Zvevechiduku
Kurasika Kwakaita Paradhiso
Mirayiridzo: Ita basa iri uri panzvimbo isina zvinokukanganisa. Paunoverenga magwaro, fungidzira uripowo pazvaiitika. Ona zvaiitika mupfungwa dzako. Inzwa manzwi acho. Iva nemanzwiro evanhu vanonyanya kutaurwa. Ngazviite sokuti zviri kutoitika.
ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA GENESISI 3:1-24.
Unofunga kuti chii chakatanga kuitwa naEvha, nyoka payakatanga kutaura naye?
․․․․․
Uchiyeuka kuti Adhamu naEvha vakatadza nemaune, unofunga kuti vakanzwa sei, sezvinotaurwa mundima 7-10?
․․․․․
Sezvinotsanangurwa mundima 22-24, mupfungwa dzako unoona Adhamu naEvha vachidzingwa sei mumunda weEdheni?
․․․․․
DZAMISA PFUNGWA.
Maziso aEvha akamutadzisa sei kuteerera? (Verengazve ndima 6.)
․․․․․
Nei muchero wacho wakava “chinhu chinoyevedza” kuna Evha? (Verengazve ndima 4 ne5.)
․․․․․
Chii chingave chakaita kuti Adhamu atadzewo sezvakaita Evha? (Verengazve ndima 6.)
․․․․․
Muzvizvarwa zvaizotevera, chivi chaizokanganisa zvakanyanya sei ukama hwevarume nevakadzi? (Verengazve ndima 16.)
․․․․․
Zvakava sei pachena kuti kusawirirana kwakavapo pakati paAdhamu naEvha pamusana pechivi? (Verengazve ndima 12.)
․․․․․
Jehovha akakurumidza sei kugadzirisa dambudziko racho kuitira kuti chinangwa chake chizobudirira? (Verengazve ndima 15.)
․․․․․
ITA ZVAWADZIDZA. NYORA ZVAWADZIDZA PAMUSORO PE . . .
Ngozi dzemafungiro okuda kuzvitonga.
․․․․․
Zvatinoona nemaziso edu kukonzera kwazvingaita zvido zvakaipa.
Kusabatsira kwokunakurira vamwe nyoka mhenyu patinenge takanganisa.
․․․․․
CHII CHIRI MUNYAYA IYI CHANYANYA KUKUBATSIRA, UYE NEI?
․․․․․