RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/94 pp. 3-6
  • 1994 “Rutyo Rwoumwari” Kokorodzano Yoruwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 1994 “Rutyo Rwoumwari” Kokorodzano Yoruwa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Kokorodzano Yoruwa ya1996 Ye“Nhume Dzorugare rwaMwari”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Kokorodzano Yoruwa ya“Varumbidzi Vanofara” ya 1995
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Kokorodzano Yoruwa Yo“kutenda Shoko raMwari” ya1997
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Kokorodzano Dzoruwa Nedzamarudzi Akawanda Dze“nzira yaMwari Youpenyu” dza1998
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 7/94 pp. 3-6

1994 “Rutyo Rwoumwari” Kokorodzano Yoruwa

1 Vanhu vokutenda vakaratidzira “rutyo rwoumwari” kubvira panguva yaAbheri neyaNoa kusvikira kunguva ino. (VaH. 11:4, 7) Kushandisa rutyo rwoumwari kunoreva kuratidzira “rutyo noruremekedzo rukuru nokuda kwoMusiki norutyo rwakanaka rwokusamufadza.” (it-1 peji 818) Mukati maAugust naSeptember, ticharatidzira urwu ruremekedzo rukuru kupfurikidza nokupinda kwedu “Rutyo Rwoumwari” Kokorodzano Yoruwa. Uchavapo kuti ufarikanye purogiramu yose, kubvira parwiyo rwokuzarura kusvikira kumunyengetero wokupedzisira here?

2 Gore rimwe nerimwe tinosvika kokorodzano yoruwa nekariro yokudisa. Kunyange zvazvo nhamburiko yakati yomunhu oga nendyiko zvingabatanidzwa, zvikomborero zvichagamuchirwa zvakawanda. Tinodzokera kumusha nomufaro, tagutswa nokuvakwa mumudzimu. (Enzanisa na 1 Madzimambo 8:66.) Songaniro yacho inonyandura, uye kokorodzano yacho inogovera chinjo yomuitiro. Asi yeuka, tinoungana kuti tinamate Jehovha. Iye anotiraira kuita saizvozvo. Ari kutidzidzisa nzira yokuzvibetsera timene nayo.—Dheut. 31:12, 13; Pis. 122:1.

3 Purogiramu yacho ichavamba paChishanu pa 9:20 a.m. uye ichaguma paSvondo panenge pa 3:15 p.m. PaChitanhatu neSvondo, purogiramu ichatanga pa 8:30 a.m.

4 Ruremekedzo Rukuru nokuda kwaJehovha Runotisunda Kupinda: Pauro akapa zano vaKristu veHebheru ku“pa Mwari basa rinoyera norutyo rwoumwari norukudzo.” (VaH. 12:28, NW) Kokorodzano yedu yoruwa gore rino yakagadzirirwa kutibetsera kuita izvozvo chaizvo. Mhinganidzo dzingasanganwa nadzo idzo dzinoedza kutsunga kwedu kupinda. Dzingaratidzika kuva dzakafanana namakomo, asi nebetsero yaJehovha idzodzi dzinogona kukundwa. (Mat. 17:20) Kana usingakwanisi kuronga rivhi rako kuti ribatanidze kokorodzano yose, Chishanu mangwanani kusvikira kuSvondo masikati, wakasvika nokunyengetera mushandirwi wako kuti ukumbire nguva yokusashanda here?—Jak. 1:6-8.

5 Shandisa Zvakashandiswa Nokuda Kwemhindu: Ndizvakashandiswa nokuda kwemhindu zvipi izvozvo? Nguva nenhamburiko zvakapedzwa kuti upinde kokorodzano yacho. Kwaizova kusachenjera kuita rongedzero dzokungwarira dzokupinda kokorodzano yoruwa yegore rino ndokuzongodzokera bedzi kumusha Svondo manheru wapotsa chikamu chikuru chepurogiramu. Ungazvihesvura umene pakati pamabiko kuti utarisire zvimwe zvinhu here? Kwakacherekedzwa pakokorodzano shomanene gore rapfuura kuti vamwe vakabva pashure pamarusando amangwanani. Zvisinei, kukura kwedu kwomudzimu norutyo rwoumwari hazvifaniri kutibvumira kupotsa zvipi nezvipi zveizvo Jehovha akatigadzirira.—Enzanisa na 1 VaKorinte 2:9, 10.

6 Vazhinjisa vedu zvimwe vangasafunga nezvokukurumidza kubva. Kunyanguvezvo, tingagona kungopotsa chikamu chikuru chepurogiramu. Ikoku kungagona seiko kuitika? Kupfurikidza nokusaronga kwedu pachine nguva mberi kuva nechokwadi chokuti tinowana betsero hurusa mumativi anopiwa. Tinoda kuvamba zuva nokukurumidza zvakakwana kuti tive nechisvusvuro chakakwana nokutarisira zvimwe zvinhu zviri madikanwa kuti tigone kuva muzvigaro zvedu purogiramu isati yavamba. Kuwana kurara kwakanaka kwousiku kunokoshawo kuti tigova vakasvinura navanokwanisa kunangidzira ngwariro papurogiramu yezuva rakazara.

7 Mutoo wakabvumikiswa wokuwana nawo betsero hurusa mupurogiramu kunyorwa kwezvinonyorwa zvishoma. Kunokosha zvakafanana kuti vaduku vanyore zvinonyorwa sezvakuri nokuda kwavakura. Mumwe muparidzi ane makore 16 okukura anoti: “Ndinonyora magwaro anodudzwa mukati mehurukuro. Ipapo ndinogona kuhwirudzura hurukuro yacho kumusha.” Imwe pwere ine makore 16 inowedzera, kuti: “Ndinonyora mapfundo makuru. Kunochengeta ndangariro yangu yakanangidzirwa.” Kazhinji kazhinji zvaunoda bedzi chaizvoizvo nokuda kwepurogiramu yacho iBhaibheri rako, bhuku renziyo, bhuku rokunyora zvinonyorwa roukuru huri pakati napakati, uye peni kana kuti penzura. Chokwadika, vabereki vane vana vaduku vanofanira kutarisira zvinodikanwa zvavo, asi kwakanakisisa kusazvidzongonyedza timene navamwe namabhegi makuru okutonhodza nohuwandu hwakanyanyisa hwezvinhu zvomunhu oga.

8 Dzimwe hama dzinorekodha purogiramu, dzichishandisa rekodha yeaudiocassette kana kuti kamera yevhidhiyo, nokuda kwokuridzazve gare gare kumusha. Kana munhu achiita ikoku kana kuti kwete inhau yomunhu oga, asi chinoitika chavamwe ndechokuti kana vangodzokera bedzi kumuitiro wavo wenguva dzose, pane nguva shomanene yokuridzazve zvakarekodhwa. Mukuwedzera, mamwe mapfundo anokosha omuhurukuro angapotswa apo vanenge vachigadziridza chokurekodhesa.

9 Tinofanira kuita nhamburiko yapachokwadi yokuva pazvigaro zvedu purogiramu isati yavamba. Kunyange zvazvo tingava tiri pakati pokutsinhana zvinoitika zvinofadza neshamwari dzekare apo sachigaro anozivisa kuti purogiramu yava kudokuvamba, kunoratidza kuremekedza avo vari papurogiramu, uye hama dzedu dzose hadzo, kana tikagumisa kurukurirano yedu pakarepo ndokugara pazvigaro zvedu.

10 Kokorodzano dzoruwa nguva dzose inhambo dzinofadza nemhaka yechikomborero chikuru chaJehovha. Tinogamuchira dzose dziri mbiri betsero dzomudzimu nedzokunyama. Kunofanira kuyeukwa kuti ndyiko yakati inobatanidzwa mukurendwa kwenzvimbo yekokorodzano. Idzi nedzimwe ndyiko dzose dzinofukidzwa sei? Kupfurikidza nemipiro yedu yokuzvidira, nemari kana kuti zvimwe kupfurikidza necheki inoitwa kuti iripirwe ku“Watchtower.” Tapota tumiraiwo tsamba inoti: “Iyi ndeyendyiko dzeKokorodzano ye _________________________ .” Ikoku kunowirirana nomudzimu wePisarema 96:8, iro rinotikurudzira ku‘pa mbiri kuna Jehovha nokupinza chipo muvazhe dzake.’

11 Mufambiro Wako Uchaunza Rumbidzo Here? Gore rimwe nerimwe chinyorwa chaJuly choHushumiri Hwedu hwoUmambo chinotiyeuchidza nenzira yomutsa nezvoukoshi hwomufambiro wakanaka pakupinda kokorodzano yoruwa. Chokwadika, mufambiro wedu nguva dzose unofanira kuva womuenzaniso, asi apo tinenge takaungana muzviverengero zvikuru, kazhinji kazhinji tinoongororwa zvikuru naavo vari kunze kwezvokwadi. Mufambiro wedu, wakanaka kana kuti wakashata, ungataura zvinonzwika zvikuru kupfuura kuparidzira kwedu. Tinoda kuti Jehovha arumbidzwe kupfurikidza nezvatinotaura nokuita.—Zvir. 27:2; 1 Pet. 2:12.

12 Pashure po“Kudzidzisa Kwoumwari” Kokorodzano Yoruwa yegore rakapfuura, muchengeti pakamwe ketuhotera akati: “Ivava iboka rakanakisisa ravana randakafanira kuonga munguva refu.” Ipapo, pashure pokutsinhira pamusoro petsika dzakashata noumharadzi hwamamwe mapoka avanhu vaduku, akawedzera pamusoro pavana vari Zvapupu, kuti: “Vanozvibata zvakanaka uye mufarwa kuvapo. Ndinoshuva kuti kudai dzimwe kokorodzano dzinoitwa pano dzakafanana neino.”

13 Rimwe pepanhau rakaita iyi tsinhiro pamusoro pekokorodzano: “Vakadzi navasikana vakapfeka zvipfeko zvakaisvonaka, uye varume navakomana vakapfeka mabhachi netai. Vainyora zvinonyorwa nenzira yokudisa sezvo vaiteerera kumazuva mana avakurukuri. Uye kana rucheno rwuri pedyo noumwari, eya, Zvapupu zvaJehovha zvinosvitsa mufungo iwoyo kumwero mutsva.” Haisati iri mishumo yose yave iri yakanaka kudaro kunyanguvezvo.

14 Paimwe kokorodzano kwakashumwa kuti kwakanga kune kufamba-famba kwakanyanya zvikuru mukati mamarusando. Vanopfuura 1 000 (vakawanda vavo avo vakanga vari vana) vakaverengwa munharaunda dzaiva kure navateereri mukati mepurogiramu yeChitanhatu masikati, uko kwaizoratidzira kuti rovedzo yakawanda zvikuru netarisiro zvinodikanwa navabereki. Kufamba-famba nguva dzose munharaunda dziri pedyo kunoparira ruzha rwakanyanya urwo runotsausa kuavo vari kuedza kuteerera. Vashomanene vane zvinhu zviri madikanwa zvokutarisira mukati mepurogiramu, asi vasara vedu tose hatifaniri kuva pazvigaro zvedu here, tichisanoteerera?

15 Vabereki vazhinjisa vakasimba navana vavo pamusoro pokupinda misangano yeungano vhiki imwe neimwe. Havafaniri kuva vakasimba zvakaenzana apo kunouya kukuva nechokwadi chokuti vana vavo vanogara pedyo navo uye havafambi-fambi munharaunda yekokorodzano mukati mepurogiramu here? Nzvimbo yekokorodzano inoitwa kuti ive Horo yoUmambo huru, asi ino itsika yaSatani, uye kungava kuri nyore kuti vanhu vakaipa vapinde munharaunda yacho vane vavariro dzisina kufanira. MUNOFANIRA KUZIVA KUNE VANA VENYU NEZVAVARI KUITA PANGUVA DZOSE.

16 Mupfekero Norutsvindo: Tiri kurarama munguva umo chitarisiko chachero, kunyange chouyanga, chinorangarirwa sechinogamuchirika. Vanhu vakawanda vanopinda chechi nekonzati kana kuti kudya patuhotera vakapfeka zvachero zvikuru. Tsinhiro yanokorwa mashoko mundima 13 inoratidza kuti kune avo vachiri kuyemura mupfekero une chiremera, zvikurukuru pamusoro pokunamata kwakarurama. Mupfekero wouyanga, wachero norutsvindo rusina kufanira zvinotaura zvakawanda pamusoro pedu. Usatongokanganwa kuti nzvimbo yekokorodzano haichisiri nhandare yemitambo. Iyo iHoro yoUmambo yakafutunurwa. Vamwe vanopfeka nenzira yokuremekedza nokuda kwekokorodzano asi pashure pamarusando vanoenda kutuhotera twomunzvimbomo nokune dzimwe nzvimbo vakapfeka nenzira isina kukodzera kana kuti nenzira isina mwero.

17 Vanoda kubhapatidzwa vanofanira kuyeuchidzwa kuti zvipfeko zvokushambira nazvo zvakati hazvina kukodzera nokuda kwenhambo yacho. Chipfeko chacho chinofanira kuva chine mwero nechakanaka. Ndiani anofanira kusarudza ikoku? Vakuru vane mutoro wokuona kuti munhu upi noupi ari kubhapatidzwa anobva muungano yavo haapi chisakiso chipi nechipi chokugumbura. (2 VaK. 6:3, 4) Ikoku kungabvisa zvipfeko zvokushambira nazvo zvinoratidzira namaT-sheti ane ziviso dzenyika kana kuti kushambadza. Kwaizova kwakakodzera kuti vakuru vakurukure iyi nhau neanoda kubhapatidzwa apo vanenge vachihwirudzura mibvunzo iri mubhuku raHushumiri Hwedu.

18 Kudzika Musasa: Kuti dzideredze ndyiko dzepokugara dzimwe mhuri dzakakuwana kuchibetsera kuwana tende kana kuti karavhani. Vakawanda vane izvi zvinhu pasina panikiro vachashandisa nzvimbo dzavanhu kana kuti dzemanisipariti dzokudzika musasa.

19 Zvisinei, padzimwe kokorodzano mvumo yakawanwa yokumisa tende panzvimbo yacho chaipo. Chokwadika, tende dzingamiswa bedzi munharaunda yakagoverwa. Ndekwoukoshi hukuru kuti tende dzose dzive dzinotarisika nedzinochengetwa dzakatsvinda. Hapana zvitumba zvakagadzirwa nemabhegi epurasitiki kana kuti masaki zvichabvumidzwa. Pamwe pokugara pachawanikwa muzvitumba zvokurara.

20 Uko kudzika musasa kunobvumidzwa pakokorodzano tinoda kuchengeta tende nenharaunda yacho yose zvayo zvakachena uye zvakatsvinda kuti zvirege kuunza ruzvidzo rupi norupi pazita raJehovha. Nokuda kwekotsekano, hakuna mwoto ichabvumirwa muchikamu chokudzika musasa. Mwoto ichabvumirwa bedzi munharaunda dzakagoverwa chaizvo.

21 Tapota nzverai kana muchakwanisa kudzika musasa panzvimbo yekokorodzano musati maronga kuita kudaro.

22 Zvinhu Zvokurekodhesa: Sezvataurwa pakuvamba, kushandiswa kwechokurekodhesa, uye zvikurukuru marekodha ekaseti yevhidhiyo, chisarudzo chomunhu oga. Kana ukasarudza kurekodha, tapota ratidza kurangarira avo vakakupoteredza. Kungava kunotsausa kunyange apo kurekodha kwacho kunenge kuchiitwa uri pachigaro chako. Hapana munhu anofanira kudzikatidza vakokorodzani biyake apo anenge achitepa. Kupfuurirazve, hapana zvokurekodhesa zvorudzi rupi norupi zvinofanira kubatanidzwa netambo dzegetsi kana kuti dzegudzanzwi, uyewo hazvifaniri kuvhara munofambwa namo kana kuti nzira. Mukati mehurukuro, zvinoitika, nziyo, uye zvikurukuru minyengetero, tapota dzivisai kuita chinhu chipi nechipi chingatsausa ngwariro yavamwe vari kuteerera purogiramu. Kuva kwedu nomufungo nomufambiro wakaisvonaka zvicharatidzira rutyo rwedu rwoumwari.

23 Kugara: Zvinetso zvakabatanidzwa nokuchengeta zvigaro zvichiri kuda ngwariro. Zvakare tingada kuyeuchidza munhu ari wose, kuti: ZVIGARO ZVINGACHENGETERWA BEDZI MITEZO YEMHURI YENYU YAPEDYO NAVAPI NAVAPI VANGAVE VACHIFAMBA NEMI MUMOTOKARI YENYU. Tapota musachengeta zvigaro usiku hwose kana kuti pamberi pa 7:00 a.m. mangwanani mamwe namamwe. Hatifaniri kunzvera mwoyo wedu here muiyi nhau ndokufungisisa nheyo dziri muna VaFiripi 2:3, 4?

24 Kokorodzano imwe neimwe inoita gadziriro nokuda kwaavo vane zvinodikanwa chaizvo, zvakadai savakweguru navakaremara mumuviri. Tapota ivai nechokwadi chokusagara pazvigaro zviri muchimwe cheizvi zvikamu kana musingakwanirisi. Uyewo, ngwarirai kubatsira avo vane zvinodikanwa chaizvo kuti vawane chigaro kana vasingaperekedzwi nomumwe munhu ane mutoro wokutarisirwa kwavo.

25 Mabhuku Nezvokudya: Apo tinoungana nokuda kwekokorodzano yoruwa, tinofarikanya zvokudya zvokunyama nezvomudzimu zvakawanda. Zvose zviri zviviri zvinofanira kugamuchirwa nokuonga, pasina chinopambadzwa. (2 Mak. 31:10; Zvir. 3:10; Joh. 6:12) Tinoda kuratidza kuonga gadziriro dzose dzaJehovha here? Vabereki, vana venyu vanonzwisisa ukoshi hwokusapambadza zvokudya here? Munofanira kuvagadzira muenzaniso wakanaka.

26 Pana August 19, 1994, yokutanga ye“Rutyo Rwoumwari” Kokorodzano Dzoruwa ichavamba muZimbabwe. Munyengetero wedu wapachokwadi kuti Jehovha achakomborera nhamburiko dzenyu dzokuungana gore rino ndokudyiswa patafura yaJehovha yezvinhu zvakanaka pa“Rutyo Rwoumwari” Kokorodzano Yoruwa.

[Bhokisi riri papeji 6]

Zviyeuchidzo Zvekokorodzano Yoruwa

Tsika Dzakafanira: Kunokosha kuti vose vanopinda kokorodzano vachengete tsika dzakafanira, vachirangarira nenzira yokuremekedza nzvimbo yegungano se“imba yaMwari.” (Pis. 55:14) Kufamba-famba nenzira isiri madikanwa, kupfuuridzira kurukurirano, kana kuti kushandisa kamera dzinofurasha kana kuti rekodha dzevhidhiyo munzira inotsausa avo vari kuedza kupa ngwariro kwaisazova kuratidza ruremekedzo.

Pokurara: Dare reKokorodzano richaita gadziriro dzepokugara pakakodzera migariro yavo. Vachanyorera ungano yenyu vachigovera udzame pamusoro pegadziriro dzepokugara kana vasati vatoita kudaro. Tapota teverai nokungwarira mirairidzo yakadaro nokuda kwokufamba zvakanaka kwegungano. Pakokorodzano dzakawanda mupiro muduku unokarirwa nokuda kwepokugara penyu. Kuita kwenyu ikoku apo munenge muri kuungano yokumusha kwenyu kuti munyori atumire kukokorodzano kana kuti panzvimbo yekokorodzano, kuchabetsera mukubhadhara ndyiko dzekokorodzano uye kuchaongwa zvikuru kwazvo.

Mapurema Namapushchair: Mudzimwe nzvimbo izvozvi hazvigoni kushandiswa munzvimbo dzokuungana kwavose. Mitemo yemwoto inorambidza kuzvimisa mumikoto nemokufamba namo kana kuti pakati pemitsetse yezvigaro. Sezvo mapoka makuru angaparira migariro yokutsvikinyidzana, mapurema namapushchair sezvinobvira ane ngozi kwete bedzi kumwana asiwo kuvapi navapi vangagumburwa nazvo. Naizvozvo tapota musazviunza kunzvimbo yekokorodzano. Zvisinei, zvigaro zvavacheche kana kuti zvigaro zvomumotokari zvavana zvinotakurika zvinobvumidzwa, sezvo izvozvi zvichigona kusungirwa muzvigaro zviri pedyo navabereki. Batira pamwe yenyu muiyi nhau inoongwa.

Rubhapatidzo: Vanoda kubhapatidzwa vose vanofanira kuendeswa nomumwe wavakuru kuBATO RORUBHAPATIDZO nokuda kwokunyoresa. Ikoku kunofanira kuitwa pazuva rokutanga rekokorodzano kana kuti pakuvamba pazuva rechipiri. Vanoda kubhapatidzwa vanofanira kuva pazvigaro zvavo muchikamu chakagoverwa purogiramu isati yavamba paChitanhatu mangwanani. Kwakacherekedzwa kuti vamwe vanopfeka marudzi echipfeko asina chiremera neanoderedza ukoshi hwenhambo yacho. Chipfeko chokushambira nacho chine mwero netauro zvinofanira kuunzwa nomumwe nomumwe anoronga kubhapatidzwa. Pashure pehurukuro yorubhapatidzo nomunyengetero unopiwa nomukurukuri, sachigaro worusando achapa mirairidzo mipfupi kuvanoda kubhapatidzwa uye ipapo kukumbira rwiyo. Pashure pendima yokupedzisira, varindiri vachatungamirira vanoda kubhapatidzwa kunzvimbo yoruombeko. Sezvo rubhapatidzo muratidzirwo yetsauriro yomunhu iri nhau inokosha neyomunhu oga pakati pomunhu wacho naJehovha, hakuna gadziriro yorunonzi rubhapatidzo rwokubatana umo vanoda kubhapatidzwa vaviri kana kuti vanopfuura vanombundirana kana kuti kubatana maoko apo vanenge vachibhapatidzwa.

Makadhi Amabheji: Tapota pfekai kadhi rebheji ra 1994 pakokorodzano uye apo munenge muchifamba kuenda nokubva kunzvimbo yekokorodzano. Ikoku kazhinji kazhinji kunoita kuti kutibvirire kupa uchapupu hwakaisvonaka apo tinenge tichifamba. Sosaiti ichatumira ungano yenyu chiverengero chimwe chetecho chamakadhi amabheji nechemakopi amunogamuchira oHushumiri Hwedu hwoUmambo. Makadhi amabheji achachajwa kuakaundi yenyu yamabhuku pamasendi gumi namashanu rimwe.

Zivikanwo Yomunhu Oga: Mukuwedzera kukadhi rebheji ro“Rutyo Rwoumwari” Kokorodzano, mumwe nomumwe anokurudzirwa kuva nekadhi reMedical Directive paanenge ari. Mitezo yemhuri yeBheteri namapiyona vanofanirawo kuva namakadhi avo ezivikanwo.

Basa Rokuzvipira: Unogona kutsaura nguva yakati pakokorodzano kuti ubatsire murimwe ramapato here? Kubatira hama dzedu, kana kuri bedzi kwamaawa mashomanene, kunogona kuva kunobetsera zvikuru ndokuunza mwero wakanaka wegutsikano. Kana uchigona kubatsira, tapota shuma kuBato reBasa Rokuzvipira pakokorodzano. Vana vari pasi pamakore 16 ezera vanogonawo kuita betsero yakaisvonaka kupfurikidza nokushanda pasi penhungamiro yomubereki kana kuti mumwe akura ane mutoro.

Mashoko Enyevero: Kupfurikidza nokuramba takangwarira zvinetso zvinobvira, tinogona kuzvidzivirira timene chinetso chisiri madikanwa. Kazhinji kazhinji mbavha navamwe vanhu vakaipa vachabira vanhu vari kure nemhoteredzo yavo yokumusha. Ivai nechokwadi chokuti motokari yakakiyiwa panguva dzose, uye musatongosiya chinhu chipi nechipi chichioneka kuti chiedze mumwe munhu kuti apaze. Mbavha nemvangamakomwe vanowana mhindu yavo yakanakisisa pakuungana kukuru. Kwaisazova kuchenjera kusiya zvinokosha zvipi nezvipi zviri pachigaro chako. Haugoni kuva nechokwadi chokuti munhu ari wose ari makakupoteredza muKristu. Kugovererei muedzo upi noupi? Mishumo yakagamuchirwa yokuedza kwakaitwa navamwe vokunze kunyengera vana. RAMBAI MUCHIONA VANA VENYU PANGUVA DZOSE.

Tapota musaridzira runhare vatarisiri venzvimbo yekokorodzano muchitsvaka mashoko pamusoro pezvinhu zvipi nezvipi zvekokorodzano. Kana mashoko acho asingawanikwi kuvakuru, tapota nyorerai kuhofisi yedu pa 35 Fife Avenue, Harare.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe