RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g23 nha. 1 pp. 9-11
  • Masango

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Masango
  • Mukai!—2023
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kukanganiswa Kuri Kuitwa Masango
  • Nyika Yedu Yakasikwa Kuti Irambe Iripo Nekusingaperi
  • Zviri Kuedza Kuitwa Nevanhu
  • Bhaibheri Rinotii?
  • Masango Anogara Achinaya Mvura—Achadzivirirwa Naani?
    Mukai!—2003
  • Masango Anogara Achinaya Mvura—Anogona Kuchengetedzwa Here?
    Mukai!—2003
  • Betsero Dzemasango Anogara Achinaya
    Mukai!—1998
  • Kuparadzwa Kwemasango Anogara Achinaya
    Mukai!—1998
Ona Zvimwe
Mukai!—2023
g23 nha. 1 pp. 9-11
Mukadzi ari kufamba pabhiriji musango.

VANHU VACHAPARADZA NYIKA HERE?

MASANGO

NYANZVI DZESAINZI dzinoti masango akaita semapapu anobatsira kuti munhu arambe achifema. Nei vachidaro? Vanodaro nekuti miti inochenesa mhepo. Inotora carbon dioxide, iyo inogona kutikuvadza yobudisa oxygen, iyo yatinofema. Mhuka dzakawanda nezvinomera zvakawanda zviri panyika zvinowanika mumasango. Kudai pasina masango, taisamborarama.

Kukanganiswa Kuri Kuitwa Masango

Gore negore, vanhu vanotema mabhiriyoni emiti kuti vawane pekurima. Kubvira kumakore ekuma1940 ava kunopera kusvika pari zvino, hafu yemasango akasvibirira anogara achinaya mvura yakaparadzwa.

Sango parinoparadzwa, mhuka dzese nezvinomera zvemo zvinobva zvapararawo.

Nyika Yedu Yakasikwa Kuti Irambe Iripo Nekusingaperi

Kunyange kana masango akaparadzwa, miti inotungira, yokurazve. Vamwe vaongorori vakashamiswa nekukurumidza kukura kunoita miti mumasango ainge aparadzwa. Ona zvinotevera:

  • Vaongorori vari kuongorora zvinoitika kumasango akambotemwa vanhu vachida kuwana pekurima vachibva vazosiya minda yacho. Ongororo yeminda yakadaro inosvika 2 200 iri kuitwa kuAmerica nekuWest Africa yakaratidza kuti minda inenge isisarimwi inogona kuva masango zvakare mumakore 10.

  • Ongororo yakabudiswa mumagazini inonzi Science inoratidza kuti pashure pemakore anenge 100, masango iwayo anogona kudzoka pane zvaaiva miti yacho isati yatemwa.

  • Nyanzvi dzesainzi muBrazil dzakaongorora kuti kudyara miti kunobatsira here kuti masango akurumidze kudzokera pane zvaaiva. Vakaenzanisa nzvimbo dzaikura miti yega nenzvimbo dzayaiita zvekudyarwa nevanhu mumasango akanga amboparadzwa.

  • Ichitaura nezvenyanzvi dzesainzi idzi, National Geographic yakati: “Vakafara chaizvo pavakaona kuti hazvidi hazvo kuti vanhu vaite zvekudyara miti.” Mumakore mashanu chete, nzvimbo dzakasiyiwa miti ichikura yega dzakanga “dzatozara miti yemunyika iyoyo.”

    WAIZVIZIVA HERE?

    Minda Inodzokera Pakuva Masango

    Pikicha iri kuratidza sango rakambotemwa kuti rive munda rikazosiiwa. Papera makore 10 ivhu rinogona kudzoka paraiva. Papera makore anopfuura 100 rinenge ratova sango zvakare.

    Masango akambotemwa kuti vanhu vawane minda, anokwanisa kuva masango zvakare kana vanhu vakamira kurima minda yacho. Izvi ndizvo zvinongoitikawo kumasango ese anenge ambotemwa.

Zviri Kuedza Kuitwa Nevanhu

Pasi rese, vanhu vari kuedza kuchengetedza masango uye kudyarazve miti mune aya akaparadzwa. Nemhaka yeizvi, mashoko akabva kuSangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese anoratidza kuti mumakore 25 apfuura, “kutemwa kwemiti pasi rese kwaderera neinopfuura 50%.

Asi izvi handizvo zvega zvinodiwa kuti tichengetedze masango. Mumwe mushumo wakabudiswa nesangano rinonzi Global Forest Watch wakati: “Mumakore mashoma apfuura, mumasango anogara achinaya mvura, nhamba yemiti iri kutemwa haina kunyanya kuderera.

Makambani anotema miti zvisiri pamutemo ari kuita mabhiriyoni emadhora uye makaro iwayo ndiwo ari kuita kuti miti yakawanda iri mumasango anogara achinaya mvura itemwe.

Munhu anoita basa rekuchengetedza masango ari kuongorora miti musango.

Vanochengetedza masango vanotema miti isina kunyanya kuwanda inenge yanyatsokura vobva vadyara mimwe

Bhaibheri Rinotii?

“Jehovhaa Mwari akaita kuti mumunda macho mumere miti yese inoyevedza uye yakanakira kudya.”—Genesisi 2:9.

Musiki wemasango ese akaasika nenzira yekuti haaparari kana vanhu vakashandisa zvinhu zviri maari zvine mwero. Anoda kuchengetedza masango iwayo nezvinhu zviri maari kuitira kuti zvirambe zviripo.

Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari haasi kuzorega vanhu vane makaro vachiparadza nyika nezvinhu zvipenyu zviri pairi. Ona nyaya yakanzi “Mwari Anovimbisa Kuti Nyika Haisi Kuzoparadzwa,” iri papeji 15.

a Jehovha ndiro zita raMwari.—Pisarema 83:18.

DZIDZA ZVIMWE

Murume nemudzimai vari muparadhiso panyika.

Nei tiine chokwadi chekuti kukundikana kuri kuita vanhu kushandisa zvakanaka zvinhu zviri panyika hakusi kuzoiparadza? Ona vhidhiyo inonzi Mwari Akasikirei Nyika? iri pajw.org.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe