Umambo hwaMwari Huchauya Rini?
“ISHE, mava kudzorera umambo kuna Israeri panguva ino here?” (Mabasa 1:6) Vaapostora vaida kuziva kuti Umambo hwaJesu hwaizotanga kutonga rini. Iye zvino, papera makore anenge 2 000, vanhu vachiri kubvunza kuti: Umambo hwaMwari huchauya rini?
Sezvo Jesu akanyanya kuparidza nezvoUmambo, ungatarisira kuti akapindura mubvunzo iwoyo. Uye ndozvaakaita! Akataura kakawanda nezvenguva ine mucherechedzo yaakati “kuvapo” kwake. (Mateu 24:37) Kuvapo ikoko kunoenderana nokutanga kutonga kwoUmambo ihwohwo. Kuvapo uku chii? Ngatimboona pfungwa ina dzechokwadi dzinotaurwa neBhaibheri nezvokuvapo kwaKristu.
1. Kuvapo kwaKristu kwaizotanga Jesu ava nenguva refu afa. Jesu akataura mufananidzo achizvifananidza nomurume “akaenda kunyika iri kure kuti anowana simba roumambo.” (Ruka 19:12) Mufananidzo iwoyo wechiprofita wakazadzika sei? Jesu akafa uye akamutswa; zvadaro akaenda “kunyika iri kure,” kureva kudenga. Jesu akanga ambozvitaura mune mumwe mufananidzo kuti aizodzoka kuzotonga “pashure penguva refu.”—Mateu 25:19.
Papera makore Jesu aenda kudenga, muapostora Pauro akanyora kuti: “Munhu uyu [Jesu] akapa chibayiro chimwe chete nokuda kwezvivi nokusingaperi, akagara kuruoko rworudyi rwaMwari, kubvira panguva iyoyo akamirira kusvikira vavengi vake vaitwa kuti vave sechitsiko chetsoka dzake.” (VaHebheru 10:12, 13) Saka Jesu paakadzokera kudenga aizofanira kumirira kwenguva yakareba. Nguva yacho yakaguma Jehovha paakaita kuti Mwanakomana wake ave Mambo woUmambo hwaMesiya hwakanga hwava nenguva yakareba hwavimbiswa. Kuvapo kwaKristu kwakabva kwatanga ipapo. Vanhu vepanyika vaizoona chiitiko ichocho chinofadza here?
2. Kuvapo kwacho hakuoneki nemaziso evanhu. Yeuka kuti Jesu akatsanangura chiratidzo chokuvapo kwake. (Mateu 24:3) Kudai kuvapo kwake kwaizooneka nemaziso evanhu, chiratidzo chaizodiwa here? Tingazvifananidza neizvi: Ngatimboti uri kuenda kugungwa. Unoona zviratidzo zvakanyorwa zvichinongedzera kuti ndokupi. Asi paunosvika kumahombekombe kwaro, wakamira uchiona mvura ichisvika kujengachenga, waizoda kuona here chikwangwani chakanyorwa nemabhii makuru kuti “Gungwa”? Kwete hazvo! Chikwangwani chei iwe uchitoona gungwa racho?
Jesu akatsanangura chiratidzo chokuvapo kwake, kwete kuti audze vanhu zvinhu zvavaizoona nemaziso avo, asi kuti avabatsire kuziva zvinhu zvaizotika kudenga. Ndosaka Jesu akati: “Umambo hwaMwari hahuuyi huchinyatsocherechedzwa.” (Ruka 17:20) Saka chiratidzo chaizozivisa sei vanhu vari panyika kuti kuvapo kwaKristu kwakanga kwatanga?
3. Kuvapo kwaJesu kwaizozivikanwa nematambudziko akanyanya aizova pano panyika. Jesu akati kuvapo kwake saMambo mudenga kwaizozivikanwa nehondo, nzara, kudengenyeka kwenyika, matenda, uye kusateerera mutemo zvinenge zvichiitika panyika pano. (Mateu 24:7-12; Ruka 21:10, 11) Chii chaizokonzera nhamo yose iyi? Bhaibheri rinotaura kuti Satani “mutongi wenyika ino” ane ukasha nokuti anoziva kuti nguva yake yasara ishoma sezvo iye zvino kuvapo kwaKristu saMambo kwakatanga. (Johani 12:31; Zvakazarurwa 12:9, 12) Uchapupu ihwohwo hunoratidza ukasha hwaSatani uye kuvapo kwaKristu hwakawanda mazuva ano. Kunyanya kubva muna 1914, gore rinonzi nenyanzvi dzenhoroondo nyika yakaita chamupidigori, uchapupu uhwu hwakaoneka zvisati zvamboitika uye zvichiitika pasi rose.
Zvose izvi zvingaita sokuti chanaka hapana, asi hazvina kudaro. Zvinoreva kuti iye zvino Umambo hwaMesiya huri kutonga kudenga. Nenguva isipi, hurumende iyoyo ichatonga pasi rino rose. Zvisinei, vanhu vaizoziva sei nezvoUmambo ihwohwo kuti vade kutongwa nahwo?
4. Kuvapo kwaJesu kunozivikanwa nokuparidza kunoitwa pasi rose. Jesu akati kuvapo kwake kwaizofanana ‘nemazuva aNoa.’a (Mateu 24:37-39) Kunze kwokuvaka areka, Noa aivawo “muparidzi wokururama.” (2 Petro 2:5) Noa akayambira vanhu kuti mutongo waMwari wakanga uri munzira. Jesu akati vateveri vake vari pasi pano vaizove vachiyambirawo vanhu munguva yokuvapo kwake. Akaprofita kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.”—Mateu 24:14.
Sezvataona munyaya yadarika, Umambo hwaMwari huchaparadza hurumende dzose dzenyika ino. Kuparidza kunoita kuti vanhu vazive kuti hurumende iyi yava kuda kutonga, zvopa vanhu vose mukana wokupona kuparadza kuchaitika uye kuti vazotongwa noUmambo ihwohwo. Mubvunzo mukuru zvino ndewokuti, Iwe uchaita sei?
Umambo hwaMwari Huchakuunzira Zvakanaka Here?
Zvakaparidzwa naJesu zvinopa tariro isina yakaenzana nayo. Pashure pokupanduka kwakaitika muEdheni zviuru zvemakore zvadarika, Jehovha Mwari akaita chinangwa chokuumba hurumende yaizogadzirisa zvinhu, ichiita kuti vanhu vararame sezvakanga zvagara zvichidiwa naMwari, kureva upenyu husingaperi muparadhiso pasi pano. Chii chingafadza kupfuura kuziva kuti hurumende iyoyo yakagara yavimbiswa iri kutotonga izvozvi mudenga? Haisi nyaya yokurota kuhope asi zvichanyatsoitika!
Iye zvino, Mambo akagadzwa naMwari ari kutotonga pakati pevavengi vake. (Pisarema 110:2) Munyika ino ine uori isinei naMwari, Mesiya ari kuzadzisa chido chaBaba vake chokutsvaga vose vanoda kuziva kuti Mwari akanyatsodii uye vanoda kumunamata “nomudzimu nechokwadi.” (Johani 4:24) Vanhu vemarudzi ose, vemazera ose, uye vane mararamiro akasiyana-siyana vanokwanisa kuva netariro yokurarama nokusingaperi vachitongwa noUmambo hwaMwari. (Mabasa 10:34, 35) Tinokukurudzira kuti ushandise mukana uyu wakanakisisa waunawo. Dzidza nezvoUmambo hwaMwari iye zvino, kuitira kuti ukwanise kurarama uchitongwa zvakanaka noUmambo ihwohwo nokusingaperi!—1 Johani 2:17.
[Mashoko Omuzasi]
a Zvakataurwa naJesu zvinobatsira kugadzirisa kumonyororwa kunoitwa shoko rokuti “kuvapo” nemamwe maBhaibheri. Mamwe maBhaibheri anoti “kuuya,” “kusvika” kana “kudzoka,” ose achireva chiitiko chenguva duku. Zvisinei, ona kuti Jesu haana kufananidza kuvapo kwake neMafashamo omuzuva raNoa, chinhu chakaitika kwenguva duku, asi ‘nemazuva aNoa,’ nguva yakati rebei ine zviitiko zvinokosha. Kufanana nenguva iyoyo, kuvapo kwaKristu inguva iyo vanhu vaizova mushishi kuronga upenyu hwavo zvokuti vaizoisa zvimiti munzeve panopiwa yambiro.
[Mifananidzo iri papeji 8, 9]
Zvakaipa zvatiri kunzwa mazuva ose zvinoratidza kuti zvinhu zvakanaka zvava pedyo
[Kwazvakatorwa]
Antiaircraft gun: U.S. Army photo