Masango Anogara Achinaya Mvura—Achadzivirirwa Naani?
ANI naani anoda kugadzirisa zvinetso zviri kutambudza masango anogara achinaya anofanira kutanga agadzirisa zvinokonzera zvacho. Zvii izvozvo? Kuwanda kwevanhu haisi honzeri huru. Matunhu epasi akaorera anogona kuita kuti vanhu vawane pokugara—uye kunyange vakawanda kwazvo.
Kutaura zvazviri, hurumende dziri mune dzimwe nyika dzine hanya nemapurazi anoita kuti pave nezvakawandisa, zvinoita kuti mitengo yezvokudya iderere. Dzimwe hurumende dzinokurudzira varimi kuchinja mapurazi avo kuva nzvimbo dzokutandarira, dzakadai senzvimbo dzokuvaka misasa, nhandare dzokutamba gorofu, kana mapaka emhuka.
Kana zvakadaro, nei masango enyika ari kupera? Tinofanira kutarisa zvakadzama kuhonzeri dzinodarika dziya dzatataura kusvika pari zvino.
Zvinonyanya Kukonzera Kutemwa Kwemiti
Kare vanhu vasati vawanda sezvavaita, hurumende dzaikanganisa masango mukutsvaka kwadzo simba nepfuma. Somuenzaniso, kuda kwaiita Umambo hweBritain matanda okugadzirisa ngarava kwakaita kuti miti yomuoak yeBritain nemiti yeteak yokuBurma nokuThailand iparare. Umambo humwe chete ihwohwo hwakakonzera kuti masango asava nevhu pamusana pemigodhi yesimbi. Mamwe masango akasara asina chinhu pamusana peminda mirefu yerubber, kofi, uye yecocoa.
Zvisinei, pashure, pehondo yenyika yechipiri, masaha nezvikatapira zvakaita kuti zvikwanisike kucheka miti yakawanda pamwero mukuru. Masango akawanda kwazvo asingatani kuparara akabatwa zvisiri izvo senzvimbo dzokuwanira pfuma.
Makambani makuru akatenga nzvimbo dzakakura dzaiva nevhu rakaorera ndokushandisa michini kukohwa zvirimwa zvokutengesa. Vabudiswa basa, vanhu vokumamisha vanosvika zviuru vakatamira kumaguta. Zvisinei, vamwe, vakakurudzirwa kutamira kumasango anogara achinaya mvura. Nzvimbo dzakadaro dzimwe nguva dzakanzi i“nzvimbo dzisina vanhu nokuda kwevanhu vasina pokugara.” Vanhu pavaizoona maomero azvakaita kurima nzvimbo dzakadaro, kazhinji kacho vanenge vanonoka kwazvo—sango rakakura kwazvo rinenge raparara.
Uori hwevakuru vakuru zvakare hwakakonzera kuparara kwemasango akawanda. Kuwana tsamba inobvumira kucheka matanda kunodhura kwazvo. Kuti vaite chiokomuhomwe, vamwe vakuru vakuru vasina kuvimbika vave vachizivikanwa nokupa mvumo yenguva pfupi makambani kuti acheke matanda akawanda kwazvo asingafungi nezvokuchengetedza.
Zvisinei, chinhu chikuru chiri kutyisidzira mhuka dziri mumasango hakusi kuchekwa kwematanda, asi kuchinja nzvimbo dzine miti kudziita dzokurima. Ivhu parinenge rakaorera, muzvimwe zviitiko kuchinja kwakadaro kunganzi kwakafanira. Asi kazhinji, vakuru vakuru vane uori uye vasingagoni basa vakabvumira zvisina kukodzera kutemwa kwemasango asingachazofi awanikazve.
Mbavha dzinokuvadzawo masango. Vanocheka matanda zvisiri pamutemo vanocheka miti inokosha chiverevere, kunyange iya iri mumapaka emhuka. Dzimwe nguva vanocheka matanda kuaita mapuranga musango macho chaimo—muitiro wokupambadza uye usiri wepamutemo. Vanhu vomunharaunda yacho vanobhadharwa kuti vatakure matanda acho nemabhasikoro kana kuti kunyange kubereka kumisana yavo. Zvadaro, kudzivisa kuongororwa, marori anoatakura achishandisa nzira dzisinganyanyi kushandiswa dzomumakomo kwasviba kuti tsva.
Kana zvakadaro, kutemwa kwemiti uye kuparadzwa kwemhuka dzesango hakungokonzerwi nokuwedzera kwevanhu. Kunowanzokonzerwa nokutadza kuronga, kutengeserana kune makaro, utsotsi, uye uori hwehurumende. Kana zvakadai, itariro ipi iripo yokuchengetedza zvipenyu zvakawanda zvakasiyana-siyana zvinowanwa mumasango anogara achinaya mvura?
Itariro Ipi Iripo Nokuda Kwemasango Anogara Achinaya Mvura?
“Kachikamu kaduku chete kemasango anogara achinaya mvura enyika ndiko kanotarisirwa zvakanaka,” rinozivisa kudaro bhuku rinonzi The Cutting Edge: Conserving Wildlife in Logged Tropical Forest. Rinowedzera kuti: “Pari zvino, masango mashoma (kana achitomboripo) anonyatsotarisirwa zvakanaka nenzira yokuachengetedza.” Kutarisira nenzira inochengetedza chokwadi kunogoneka, asi zvazviri chaizvo munyika yose kuparadzwa kwemiti kuri kuitika nokukurumidza.
Zvave zvichinzi Bolivia ndiyo yoga inosara panyaya iyi, nokuti ine 25 muzana yemasango ayo anogara achinaya mvura akanyorwa pamutemo kuti ari kutarisirwa nenzira yokuchengetedza. Zvisinei, munyika yose nhamba yacho ingave iri pasi neimwe muzana—nhamba duku zvikuru isingakurudziri. Masango anogara achinaya mvura mazhinji anoparadzwa nenzira youtsinye. Udyire nemakaro ndizvo zvinhu chaizvo zviri seri kwokuparadza kwakadaro. Zvine musoro zvakadini kutarisira vatengesi nevatungamiriri venyika kuti vachamisa muitiro uyu votanga kudzivirira nhaka iyi yevanhu isingatsiviki?
Bhuku rinonzi Forests of Hope rinogumisa kuti vanhu vavavarire izvi: “Kutsvaka nokutevedza mararamiro akakodzera vanhu vari munyika yose, uye asingaparadzi pasi nezvinhu zvaro.” Vavariro iyoyo yakanaka—asi inoita here?
Musiki wedu akasikirei pasi nevanhu? Akarayira vanhu vaviri vokutanga kuti: “Muzadze nyika, mubate ushe pairi; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.” (Genesi 1:28) Saka Mwari akabvumira vanhu kuti vashandise zvisikwa. Asi ‘kubata ushe’ hakusi rezinesi rokuparadza.
Kana zvakadaro, mubvunzo uripo ndewokuti, Vanhu vanogona here chaizvoizvo kuchinja mararamiro avo, munyika yose zvayo, ndokuva nemararamiro “asingaparadzi pasi nezvinhu zvaro”? Mashoko iwayo anoreva kuda muvakidzani uye kuremekedza zvakasikwa naMwari izvo zvisingawanzooneki munyika yanhasi. Kutarisira kuti vatungamiriri venyika vachatevedzera ndokusimudzira mararamiro akadaro kutarisira zvisingaiti.
Kunyange zvakadaro, Shoko raMwari rinofanotaura nezvenguva apo pasi richazara nevanhu vanoda vamwe vanhu noMusiki wavo. Bhaibheri rinoti: “Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.” (Isaya 11:9; Pisarema 37:29; Mateu 5:5) Cherechedza kuti izvi imhaka yokuti vanenge vasvika pakuziva uye kuda Jehovha, Musiki Mukuru, izvo zvichaita kuti vanhu vaMwari varege ‘kukuvadza’ kana “kuparadza.” Hapana mubvunzo kuti vanhu vakadaro havazoparadzi pasi.
Aya haasi marotowo zvawo. Kunyange iye zvino, Jehovha ari kuunganidza nokudzidzisa vanhu vane mwoyo yakatendeseka. Nokudzidza Shoko raMwari, mamiriyoni pasi pose vakadzidza mararamiro akavakirwa pakuda vamwe nokuzvibayira. (Johani 13:34; 1 Johani 4:21) Magazini ino pamwe neimwe yayo yeNharireyomurindi, zvinobudiswa kubatsira vanhu kuti vazive zvakawanda nezvemararamiro iwayo uye nzira yokuatevedzera nayo. Tinokukumbira kuramba uchidzidza. Hakuna mashoko anofadza kudzidza saiwaya.
[Mifananidzo iri papeji 26]
Vanhu vachatarisira pasi rakanaka panzvimbo pokuriparadza