RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 1/1 pp. 10-11
  • Abrahamu—Murume Aiva Nerudo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Abrahamu—Murume Aiva Nerudo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Abrahamu Aiva Ani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Jehovha Akamuti “Shamwari Yangu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Mwari Anoidza Kutenda kwaAbrahama
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Akaratidza Kuti Aiva Nekutenda
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 1/1 pp. 10-11

Abrahamu—Murume Aiva Nerudo

Abrahamu ari kushungurudzika chaizvo. Mudzimai wake waanoda zvikuru Sara, afa. Anonyanya kumufunga paanenge achimuviga. Shungu padzinomukurira, misodzi inotanga kuti mokoto-mokoto. (Genesisi 23:1, 2) Abrahamu haaoni kuchema sechinhu chinonyadzisa asi misodzi yake inoratidza rudo, hunova humwe unhu hwake hwakanaka chaizvo.

CHII CHINONZI RUDO? Rudo kufarira mumwe munhu zvakadzama zvinobva kutsi kwemwoyo. Munhu ane rudo anozviratidza nezvaanoitira vanhu vaanoda kunyange zvichireva kuti acharasikirwa nezvimwe zvinhu.

ABRAHAMU AKARATIDZA SEI RUDO? Abrahamu akaratidza kuti aida mhuri yake. Zviri pachena kuti aiva nezvakawanda zvokuita. Asi izvozvo hazvina kumutadzisa kuwana nguva yokutarisira mhuri yake pakunamata uye mupfungwa. Jehovha aitoziva kuti Abrahamu aiva musoro wemba waitungamirira mhuri yawo pakunamata. (Genesisi 18:19) Uyewo, Jehovha akataura zvakajeka nezverudo rwaiva naAbrahamu. Paaitaura naye nezvemwana wake Isaka, Mwari akamuudza kuti aiva ‘mwanakomana aidiwa kwazvo naAbrahamu.’—Genesisi 22:2.

Tinoonawo rudo rwaAbrahamu pane zvaakaita paakafirwa naSara, mudzimai wake waaida chaizvo. Abrahamu akahwihwidza achichema mudzimai wake. Haana kuona sokuti kuchema chinhu chinonyadzisa kana uri murume. Abrahamu akaratidza kuti aiva noushingi asiwo ari munyoro.

Abrahamu akaratidza kuti aida Mwari wake. Muupenyu hwake hwose akaratidza kuti aiva nerudo irworwo. Akazviratidza sei? Tinogona kufunga zvinotaurwa neBhaibheri pana 1 Johani 5:3 zvokuti: “Kuda Mwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake.” Abrahamu akatisiyira muenzaniso wakanaka chaizvo wokuda kwatingaita Mwari.

Pose paaipiwa mirayiro naJehovha, Abrahamu aikurumidza kuita zvose zvaainge audzwa. (Genesisi 12:4; 17:22, 23; 21:12-14; 22:1-3) Aiteerera pasinei nokuti mirayiro yacho yaiva nyore here kana kuti kwete, uyewo pasinei nokuti aisanzwisisa kuti ari kuzviitirei. Kuna Abrahamu izvozvo zvakanga zvisingakoshi. Aida kuita chero zvaaiudzwa naMwari wake. Aiona murayiro mumwe nomumwe waaipiwa somukana wokuti aratidze kuti anoda Jehovha.

TINODZIDZEI? Tinogona kutevedzera Abrahamu nokuratidza vamwe rudo, kunyanya vomumhuri medu. Hatifaniri kurega chipatapata choupenyu chichitishayisa nguva yokuva nevanhu vatinoda.

Zvakanakawo kuti tishande nesimba kuti tide Jehovha nemwoyo wose. Rudo irworwo runogona kutibatsira chaizvo muupenyu hwedu. Somuenzaniso, runogona kutikurudzira kuti tichinje unhu hwedu, matauriro uye zvatinoita kuti tifadze Mwari.—1 Petro 1:14-16.

Ndizvo hazvo kuti kuteerera mirayiro yaJehovha nguva dzose hakusi nyore. Asi tinogona kuva nechokwadi kuti iye akabatsira Abrahamu uye akamuti “shamwari yangu,” achatibatsirawo kuti timuteerere. (Isaya 41:8) Shoko rake Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Achaita kuti muve vakatsiga, achaita kuti muve vakasimba.” (1 Petro 5:10) Iyoyo ivimbiso inobaya mwoyo inobva kuShamwari yaAbrahamu yakavimbika.

[Bhokisi riri papeji 11]

Vanhurume Havafaniri Kuchema Here?

Vakawanda vangati hongu. Asi zvingavashamisa kuziva kuti Abrahamu aiva mumwe wevarume vanotaurwa neBhaibheri kuti vakasvimha misodzi pavakasangana nenhamo, kunyange zvazvo vakanga vakasimba uye vakatendeka. Vamwe vacho ndiJosefa, Dhavhidhi, muapostora Petro, vakuru veungano yeEfeso uyewo Jesu. (Genesisi 50:1; 2 Samueri 18:33; Ruka 22:61, 62; Johani 11:35; Mabasa 20:36-38) Saka zviri pachena kuti Bhaibheri haridzidzisi kuti vanhurume havafaniri kuchema.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe