Upenyu Hwako Hunodzorwa neJambwa Here?
“ALA NÒ DON.” Mumutauro wechiBambara wokuMali, West Africa, uku kutaura kunoreva kuti, “Ibasa raMwari.” Kutaura kwakadai souku kunozivikanwa navose zvikuru murutivi irworwo rwenyika. Mururimi rwechiWolof, kutaura kwacho kunoti, “Yallah mo ko def” (Mwari azviita). Uye mune mumwe mutauro wenyika weDogon, vanoti, “Ama biray” (Mwari azviparira).
Uku kutaura kune fanano yako mune dzimwe nyika. Kutaura kwakadai sokuti, “Nguva yake yanga yasvika” uye, “Kwakanga kuri kuda kwaMwari” kunowanzonzwika panguva ipi kana ipi apo rufu kana kuti ngwavaira inorovanya. MuWest Africa, kutaura kwakadai sokuti “Munhu anokarakadza, Mwari anoronga” kunowanzonyorwa pazvifambiso zvavose uye kunoiswa sezviratidzo muzvitoro. Nokuda kwavakawanda kunongova hako nzira yokutaura nayo. Kazhinji kazhinji, kunyange zvakadaro, iko kunoratidzira rudaviro rwakasimba mujambwa.
Kudavira mujambwa kunombova chii? The World Book Encyclopedia rinokutsanangura se“rudaviro rwokuti zviitiko zvinosarudzwa nemasimba ayo vanhu vasingagoni kudzora.” “Masimba” iwaya chii? Zviuru zvamakore zvapfuura, vaBhabhironi vaidavira kuti jambwa romunhu raipesvedzerwa zvakasimba nechimiro chenyeredzi pakuberekwa kwake. (Enzanisa naIsaya 47:13.) VaGiriki vaidavira kuti jambwa raidzorwa navamwarikadzi vatatu vane simba avo vaikosa, kuyera, uye kucheka shinda youpenyu. Zvisinei, vakanga vari vafundisi vechiKristudhomu vakatanga nepfungwa yokuti Mwari amene anosarudza jambwa romunhu!
Augustine “Musande,” somuenzaniso, akaramba “mirangariro yenhema neinokuvadza” yenyanzvi dzenyeredzi. Pano rumwe rutivi, iye akataura kuti “kubvuma kuti Mwari ariko, uye panguva imwe cheteyo kuramba kuti Iye anofanoziva zvinhu zvomunguva yemberi, ndihwo ufuza hunooneka zvikurusa.” Iye akataura kuti kuti Mwari ave wamasimba ose zvirokwazvo, iye anofanira “kuziva zvinhu zvose zvisati zvaitika” achisiya “zvinhu zvose pachena.” Bva, Augustine akataura nehasha kuti pasinei hapo nokuziva kwaMwari pachine nguva mberi zvose zvinoitika, vanhu vachine rusununguko rwokuzvisarudzira vamene.—The City of God, Bhuku Rechishanu, Maganhuro 7-9.
Mazana amakore gare gare, mufundisi wePurotesitendi John Calvin akapfuuridzira nhau dzacho, achitaura kuti nepo vamwe “vakafanotemerwa [naMwari] kuva vana uye vadyi venhaka voumambo hwokudenga,” vamwe vanofanotemerwa kuva “vagamuchiri vokutsamwa kwake”!
Nhasi, rudaviro mujambwa runorangarirwa zvakakomba mumativi akawanda enyika. Rangarira chakaitika chaOusmane, jaya riri muWest Africa. Iye akanga ave ari mumwe wavadzidzi vaigona zvikurusa muchikoro chake, asi apo akanyora bvunzo dzake dzokupedzisira, iye akakundikana! Ikoku kwakareva kwete chete kudzokorora gore rechikoro asiwo kutambura kunyara pamberi pemhuri yake neshamwari. Imwe shamwari yakaedza kumunyaradza kupfurikidza nokutaura kuti kwakanga kuri kuda kwaMwari. Amai vaOusmane nenzira yakafanana vakapomera jambwa nokuda kwokukundikana kwake.
Pakutanga Ousmane akafara kugamuchira kuedza kwavo kunzwira tsitsi. Pashure pezvose, kana kukundikana kwake chaizvoizvo kwakanga kuri kuda kwaMwari, pakanga pasina chaaigona kuva akaita kukudzivisa. Asi baba vake vakaona zvinhu nenzira yakasiyana. Ivo vakaudza Ousmane kuti kukundikana bvunzo kwakanga kuri mhaka yake amene—kwete yaMwari. Ousmane akakundikana nemhaka bedzi yokuti akanga aregeredza zvifundo zvake.
Kutenda kwake mujambwa kuchiva kwaneteswa, Ousmane akasarudza kunzvera zvinhu zvacho amene. Zvino tinokukoka kuita zvimwe chetezvo kupfurikidza nokurangarira nyaya inotevera.