RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 8/15 pp. 4-7
  • Jambwa Rinofanira Kutonga Upenyu Hwako Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jambwa Rinofanira Kutonga Upenyu Hwako Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinetso Zvechitendero Mujambwa Namavara aMwari
  • Chitendero Mujambwa Namaidi
  • Miuyo Inouraya Yechitendero Mujambwa
  • Chitendero Mujambwa Chinotonga Upenyu Hwako Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Bhaibheri Rinodzidzisa Rudaviro Mujambwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Kufanorongerwa Here Kana Kuti Zvinongozviitikira Zvega?
    Mukai!—1999
  • Tsaona—Ijambwa Kana Kuti Migariro Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 8/15 pp. 4-7

Jambwa Rinofanira Kutonga Upenyu Hwako Here?

PANDAZA, munhu bedzi asina kudavira chitendero mujambwa akanga ari Jesu Kristu. Ndoupi wakanga uri murangariro wake?

Nhau dzoupenyu dzomuzana rokutanga ramakore pamusoro paJesu (mabhuku eBhaibheri aMateo, Marko, Ruka, uye Johane) anoonesa chitendero chake chokuti vanhu vanogona kupesvedzera nguva yavo yemberi, kungoreva chete chinoitika kwavari.

Somuenzaniso, Jesu akataura kuti Mwari acha“pa zvinhu zvakanaka kuavo vanomukumbira” uye kuti munhu uyo “akatsungirira kusvikira kumugumo ndiye achaponeswa.” Nenzira yakafanana, apo vagari veJerusarema vakafuratira nyevero idzo dzingadai dzakaponesa upenyu hwavo, Jesu haana kushora kuita kwavo pajambwa. Panzvimbo pezvo, iye akati: “Imi vanhu makanga musingakudi.”—Mateo 7:7-11; 23:37, 38; 24:13, NW.

Tinogonawo kunzwisisa murangariro waJesu neizvo iye akataura pamusoro petsaona inouraya yakaitika muJerusarema, achiti: “Kana vaya vane gumi navasere, vakawirwa nesvingo reSiroami, ikavauraya, munoti vakanga vane mhosva kukunda vanhu vose vaigara Jerusarema here? Ndinokuudzai: kwete.” (Ruka 13:4, 5) Cherechedza kuti Jesu haana kuti rufu rwavanhu 18 ivavo rwakaparirwa nejambwa, uyewo haana kuti ivo vakafa nemhaka yokuva kwavo vakaipa zvikuru kupfuura vamwe. Panzvimbo pezvo, kusafanana navaFarise vezuva rake avo vaiedza kutsinhiranisa chitendero mujambwa nechitendero mumadiro omunhu, Jesu akadzidzisa kuti munhu anogona kupesvedzera nguva yake amene yemberi.

Vaapostora vaJesu nenzira yakafanana vakadzidzisa kuti ruponeso chisarudzo chinowanika kuvose. Muapostora Pauro akanyora, achiti: “Iwe wakaziva manyoro matsvene, anokwanisa kukuchenjedza nokuda kworuponeso.” Uye muapostora Petro akati: “Savacheche vachangobva kuberekwa, umbai chishuvo chomukaka usina kushatiswa weshoko, kuti kupfurikidza nawo mugokura kuruponeso.” (2 Timotio 3:15; 1 Petro 2:2, NW; onawo Mabasa 10:34, 35; 17:26, 27.) Encyclopædia of Religion and Ethics yaHastings inoonesa kuti vanyori vomuzana ramakore rechipiri nerechitatu, vakadai saJustin, Origen, uye Irenaeus, ‘vaisaziva chinhu nezvokudeya kusarudza kwakakwana; ivo vaidzidzisa madiro.’

Asi kana vazhinji vakadaro, kubatanidza vaJudha vazhinji vakanga vakavapoteredza, vaidavira muzvimiro zvechitendero mujambwa, neiko Jesu namaKristu apakuvamba vasina kudavira kuti jambwa romunhu rinosarudzwa? Chikonzero chimwe ndechokuti pfungwa yacho yakazadzwa nezvinetso. Kududza zviviri: Chitendero mujambwa chinopesana namavara aJehovha Mwari; chinorambwa namaidi akasimba. Kupfuurirazve, chinogona kupinza mungozi upenyu hwako hwazvino nohwomunguva yemberi. Kusanonzvera kuchakuratidza kuti ikoku kwakadaro sei.

Zvinetso Zvechitendero Mujambwa Namavara aMwari

Shure muzana ramakore rechitatu P.N.V., muzivi Zeno weCitium akadzidzisa vadzidzi vake muAteni ku“gamuchira murairo weJambwa somunzira yakati yakavandika wakanakisisa.” Rimwe zuva, zvisinei, pashure pokunge Zeno aziva kuti muranda wake akanga ane mhaka yokuba, Zeno akanangana nezvinetso zvouzivi hwake amene. Seiko? Apo iye akarova mbavha, mbavha yakapindura, kuti: “Asi ndakapiwa jambwa rokuti ndinofanira kuba.”

Muranda waZeno aiva nepfundo. Kana uchidavira kuti mutoo woupenyu womunhu mumwe nomumwe unosarudzwa pachine nguva mberi, ipapo kushora munhu nokuda kwokuva mbavha kwakafanana nokushora mbeu yeranjisi nokuda kwokuva muti womuranjisi. Pashure pokurangarira zvose, zvose zviri zviviri munhu nembeu zvinongokura hazvo mukuwirirana nepurogiramu. Chiiko, ipapoka, chiri chinetso chokupedzisira chokurangarira kwakadaro?

Eya, kana matsotsi achingotevera zvawo jambwa rawo, ipapo munhu akaronga mugariro wavo ane mutoro wezviito zvavo. Iyeyo angava ani? Mukuwirirana navanodavira jambwa, Mwari amene. Kupfuuridzira zvikuru uku kurangarira, Mwari anofanira ipapo kuva Chisakiso choKutanga chouipi hwose, masimba masimba, uye dzvinyiriro zvinoitwa nguva dzose nomunhu. Unogamuchira ikoku here?

Imwe nyaya muNederlands Theologisch Tijdschrift (Magazini yechiDutch yoUfundisi) inotaura kuti murangariro wakadaro wokutenda jambwa “unoisa mufananidzo waMwari uyo, nokuda kwamaKristu zvawo, usina mufungo.” Neiko? Nemhaka yokuti unopokanidzana nomufananidzo waMwari unopiwa navanyori vakafuridzirwa veBhaibheri. Cherechedza, somuenzaniso, aya mashoko anonokorwa mubhuku rakafuridzirwa raMapisarema: “Nokuti hamuzi Mwari anofarira zvakaipa.” “Mweya wake unovenga wakaipa nounomanikidza.” “Uchadzikinura [Mambo wouMesia akasarudzwa waMwari] mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa.” (Pisarema 5:4; 11:5; 72:14) Nenzira yakajeka, zvinetso zvokutenda jambwa namavara aMwari zvinobonderana zvakananga.

Chitendero Mujambwa Namaidi

Asi zvakadiniko nezvengwavaira dzomusikirwo? Ko idzo hadziitwi jambwa kuitika uye naizvozvo dzisingabviri kudzivisa here?

Chii chinosimbisa maidi? Cherechedza kuwana kwefundo pamusoro pechisakiso chengwavaira dzomusikirwo, sezvakashumwa mupepanhau rechiDutch NRC Handelsblad: “Kusvikira panguva ino, kudengenyeka kwapasi, mafashamo, kukoromoka kwapasi, uye mhepo dzine simba . . . nguva dzose zvairangarirwa kuva zvechienzi zvomusikirwo. Zvisinei, kusanorangarira kunoratidza kuti kudzongonyedza kwomunhu kukuru chisiko kwakatapura zvakakomba simba remhoteredzo rokuzvidzivirira rimene pangwavaira. Somuuyo, ngwavaira dzomusikirwo dzinotora upenyu hwakawanda kupfuura nakare kose.”—Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.

Mafashamo omuBangladesh adudzwa munyaya yapfuura muenzaniso wakakodzera. Masayendisiti zvino anotaura kuti “ruparadziko rwenharaunda huru dzamasango dzeNepal, Northern India, uye Bangladesh rwave rwuri chisakiso chikuru mumafashamo ayo atambudza Bangladesh mumakore achangobva kupfuura.” (Magazini yeVoice) Mumwe mushumo unotaura kuti kuparadzwa kwamasango kwakawedzera mwero wokufashamira muBangladesh kubva pamafashamo mamwe makore 50 ari ose kusvikira kumamwe makore 4 ari ose. Mabasa akafanana okudzongonyedza kwomunhu mumamwe mativi enyika akatungamirira kumiuyo ine ngwavaira zvakafanana—kusanaya kwemvura, mwoto yomumasango, uye kukoromoka kwapasi. Hungu, mabasa avanhu—kwete jambwa rakavanzika—kazhinji kazhinji anoparira kana kuti kuwedzera ngwavaira dzomusikirwo.

Ikoko zvakawanda, mabasa avanhu anofanirawo kuita zvakapesana: kuderedza ngwavaira. Kwakadaro here? Zvamazvirokwazvo. Rangarira aya maidi: UNICEF (United Nations Children’s Fund) inoshuma kuti kwamakore mazana avana ari mukati meBangladesh akava mapofu. Ikoku kwakaparirwa nejambwa risingachinjiki here? Nyangwe. Pashure pokunge vashandi veUNICEF vapwisa vanaamai ikoko kudyisa mhuri yavo kwete bedzi mupunga asiwo michero nemiriwo, chirwere chamaziso chakavamba kurasikirwa nokubata kwacho. Panguva ino, iyi chinjo yezvokudya yakadzivisira mazana avana muBangladesh upofu.

Nenzira yakafanana, vanhu vasingasvuti vanorarama, paavhareji, kuvambira pamakore akareba matatu kusvikira kumana kupfuura vasvuti. Vakwiri vemotokari vanosunga mabhande apazvigaro vanotambura tsaona shomanene dzinouraya kupfuura avo vasati. Sezvinooneka, mabasa ako umene—kwete jambwa—anopesvedzera upenyu hwako.

Miuyo Inouraya Yechitendero Mujambwa

Sezvadudzwa, chitendero mujambwa chinogonawo kupfupikisa upenyu hwako. Seiko? Mukukurukura “mienzaniso yechitendero mujambwa rorudzi rwakakomba zvikuru,” The Encyclopedia of Religion inoti: “Kuvambira muHondo yeNyika II tinoziva nezvedenho dzamabara anoputika dzinouraya dzeJapan nezvokuzviuraya munzvimbo dzeSS (Schutzstaffel) mukati mehurumende yaHitler mumhinduro kumurangariro wejambwa (Schicksal) unofungidzirwa kuva unopfuura zvikuru ukoshi hwoupenyu hwavanhu vamwe navamwe.” Uye misi ichangobva kupfuura iyi zvikuru, anodaro manyuko mamwe chetewo, “denho dzinouraya dzinokurudzirwa norudzidziso pazvipfuro zvinorangarirwa kuva tyisidziro kuIslam . . . dzakava rutivi runodokuva rwenguva dzose mumishumo yepepanhau pamusoro peNear East.” Zviuru zvavarwi vaduku, inodaro mishumo yakadaro, zvakapinda muhondo zvapwiswa kuti “kana kusina kunyorwa kuti munhu anofanira kufa, haasati achizotambura kuvadziko.”

Bva, kunyange vadzidzisi vanoremekedzwa veMuslim vanoramba mufambiro wakadaro wokusangwarira. Somuenzaniso, mumwe caliph akati: “Iye uyo ari mumwoto anofanira kuzvipa amene kukuda kwaMwari; asi iye uyo achigere kuva mumwoto haafaniri kuzvikandira amene mauri.” Nenzira inosuruvarisa, varwi vazhinji havana kuita muwirirano nezano racaliph wacho. Mukati maanodokusvika makore masere ehondo, Iran yakatambura nzufu dzinorangarirwa kuva 400 000—nzufu dzehondo dzinopfuura United States yakava nadzo mukati meHondo yeNyika II! Nenzira yakajeka, chitendero mujambwa chinogona kupfupikisa upenyu hwako. Kungatopinza mungozi upenyu hwako hwomunguva yemberi. Seiko?

Sezvo anotenda jambwa achidavira kuti nguva yemberi haidzivisiki uye yakasarudzwa senguva yakapfuura, iye angasatana kuronga vara rohunhu rine ngozi. Varai? Encyclopedia of Theology inopindura, ichiti: “Munhu wacho . . . anonzwa asina betsero, chinhu chisingakoshi, chisingakodzeri mumiitiro yenzanga inoratidzika kuva isinganzvengeki. Ikoku kunoparira kusaita chinhu uko nenzira yokuonga chinobata patsananguro yokutenda mashura yokuti chinhu chiri chose chinotsamira pajambwa rakavanzika asi guru.”

Chiiko chinoita kuti kusaita chinhu kuve kune ngozi kwazvo? Kazhinji kazhinji kunotungamirira kuchimiro chisina maturo chokukundwa. Ikoku kungadzivisa anodavira jambwa pakutanga kuita chipi nechipi kana kuti kunyange pakuita chimwe chinhu kukokero inoshamisa yaMwari: “Nhai, imi mose mune nyota, Uyai! kumvura . . . Rerekai nzeve yenyu, muuye kwandiri; inzwai, mweya yenyu igorarama.” (Isaya 55:1-3) Kana chitendero mujambwa chichisakisa kundikano yoku“uya” noku“teerera,” kuchaguma nokurasikirwa nebanza ro“kurarama” nokusingaperi muParadhiso iri kuuya ichadzorerwa pasi pano. Mutengo unodhura zvakadini wokubhadhara!

Naizvozvo umire papi? Kana wakakurira munzanga umo pfungwa dzokutenda jambwa dzinoumba hwaro hwokufunga kwavanhu, ungave wakagamuchira chitendero chacho pasina mubvunzo. Bva, zvirambidzo zvakurukurwa munyaya ino zvingave zvakubetsera kuona kuti kusvikira patambanuko huru upenyu hwako hwazvino nohwomunguva yemberi hunoumbwa namabasa ako umene.

Sezvawaona, kurangarira, maidi, uye, kupfuura zvose, Magwaro Matsvene zvinoratidza kuti haufaniri kutera kuchimiro chokukundwa nejambwa. Panzvimbo pezvo, sezvakakurudzira Jesu: “Rwadzisa . . . kupinda nesuo rakamanikana.” (Ruka 13:24, The Emphatic Diaglott, kurava kwakanyorwa pakati) Akarevei? Mumwe mutsinhiri weBhaibheri anotsanangura, kuti: “Shoko racho [rwadzisa] rinotorwa mumitambo yeGirisi. Mukumhanya kwavo . . . ivo vaivavarira, kana kuti kurwadzisa, kana kuti kushandisa masimba avo ose kuti vawane rukundo.” Panzvimbo pokutera kwako kurukundo muupenyu, Jesu akanga achikurudzira kuti unofanira kuvavarira nokuda kwechinhu chisiri pasi porukundo!

Nokudaro, bvisa kusaita chinhu kupi nokupi kwakaparirwa nejambwa. Pinda munhangemutange youpenyu sezvinokurudzira Shoko raMwari, uye usarega chitendero mujambwa chichikuderedza. (Ona 1 VaKorinte 9:24-27.) Kurumidzisa nhano kupfurikidza nokukurumidza kupindura kokero yakafuridzirwa, inoti: “Tsaura upenyu kuti urarame, iwe navana vako.” Unogona sei kuita chisarudzo ichocho? “Ude Jehovha Mwari wako, nokuteerera inzwi rake, nokumunamatira. Kuita saizvozvo kuchatungamirira kurukundo, nokuti Jehovha achabvumikisa kuva “upenyu nokuwanzwa kwamazuva ako.”—Dheuteronomio 30:19, 20.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Mosesi haana kuparidzira jambwa asi akakurudzira, kuti: “Tsaura upenyu kuti urarame.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe