Kutsaurirwa kweWatchtower Educational Center—Mutambo Kuna Jehovha
KUBVIRA kare, mitambo inofadza yave iripo mukunamata kwechokwadi. Mimwe yemitambo yaiitwa muna Israeri wekare yaiitwa kwemazuva uye yaipindwa nezviuru zvakawanda zvevanamati vaJehovha. Kutsaurirwa kwetemberi yaSoromoni kwakaita mazuva manomwe uye kwakateverwa neMutambo weMatumba wevhiki rose. Izvi zvaipa vaIsraeri mukana wekufunga nzira inoshamisa iyo Jehovha akavabata nayo. Vakadzokera kumba “nemwoyo yakanga ichifara, ichifarira zvose zvakanaka zvakanga zvait[wa naJehovha].”—1 Madzimambo 8:66.
Zvakaitika paWatchtower Educational Center muPatterson, New York, U.S.A, misi yaMay 17-22, 1999, zvakayeuchidza vaenzi nezvezvaiitika mumitambo yaifadza yekare. Iyi yakanga iri vhiki yebasa chairo rekutsaurira zvivako 28 zvakagadzirwa kutsigira basa rekudzidzisa Bhaibheri munyika yose. Zvinhu zvakarongwa kuti nhengo dzinokwana 5 400 dzepadzimbahwe paBrooklyn, Wallkill nePatterson kuti dzinyatsoona zvivako zviri muPatterson mukati mevhiki iyi isingakanganwiki. Vaenzi vaisanganisira nhengo dzinopfuura 500 dzakanga dzabatsira kuvaka muzinda wekudzidzira, vamiririri vemapazi anokwana 23 eWatch Tower Society, nevamwe vakabva kuungano dziri pedyo—pamwe chete vanhu vanosvika 8 100.
Kuratidzwa Zvivako Kunodzidzisa
Zvekuratidza chaizvo, kuratidza mavhidhiyo anodzidzisa, uye zvinokuratidza kuti ufambe woga zvakarongwa kuti vaenzi vajairane nemuzinda wekudzidzira. Panzvimbo huru yokusvikira, vaenzi vaikurumidza kuona chiumbwa chiduku chetemberi yaiva muJerusarema mumazuva oushumiri hwaJesu pasi pano. Zvimwe zvairatidzwa zvaionesa nhau yeChikoro cheGilead cheWatchtower, kokorodzano dzakakurumbira, misangano yeungano, kutanga fundo dzeBhaibheri dzepamusha mumazuva ano—mamiriyoni ari kuitiswa vhiki nevhiki zvino—uye basa rinoitwa neDhipatimendi reMitemo kuti basa rirambe richifambira mberi mukuteerera murayiro waJesu.—Mateu 28:19, 20.
Mukamuri raiva pedyo, rinogara vanhu vanokwana 1 700 zvakanaka, vakauya panguva yemutambo wokutsaurira vakaratidzwa vhidhiyo inotora maminiti 33 inonzi “Not by Power—By My Spirit!” Vhidhiyo iyi yakaratidza kuti Watchtower Educational Center yakavapo sei. Kubvunzurudza kwakaratidza zvakaitika zvinoratidza zvakajeka kutungamirira zvinhu kwaJehovha uye chikomborero chake pakuedza kupedza zvinobudirira iri basa rakatora makore 15. Zviuru zvakaitawo basa chairo rekuvaka. Pane imwe nguva muna 1994, paiva nevashandi 526 panzvimbo yekuvaka, kusanganisira vashandi venguva yakazara vanozvidira 350, vashandi venguva pfupi 113, uye 63 vaibva kumba zuva nezuva kuti vabatsire. Vamwe vakawanda vakatsigira basa iri nemipiro. Vose vanoziva kuti izvi zvingadai zvisina kuitika pasina mudzimu waJehovha.—Zekaria 4:6.
Avo vaiona zvivako vaigona kuona kuti basa rinonyanya kuitwa pamuzinda wekudzidzira kutsigira kudzidzisa kunoitwa naMwari. Zvakaratidzwa pamusuwo weChikoro cheGilead pauriri hwokutanga hwechivako zvaisimbisa nhaka yemudzimu yakapfuma uye nhau yechikoro chacho. Kubva zvakatanga kirasi yokutanga muna 1943 panzvimbo yekutanga yechikoro chacho muSouth Lansing, New York, Chikoro cheGilead charovedza vadzidzi vanopfuura 7 000 nokuda kwebasa roufundisi. Zvakaratidzwa pauriri hwechipiri hwechivako chacho zvairatidza zvinofungwa nezveChikoro cheNhengo dzeDare reBazi neChikoro cheVatariri Vanofambira, zvose zvine makirasi ipapo. Kubva zvachakavamba muna November 1995, chikoro chebazi chakadzidzisa nhengo dzeDare reBazi dzinosvika 360 kubva munyika dzinokwana 106.
Sezvo vaenzi vaiona zvivako, vakaona kuti munzvimbo dzakawanda, vaikwanisa kuona zvinopfuura mifananidzo. Vaikwanisa kupinda mumadhipatimendi chaiwo akasiyana-siyana, kushanyira mahofisi uye dzimwe nzvimbo dzebasa, ndokunzwisisa zvakakwana basa riri kuitwa. Chinhu chikuru chekuona zvivako kwacho chakanga chiri chivako cheMabasa eMakaseti neMavhidhiyo. Zvivako zvakanaka zvakadini zviri kushandiswa kutsigira basa rekudzidzisa Bhaibheri! Nokushandisa zvinoratidzwa zvakatevedzana zvamavhidhiyo mapfupi, vaenzi vakabatsirwa kunzwisisa kuti manzwi anorekodwa sei uye kuti mavhidhiyo anogadzirirwa sei. Vakadzidza chimwe chinhu nezvekutsvakurudza kwakakura kunoitwa mukugadzirira zvokushandisa nezvipfeko. Vakaona kuti chikuva chinogadzirwa sei nenzira isingadhuri asi paine kunyatsongwarira. Vakaona kuti mimhanzi inoshandiswa sei kuti vanhu vanzwe sekuti vari mumamiriro ezvinhu chaiwo ezvavari kuona. Kubva muna 1990 Sosaiti yabudisa mavhidhiyo gumi mumitauro 41, ichisimbisa misoro mikuru yeBhaibheri yakasiyana-siyana, mukuwedzera kumavhidhiyo ari muMutauro wemasaini wekuAmerica.
Vakawanda vaiona zvivako vakashanyira Kunoitwa Mifananidzo, Dhipatimendi Rekunyora Mifananidzo, Dhipatimendi reMashoko, rinodzidzisa kushandisa makombiyuta nekuagadzira, Dhipatimendi reBasa, rinotarisira basa reungano 11 242 uye vatariri vanofambira 572, neDhipatimendi reKunyora tsamba, uko mibvunzo inosvika 14 000 inopindurwa gore negore. Vakashamiswa zvikuru nekutsvakurudzwa kunoitwa tsamba dzisati dzatumirwa uye kuva nehanya chaiko nevaya vane mibvunzo inoratidza kuti vari kuedza kukurira zvinetso zvakakura.
Dhipatimendi Remabasa Ekushandura rairamba richishanyirwa nemudungwe wevakawanda. Vakashamiswa kuziva kuti mumakore mashanu apfuura, mitauro 102 yakawedzerwa kumitauro inoshandurirwa mabhuku eBhaibheri neSosaiti. Munyika yose, vanosvika 80 muzana veZvapupu zvaJehovha vanorava mabhuku eSosaiti mumitauro isiri chiNgezi. Kuti zvavanoda zviitwe, kune vanopfuura 1 700 vanoshanda nokuzvidira mukushandura munyika 100. Zvinoratidzwa zvakaonesa Nharireyomurindi mumitauro yekuAmerica, Europe, Asia, neAfrica. Vaenzi vaigona kuona Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva mumitauro 31 rayakabudiswa. Vakaudzwa kuti mabhuku eWatch Tower zvino ari kuwanika mumitauro 332 uye kuti bhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri? rakabudiswa mumitauro 219 yacho.
Vakashanyira Dhipatimendi reMitemo vakaratidzwa zvinhu zvakasiyana-siyana zvinoda kutarisirwa zvemitemo munyika yose. Muvhidhiyo, vakaona mhosva chaiyo yaitotongwa mudare umo Chapupu chiri Gweta chakanga chichitaura nezvenhau yaisanganisira ropa. Vakaonawo zviri kuitwa kuti mukana wekuparidza mashoko akanaka urambe uripo. (VaFiripi 1:7) Pakataurwawo nezvechisarudzo chedare remune rumwe ruwa chakaitwa muna March wegore rino chairayira menisiparati yeOradell, New Jersey, U.S.A., kuchinja mutemo warwo wokuti Zvapupu zvaJehovha zvipfeke mabheji uye kuti zvive nemvumo yekuparidza paimba neimba muushumiri hwepachena munharaunda iyoyo.
Izvi hazvisi izvo zvoga zvakaonekwa nevaenzi. Pakati pezvimwe zvavakaona, vakaongorora kuratidzwa kwekuvaka muNzvimbo Inogadzirirwa Kongiri uye vakaona zvivako zveKunocheneswa Mvura Yezvimbudzi, Imba Yemagetsi, Nzvimbo Inopfaviswa Mvura, nemamwe mashopu ekutarisira zvinhu. Raiva zuva risingakanganwiki.
Purogiramu Yekutsaurira Inosimbisa Kudzidzisa Kunoitwa naMwari
Purogiramu chaiyo yekutsaurira yakaitwa musi weChitatu, May 19, yakatanga na4:00 masikati. Mapoka anofara evanhu 6 929 kusanganisira nhengo dzepadzimbahwe, vaenzi veSosaiti, nevamwe 372 vakanga vakaungana pabazi reCanada, raiva rakabatanidzwa nemagetsi.
Vateereri vakafara zvikuru kunzwa mashoko oushamwari okuvagamuchira aMilton G. Henschel, purezidhendi weWatch Tower Society. Theodore Jaracz, nhengo yeDare Rinodzora nasachigaro wepurogiramu yacho, akatevera kusuma William Malenfant. Mukupa “Zvinhu Zvikuru Zvakaitika Muchirongwa Chokuvaka,” akabvunzurudza hama nhatu dzakanga dzine mabasa anokosha mukugadzirira, kuronga, uye kuvakwa kweWatchtower Educational Center. Mukati mekubvunzurudza kwacho, zvakanzi mumakore chaiwo ebasa rokuvaka, vakazvipira vanopfuura 8 700 vakanga vauya kuzobatsira kuvaka vachishandisa mari yavo voga. Uchapupu hwakadini hwokubatana uye rupo zvinoitwa nekudzidzisa kunoitwa naMwari!
Kwakatevera hurukuro yekusiyirana yaiva nomusoro unoti “Kudzidzisa Kunoitwa naMwari Munyika Yose.” Yakapiwa nenhengo ina dzeDare Rinodzora. John E. Barr akasimbisa kuti kudzidzisa kunoitwa naMwari kunobva muShoko raMwari, Bhaibheri, rinokurudzira vaKristu kuti va‘rambe vachibereka zvibereko mubasa rose rakanaka vachiwedzera pazivo yakarurama pamusoro paMwari.’ (VaKorose 1:10) Daniel Sydlik akakurukura kuti kudzidzisa kunoitwa naMwari kunorongwa nenzira yekutonga kunoitwa naMwari kubva kumusoro weungano yechiKristu, Jesu Kristu, kusvikira kuhama dzose dziri munyika yose. (1 VaKorinde 12:12-27) Zvikamu zviviri zvekupedzisira zvehurukuro yekusiyirana yacho, zvakapiwa naGerrit Lösch naCarey Barber, zvakaratidza kuti kudzidzisa kunoitwa naMwari kunoita kuti vashumiri vakwanise kusvika vanhu kwese kwese nokuvarayira kuti naivowo vafambe munzira dzaMwari.—Isaya 2:1-4; 2 VaKorinde 3:5.
Kuti vateereri vanyatsoziva zvikoro zvakasiyana-siyana zviri pamuzinda wekudzidzira uyu, kubvunzurudza nekukurukura kwakaitwa nevadzidzisi navamwe vanobatanidzwa muchirongwa chacho. Basa rechikoro chimwe nechimwe mukuita basa rekudzidzisa kunoitwa naMwari munyika yose kwakaratidzwa. Zvakanzi Chikoro cheGilead chinosimbisa kudzidza bhuku roga roga reBhaibheri, kudzidza nhau yemazuva ano yevanhu vaJehovha, uye kugadzirira basa roufundisi. Chikoro chebazi zvidzidzo zvakawanda pamusoro pebasa rakasiyana-siyana iro nhengo dzeDare reBazi dzinoita. Chikoro cheVatariri Vanofambira hachina kugadzirirwa kuti chibatsire hama dzinofambira bedzi asiwo kudzigadzirira kuti dzipe rubatsiro rwemudzimu, rwuchanyanya kubatsira ungano.
Kuti agumise purogiramu yacho yakaisvonaka, Lloyd Barry weDare Rinodzora akapa hurukuro yekutsaurira pamusoro unoti “Kuvaka noMusiki Wedu Mukuru.” Akaratidza kuti Musiki, Jehovha, anofadzwa nezvisikwa zvake zvose uye anotikoka kuti tifare pamwe chete naye. (Isaya 65:18) Sezvo “iye akavaka zvinhu zvose [ari] Mwari,” kuna Jehovha Mwari ndiko kunofanira kuenda mbiri yekuvaka uku. (VaHebheru 3:4) Adudza pfungwa idzi, mukurukuri akanyengetera nemwoyo wose, achitsaurira Watchtower Educational Center kuna Jehovha, Musiki wedu Mukuru.a
Hapana mubvunzo kuti vhiki yose yemutambo icharamba ichiyeukwa nevakapinda. Wadii kuronga kushanyira Watchtower Educational Center? Tine chivimbo chokuti kushanya nokuona zvivako zvichakukurudzira mune zvaunoita mukuedza kudzidza zvakawanda nezveMusiki wedu ane rudo uye kurarama maererano nezvaanoda zvakarurama.
[Mashoko Omuzasi]
a Hama Barry vakapedza basa ravo pasi pano vakatendeka musi waJuly 2, 1999. Ona Nharireyomurindi yaOctober 1, 1999, papeji 16.
[Mifananidzo iri papeji 10]
Horo yakazara nevanhu uye vokuwedzera vari muimba yekudyira
[Mifananidzo iri papeji 10]
Kuona zvivako chaiva chinhu chinofadza zvikuru