“Kusvikira Taparadzaniswa Nerufu”
VANHU vangani vakataura mashoko ari pamusoro apa musi wavaichata, dzimwe nguva vasingatombofungi nezvezvingangozoitika? Kukwegura, kurwara kana kuti tsaona kazhinji ndizvo zvinogona kugumisa upenyu hwemumwe wako, uchizosara wasurukirwa uye uchirwadziwa.—Muparidzi 9:11; VaRoma 5:12.
Ongororo dzinoitwa dzinoratidza kuti inenge hafu yevakadzi vane makore 65 kana kuti kupfuura, ichirikadzi. Zvechokwadi, kufirwa newawakaroorana naye kwave kuchinzi “nhamo yevakadzi” nokuti vakadzi ndivo vanowanzofirwa zvakanyanya kupfuura varume nekatatu. Izvi hazvirevi kuti varume havatamburiwo. Chokwadi ndechokuti mamiriyoni evanhu atambura pamusana pokufirwa. Iwe ungava uri mumwe wavo here?
Pasinei nokuti uri munhurume here kana kuti munhukadzi, kana wakafirwa, ungaitei? Bhaibheri ringakubatsira here kukunda kurwadziwa kwakadaro? Zvii zvakaitwa nevamwe vakafirwa? Kunyange zvazvo pasina nzira imwe chete yokupedza nayo zvinetso zvinovapo, pane zvinhu uye mazano angakubatsira.
Zvaungaita Kana Wafirwa
Kunyange zvazvo vamwe vachifunga kuti kuchema kunoratidza kuti munhu haana kusimba kana kuti kunotokuvadza, mumwe muzvinadzidzo anoongorora pfungwa anonzi Joyce Brothers, uyo akafirwa nomurume, anoti kusvimha misodzi ndicho chinhu chokutanga chinobatsira kudzikamisa pfungwa kana wafirwa. Kutaura zvazviri, kusvimha misodzi kwagara kuri chimwe chezvinhu zvinoitika panguva yaunenge uchichema mumwe wako uye kunobatsira kuderedza marwadzo. Usanyara kusvimha misodzi. Muenzaniso wakanaka panyaya iyi unowanika muBhaibheri. Abrahamu munhu aiva nokutenda kwakasimba chaizvo, uye akatonzi aiva shamwari yaMwari. Asi, mudzimai wake waaida paakafa, “akapinda kuti acheme Sara nokumusvimhira misodzi.”—Genesisi 23:2.
Kunyange zvazvo zvagara zviri muropa kuti munhu anoda kumbova oga, usanyanya kubva wazviita zindoga. Zvirevo 18:1 inotinyevera kuti: “Munhu anozviparadzanisa nevamwe achazvitsvakira zvaanoda zvoudyire.” Pane kudaro, tsvaka rutsigiro rwehama neshamwari vanonzwira tsitsi. Panyaya iyi, pane urongwa hwakanaka chaizvo hweungano yechiKristu, ine varume vane ruzivo mune zvokunamata vanogona kupa rutsigiro uye mazano pazvinenge zvichidiwa.—Isaya 32:1, 2.
Vamwe vakaona zvichibatsira kupindura tsamba nemakadhi zvokuvanyaradza zvavanenge vatumirwa. Izvi zvinokupa mukana wokunyora zvinhu zvakanaka zvaunoyeuka nezvemumwe wako akashaya uye zvamaimboita mose. Kugadzira bhuku rezvaunoda kuyeuka rine mapikicha, tsamba, uye mamwe mapepa akanyorwa zvingakubatsira kunzwa zviri nani.
Chinhu chinoitika muupenyu kuti munhu achangofirwa anzwe akavhiringidzika, achishaya kuti odini, asi kuramba achiita zvinhu semaitiro aakagara achiita kuchabatsira. Somuenzaniso, kana une nguva chaiyo yokurara, yokumuka, yokudya, kana kuti yokuita mamwe mabasa epamba, edza kuramba uchiita izvozvo. Gara waronga zvauchaita pakupera kwevhiki uye pamazuva anokosha akadai somusi waunoyeuka muchato wenyu, paunganyanya kufunga nezvokufirwa kwako. Zvinonyanya kukosha kuti urambe uchiita zvine chokuita nokunamata sezvawakagara uchiita.—1 VaKorinde 15:58.
Kana munhu akavhiringidzika chaizvo, angatadza kunyatsosarudza zvakanaka. Zvichida vanhu vane vavariro dzakaipa vangatoedza kuti zvinhu zvivafambire zvakanaka ivo vachishandisa kuvhiringidzika kwako. Saka, usamhanyira kusarudza zvokuita panyaya dzakadai sokutengesa imba yako, kana kuita zvinhu zvinoda mari yakawanda uchitarisira kuzowana yawanda, kutama, kana kuti kuroora kana kuroorwazve. Chirevo chinoratidza kuchenjera chinoti: “Zvirongwa zvomunhu anoshingaira zvinobatsira, asi munhu wose anokurumidzira zvinhu achashayiwa njere.” (Zvirevo 21:5) Zvinhu zvikuru zvakadaro zvoupenyu zvinofanira kumbosiyiwa kusvikira kurwadziwa kwaserera.
Ungaomerwa chaizvo nokurongedza uye kuzogova zvinhu zvomumwe wako, kunyanya kana manga muri mose kwemakore akawanda, asi izvozvo chinhu chinoitika kana wafirwa. Kunonoka kuzviita kungangoita kuti utambure kwenguva refu. (Pisarema 6:6) Vamwe vanosarudza kurongedza zvinhu zvomufi vari voga; vamwe vanoona zvichibatsira kuva neshamwari yepedyo yokutaura nayo pfungwa dzingamuka pavanenge vachiita basa racho. Ungadawo kukumbira kubatsirwa neshamwari kana hama pakugadzirisa nyaya dzemapepa, dzakadai sokuwana gwaro rokufa; kuzivisa vehurumende nezvazvo, mabhengi; kuchinja mazita pazvinhu zvakadai seimba; kufambira nyaya dzemari dzokubasa; uye kubhadhara mari dzokuzvipatara.
Yeuka kuti tiri kugara munyika izere neunzenza. Iye zvino zvawava woga, kutamburira kuti urambe wakachena kungava muedzo chaiwo. Zvechokwadi, mashoko omuapostora Pauro anonyanya kushanda iye zvino kupfuura kare, okuti: “Mumwe nomumwe wenyu azive kudzora muviri wake oga muutsvene nokukudzwa, kwete pakuda kurara nomumwe munhu kworuchiva sezvinoitawo mamwe marudzi aya asingazivi Mwari.” (1 VaTesaronika 4:4, 5) Saka kuchenjera kusaona mafirimu, kuverenga mabhuku, uye nziyo zvinotaura nezverudo kana kuti kuita zvepabonde.
Chinotokosha ndechokuziva kuti zvinotora nguva, kuti uzonzwa zviri nani. Imwe magazini inonzi USA Today inoti ongororo dzakaitwa neUniversity of Michigan Institute for Social Research dzinoratidza kuti murume kana mudzimai anenge afirwa anoda mwedzi inenge 18 kuti atange kunzwa zviri nani. Nyengetera kuna Mwari kuti utsungirire, uye unobatsirwa kuwedzera kutsungirira nechibereko chomudzimu wake mutsvene. (VaGaratiya 5:22, 23) Nokufamba kwenguva ronda iroro rinoita richipora kunyange zvazvo iye zvino ungasafunga kuti ndizvo zvichaitika.
Zvakaitwawo Nevamwe
Anna akanga akaroorwa kwemakore 40 uye vachifara chaizvo. Asi kufa kwakaita murume wake munguva pfupi ichangopfuura kwakamurwadza chaizvo. Anoti, “Amai vakashaya ndine makore 13, kukatevera baba nehanzvadzi dzangu mbiri, ndikazofirwawo nemunin’ina wangu. Asi zvechokwadi, kunyange ndakambofirwa hangu, kufa kwomurume wangu kwakandirwadza zvokurwadza zviya. Zvakaita sokuti ndakanga ndachekwa nepakati.Ndakarwadziwa zvokushaya kuti ndoita sei.” Chii chakamubatsira kuderedza marwadzo acho? “Ndakagadzira bhuku rakakura retsamba dzandakatumirwa pakombiyuta uye rine makadhi. Bhuku racho rakazara nezvakataurwa nevamwe vachiratidza rudo uye kuonga unhu hwose hwakanaka hwaDarryl. Mumwe nemumwe ainyora chimwe chinhu nezvaDarryl chakasiyana nezvainyorwa nevamwe. Ndine chokwadi chokuti Jehovha anomuyeukawo uye kuti achazomumutsa.”
Esther ane makore 88 anotaura zvakamutsigira, achiti: “Pashure pemakore 46 ndine mumwe wangu, dambudziko guru randakazova naro nderokusurukirwa. Asi ndakaona kuti kugara ndichiita zvine chokuita nokunamata kwave kuchibatsira chaizvo. Handina kutanga kurovha misangano yechiKristu, kana kurega kuudza vamwe zvinotaurwa neBhaibheri, uye kuriverenga ini pachangu. Kusava zindoga kwakandibatsirawo. Ndinoedza kuva pamwe neshamwari dzinondipa nzeve. Kakawanda vanenge vasina chokundinyaradza nacho, asi ndinoonga chaizvo kuti vanondipa nguva yavo uye vanoteerera pandinenge ndichitaura.”
Robert, ane mudzimai akafa nekenza vava nemakore 48 varoorana, anorondedzera kuti: “Zvakaoma kutsungirira kufirwa nemumwe wako wawaikurukura naye, wawaibatsirana naye pakuronga zvokuita, wawaifamba naye parwendo uye kumazororo, uye wawaiudza zvainge zvaswera zvichiitika. Zvange zvakaoma chaizvo, asi ndakatsunga kusakanda mapfumo pasi asi kupfuurira noupenyu. Kugara ndiine zvokuita uye kuita zvinoita kuti pfungwa dzangu dzigare dzakabatikana kwakandibatsira. Munyengetero wakandibatsirawo chaizvo.”
Upenyu Hune Chinangwa Pashure Pokufirwa
Kunyange zvazvo kufirwa nemurume wako kana mudzimai wawaida kuri chimwe chezvinhu zvinorwadza chaizvo muupenyu, hazvirevi kuti ndiko kuguma kwenyika. Panewo zvimwe zvakanaka zvaungaita. Ungawana mukana wokuita zvimwe zvinhu zvawakanga usina nguva yokuti uzviite, zvakadai setumabasa twokuzvivaraidza natwo kana kuti kushanya. Zvinhu izvi zvingabatsira kuti usanyanya kuzvidya mwoyo. Vamwe vangatova nemukana wokuita ushumiri hwechiKristu zvakanyanya. Zvechokwadi uchawana mufaro uye kugutsikana kunobva pakubatsira vamwe nokuti Jesu akati: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.
Usafunga kuti hauchazombofi wakafara. Iva nechokwadi chokuti Jehovha Mwari anokutarisira kana ukamukumbira. Munyori wepisarema Dhavhidhi, akati: ‘Jehovha anobatsira chirikadzi.’ (Pisarema 146:9) Zvinonyevenutsa mwoyo kuziva kuti Bhaibheri haringotauri Jehovha sa“Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose” asi rinotiwo nezvaJehovha: Munopfumbanura ruoko rwenyu mogutsa zvinodiwa nezvinhu zvipenyu zvose.” (2 VaKorinde 1:3; Pisarema 145:16) Zvechokwadi, Mwari ane rudo, Jehovha, anokwanisa, anoda, uye akagadzirira kubatsira vaya vanoda rubatsiro rwake nemwoyo wose. Manzwiro aunoita ngaave sezvakaita vaIsraeri vekare, avo vakaimba vachiti: “Ndichasimudza maziso angu kuti nditarire kumakomo. Rubatsiro rwangu ruchabva kupi? Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha, Muiti wedenga nenyika.”—Pisarema 121:1, 2.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 19]
Mamiriyoni evanhu akasurukirwa uye akarwadziwa nokuti akafirwa newavakanga vakaroorana naye. Iwe wakafirwawo here?
[Bhokisi riri papeji 21]
Ko Nyaya Yokuroorazve?
Bhaibheri rinoratidza kuti mumwe wawakaroorana naye paanofa, zvinobva zvapa mukana wokuti uroorezve kana kuroorwazve. (1 VaKorinde 7:39) Kunyange zvakadaro, asara wacho ndiye anofanira kuzvisarudzira. Asi zvinokosha kuti vana vazive zvarongwa nemubereki wavo uye voita zvose zvavanogona kumutsigira. (VaFiripi 2:4) Somuenzaniso, pakutanga Andrés haana kufara nokuroorazve kwakaita baba vake. Aida amai vake chaizvo zvokuti akaona zvisingaiti kuti vatsiviwe nomumwe munhu. Anoti, “Asi ndakakurumidza kuona kuti zvakasarudzwa nababa vangu zvakanga zvakanaka. Kuroorazve kwakaita kuti vafare zvekare. Vakatanga kuita zvinhu zvavakanga vava nenguva vasingachaiti, zvakadai sokumbovhakacha. Zvechokwadi ndinotenda chaizvo mudzimai wavo mutsva nokutarisira kwaari kuita baba vangu zvakanaka.”
[Mifananidzo iri papeji 20, 21]
Kugara une zvakawanda zvokuita uye uchinyengetera kuna Mwari kuti utsungirire kuchakubatsira kuti unzwe zviri nani