwe nyika kupfuura mune dzimwe. Asi kuchema kana kusvimha misodzi hakufaniri kuonekwa sechiratidzo choumbwende. Kunyange naJesu Kristu “akasvimha misodzi” parufu rweshamwari yake Razaro, kunyange zvazvo Jesu aiziva kuti munguva pfupi aizomumutsa.—Johani 11:35.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]

Jakobho haana kunyara kuchema mwanakomana wake akarasika

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe