Kokorodzano Yoruwa ya“Varumbidzi Vanofara” ya 1995
1 Zvikonzero zvingani zvatinazvo zvokufara? Zvimwe vashomanene vedu vakaedza kuzvironga zvose. Pasinei hapo nokurarama munyika yakavhiringidzika uye isina chokwadi, tine zvikonzero zvakawanda kwazvo zvokuva vanofara. Sezvakaziviswa mutsamba yedu yaMarch 15, 1995, “Varumbidzi Vanofara” ndiwo musoro unokurudzira wekokorodzano dzoruwa dza 1995.
2 Tinorumbidza Jehovha nemhaka yokuti iye akatidzidzisa zvokwadi. (Isa. 54:13; Joh. 8:32) Uyewo, tinogoverana nomufaro zvokwadi nevose avo vari kutsvaga chengeteko nomufaro. (Ezek. 9:4; Mabasa 20:35) Uhama hwedu hwechiKristu hunotiunzirawo mufaro. Mhuri yomudzimu ine rudo inounza gutsikano nomufaro. Izvi zvinongova zvishomanene chete zvezvikonzero zvomufaro izvo zvinotisunda kurumbidza Jehovha. Hurukuro dzekokorodzano uye mienzaniso zvichakwevera ngwariro yedu kuzvikonzero zvapaMagwaro zvokuwedzera zvomufaro muano mazuva anotambudza.
3 Kokorodzano Yamazuva Matatu: Wakaita gadziriro nomushandirwi wako yokuwana nguva yokusashanda kuti ugopinda mazuva ose matatu ekokorodzano here? Vabereki vane vana vanoenda kuchikoro avo vachava vachipinda imwe yekokorodzano apo chikoro chinenge chichiri kupfuurira mberi vanofanira kuzivisa vadzidzisi nenzira yokuremekedza kuti vana vachave vasiri kuuya kuchikoro neChishanu nokuda kworutivi urwu rwunokosha rwokunamata kwavo kworudzidziso. Tsamba yedu yaMarch 15 yakapa nzvimbo dzekokorodzano. Unokurudzirwa kupinda kokorodzano uko ungano yenyu yakagoverwa.
4 Purogiramu ichavamba paChishanu na 9:40 a.m. uye ichapera paSvondo panenge pa 2:50 p.m. PaChitanhatu, purogiramu ichatanga pa 9:30 a.m.
5 Uchavapo Here?: Tinokurudzirwa kupinda mazuva ose matatu ekokorodzano. Nei kwakadaro? Jehovha anoda kuti tivepo. Nhasi kutenda kwedu uye utano hwomudzimu zviri kudenhwa zvakakomba. Pauro akapa zano pamusoro “pokusarega kuungana kwedu” panguva apo vaKristu muJudhea vakanga vachiwana dzvinyiriro huru. (VaH. 3:12, 13; 10:25) VaFiripi vakanga vachigara “pakati porudzi rwakakombama, rwakatsauka.” Bva, ivo vakanga vachi“onekwa pakati parwo sezviedza panyika.” (VaF. 2:15) Nei ava vaKristu vezana rokutanga ramakore vakanga vakasiyana? Nemhaka yokuti vaitevera nokuteerera nhungamiro dzomudzimu mutsvene uyo wakavarayira kuti vasangane pamwe chete “kuti [va]ve norudo namabasa akanaka.”—VaH. 10:24.
6 Nyika yaizotipesvedzera neimwe nzira, ichinetesa chishuvo chedu chokusangana nehama dzedu ndokurumbidza Jehovha. Gore rino tinokumbirwa kutera kumudzimu waJehovha ndokufarikanya mazuva ose matatu ekokorodzano. Takatsunga kuvapo nemhuri yedu yose here? Tinofanira kusimbisa rudo rwedu uye kutenda pahwaro hwenguva dzose. Jehovha akagovera kokorodzano dzegore negore kutibetsera muna ikoku.
7 Enda Nepfuma Kumba: Ungawana sei zvakanakisisa pakokorodzano? Neshoko rimwe mhinduro ndi“kupa ngwariro.” Ikoku hakusi nyore munzanga yanhasi isingatani kunyanduka, inokurumidza zvikurusa. Vechiduku vane simba vangawana kupa ngwariro kwakaoma, asi idenho iyo tose zvedu tinotarisana nayo pakupinda kokorodzano yoruwa. Tichawana kupa ngwariro kuri nyore zvikuru kana tikaronga pachine nguva mberi. Zvibvunze umene, kuti, ‘Chii chiri musoro wekokorodzano?’ Fungisisa pauri! ‘Nei ndiri kuenda, uye chii chandichave ndichiita mukati mamazuva matatu? Madekwana angu achazadzwa nenhandaro, kana kuti ndakaronga nguva yakakwana yokuzorora uye kuhwirudzura mapfundo makuru ekokorodzano here?’
8 Nyaya yeNharireyomurindi yaFebruary 1, 1984, inoti “Unofungisisa kana kuti zvimwe haupi ngwariro?” yakapa zvikarakadzo zvinoverengeka pamusoro pokuwana zvakanakisisa pamusangano uye yakapa iyi mhedziso: “Murayiridzo wendangariro ndiwo zvichida pfundo rakakosha zvikuru.” Apo mukurukuri anovamba, kazhinji kazhinji tinopa ngwariro, asi zvichida pakati pehurukuro, tinorega ndangariro yedu “ichifamba-famba.” Tinogona sei kudzivisa ikoku kuitika?
9 Zvikarakadzo zvakagoverwa munguva yakapfuura zvinofanira kudzokororwa nemhaka yokuti izvo zvinoshanda. Kana kuchitongobvira, edza kuwana zororo rakakwana usiku humwe nohumwe. Ikoku hakuzati kuri nyore nguva dzose nemhaka yokuti kufamba kungabatanidzwa, uye kana uchigara panzvimbo yakagoverwa neDare reKokorodzano, haungarari nokukurumidza kana kuti kuzorora sezvawaizoita kumba. Kuronga kwakanaka kazhinji kazhinji kuchakubvumira kuwana zororo rinodikanwa.
10 Kunyora zvakapfava zvipfupi kwakabvumikisa kuva kwebetsero kukupa ngwariro. Kana ukaedza kunyora mashoko akawandisa, mamwe mapfundo anokosha angapotswa chose chose. Sechikarakadzo, nyora zvinyorwa nechinangwa chokugovera pfupiso yepurogiramu kumudzidzi weBhaibheri kana kuti mumwe munhu akaganhurirwa kumba. Kunyange zvazvo ungasava nemunhu akananga mumurangariro, uchava nechinangwa mukunyora zvinonyorwa, uye pashure pekokorodzano ungawana mikana yokupa mapfundo makuru epurogiramu apo unenge uchipupura namasanga kumitezo yemhuri isingadaviri. Kupfurikidza nokunyora zvinonyorwa uye kugoverana zvawanzwa, hauzati uchizokanganwa nokukurumidza mashoko acho. Kutaura kunowedzera kuchengeta.
11 Kunyange zvazvo muchikurudzirwa kuunza kudya kwenyu mumene, pachine ndyiko dzakati dzinobatanidzwa mukurendwa kwenzvimbo yekokorodzano, izvo kazhinji kazhinji zvinowanzobatanidza ndyiko yokuwedzera yegudzanzwi, mabhuku, uye zvichingunodaro. Idzi ndyiko dzinofukidzwa sei? Kupfurikidza nemipiro yedu yokuzvidira, ingava iri keshi kana kuti cheki inonyorerwa ku“Watch Tower Convention.” Ikoku kunotsinhirana naPisarema 96:8 uye 2 Makoronike 31:12.
12 Varumbidzi Vanofara Vanokudza Jehovha Kupfurikidza Nomufambiro Woumwari: Gore rapera tsinhiro dzinokurudzira pamusoro pomufambiro wedu dzakagamuchirwa dzichibva kuvashandi vepanzvimbo dzekokorodzano. Mumwe manija wehotera akati: “Mufaro nguva dzose kuva neZvapupu nemhaka yokuti izvo zvinoshivira uye zvinobatira pamwe uye zvinongwarira vana vazvo.” Mumwe mutungamiriri akati Zvapupu zvinoratidzika kuva zvinofara uye zvakarongeka zvikuru kwazvo kupfuura mamwe mapoka. Iye akati: “Tine nyunyuto shomanene uye zvinetso zvishoma kupfuura mapoka maduku zvikuru pavari.”
13 Nepo tichifara kunzwa tsinhiro dzinofadza pamusoro pomufambiro wedu, pachine dzimwe nharaunda umo tinofanira kushandira. Chinetso chakapfuurira kwamakore inhamba huru yehama dzinokurukura mumikoto uye panze penhandare munguva dzamarusando. Paimwe kokorodzano gore rapera, tsamba yakabva kumudzidzi weBhaibheri yakawanwa mubhokisi romupiro. Iyo yairava, kuti: “Handisati ndatongokatyamadzwa kwazvo nokushamiswa sezvandaitwa noruzha, mubato, kutaura, kusazvibata mumikoto mukati mehurukuro . . . Handisati ndava Chapupu, ndiri mumwe achiri kufunda uye kudzidza rutyo rwoumwari noruremekedzo.” Zvirokwazvo, hapana nomumwe wedu aizoda kusiya murangariro wokuti hationgi gadziriro dzaJehovha.
14 Panguva dzose tinofanira kuzvibvunza timene, kuti: ‘Ndiani wandinomirira, uye nei ndiri kupinda iyi kokorodzano?’ Umudzimu hwedu uye kuzvipira kwoumwari zvinoratidzirwa mukutaura kwedu, mufambiro, uye kuonga gadziriro dzomudzimu. (Jak. 3:13; 1 Pet. 2:2, 3, 12) Hama idzo dzakatsungirira makore eganhuriro nezvirambidzo kazhinji kazhinji dzinocherechedzwa kuva dzinopa ngwariro zvikuru uye dzinoremekedza pakokorodzano, dzichigara muzvigaro zvadzo, dzakanyura muhurukuro uye mienzaniso.
15 Rucheno: Iyi inharaunda yatinoda kupa ngwariro yakati. Pakokorodzano yegore rakapera, wakanzwa waodzwa mwoyo pamusoro pokuti zvimbudzi zvakasiyiwa zvakasviba sei here? Wakacherechedza kuwanda kwetsvina yaiva pose pose here? Nenzira inosuruvarisa tinofanira kubvuma kuti dzakawanda dzenzvimbo hadzina kuchengetwa dzakachena sezvataizoda, kana kuti kukarira kuvanhu vaJehovha.
16 Sosaiti yakatipa zviyeuchidzo zvakawanda pamusoro pedikanwo yokuva vakachena pose pari paviri pakokorodzano napamusha. Wakagamuchira iri zano nomwoyo wose here? Nepo nhamburiko iri yose ichiitwa kuva nechokwadi chokuti pane nzvimbo dzezvimbudzi dzakaringanira uye mabhini anowanika pakokorodzano, kunosarira kumumwe nomumwe wedu kuita rutivi rwedu mukuchengeta nzvimbo yekokorodzano yakachena. Tinokurudzira vabereki vose kupfuurira kurovedza vana vavo tsika dzoutsanana dzakanaka. Kuva kwedu vanhu vakachena uye vakatsvinda kuchakudza Jehovha uye kuchabetsera kuva kwedu “Varumbidzi Vanofara.”
17 Mupfekero Wako Norutsvindo Zvinopa Shoko: Pana 1 Samueri 16:7, tinoyeuchidzwa kuti “nokuti munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamwoyo.” Nokudaro, kazhinji kazhinji vanhu vanotirangarira pahwaro hwechitarisiko chedu. Mupfekero wedu norutsvindo zvinocherechedzwa zvikuru, zvikurukuru apo tinenge tichipinda kokorodzano nokuda kwokunamata uye murayiridzo mukurarama kwechiKristu. Kana uri munhu muduku ari kuenda kuchikoro kana kuti kana basa rako rokunyika richikuisa musonganiro yapedyo navanhu vanotevera zvitaira zvenyika, kungava denho kunamatira kumipimo yechiKristu yezvipfeko zvine mwero.
18 Mipimo yomupfekero norutsvindo inosiyana munyika yose. VaKristu vanokarirwa kupfeka zvipfeko zvine mwero, zvakarongwa zvakanaka. Ndiani anofanira kusarudza ikoku? Vabereki vanofanira kuva nechokwadi chokuti pwere dzavo hadzipfeki sepwere dzenyika kuchikoro. Nhungamiro dzinovaka dzakagoverwa kutibetsera kuita zvisarudzo zvakanaka muiyi nharaunda inotapura. Tinokurudzira kuhwirudzurwa kwenyaya yeMukai! yaFebruary 8, 1987, “Zvipfeko Zvinorevei Kwauri?” Chii chakacherechedzwa padzimwe dzekokorodzano dzedu gore rapera?
19 Pashure peimwe ye“Rutyo Rwoumwari” Kokorodzano Yoruwa, takagamuchira iyi tsinhiro: “Hama nehanzvadzi dzakavandudza nenzira yakati mukupfeka kwavo, rutsvindo, uye mufambiro pakokorodzano gore rino. . . . Pachine mamirire ezvinhu akati netsika izvo zvinoda imwe vandudziko yakati, zvisinei.” Pashure peimwe kokorodzano kwakashumwa kuti kupfeka kusina mwero kwaicherechedzwa zvikuru. Mushumo wacho wakadudza kuti kupfeka kwavamwe kwakanga kuchigumbura kune vamwe. Vamwe vokunze vakanga varipo vakacherechedzawo mupfekero usina mwero. Zvipfeko zvavamwe zvakanga zviri zvose zviri zviviri zvinoratidzira zvikuru nezvinobata zvikuru.
20 Vakawanda vehama nehanzvadzi vanopfeka zvipfeko zvine mwero, zvinoremekedzeka apo vanenge vari panzvimbo yekokorodzano. Gare gare, zvisinei, dzimwe hama nehanzvadzi, dzichiri dzakapfeka mabheji adzo, dzakanga dzakapfeka “majini ekare, zvikabudura zvipfupi, uye. . . . zvipfeko zvisina kutsvinda zvisina kufanira kuvanhu vaMwari.” Kana vakuru vakacherechedza kuti vamwe vane muitiro wokupfeka neiyi nzira mukati momubato wevaraidzo, kwaizova kwakakodzera kupa zano romutsa asi rakasimba kokorodzano isati yatanga kuti kupfeka kwakadaro hakuna kukodzera, zvikurukuru senhume dziri kupinda kokorodzano yechiKristu. Tapota hwirudzurai nevadzidzi venyu veBhaibheri avo vachave vachipinda kokorodzano nhungamiro pamufambiro nomupfekero sezvaoneswa pamusoro apa.
21 Pokuisa tende: Kuti dzideredze ndyiko dzepokugara dzimwe mhuri dzakakuwana kuchibetsera kuwana tende kana kuti karavhani. Vakawanda vane izvi zvinhu nenzira isingapokanwi vachashandisa nzvimbo dzokuisa tende dzavanhu kana kuti dzemanisiparati. Zvisinei, pane dzimwe kokorodzano mvumo yakawanwa yokuisa tende panzvimbo chaipo. Chokwadika, tende dzingamiswa bedzi munharaunda yakagoverwa. Ndekwoukoshi hukurusa kuti tende dzose dzive dzakanaka uye dzichengetwe dzakatsvinda. Hapana nzvimbo dzokugara dzinogadzirwa namabhegi epurasitiki kana kuti masaga dzichabvumidzwa. Pamwe pokugara pachawanika munzvimbo dzokurara.
22 Uko kuisa tende kunobvumidzwa pakokorodzano tinoda kuchengeta tende nenzvimbo yose yakachena uye yakatsvinda kuitira kuti tisaunza ruzvidzo rwupi norwupi pazita raJehovha. Nokuda kwechengeteko, hapana mwoto uchabvumirwa muchikamu chematende. Mwoto uchabvumidzwa bedzi munzvimbo chaidzo dzakagoverwa. Tapota nzverai kana muchakwanisa kudzika tende panzvimbo yekokorodzano musati maronga kuita kudaro.
23 Kamera uye Michina yokuRekodha: Kwakakodzera kugovera zviyeuchidzo zvomutsa pamusoro pekamera uye michina yokurekodha. Tapota yeukai, kana mukaronga kushandisa kamera, camcorder, kana kuti rudzi rwupi norwupi rwemichina yokurekodha, ratidzai kurangarira avo vakakupoteredzai. Kufamba famba mukati mamarusando kana kuti kurekodha uri muchigaro chako kungagona kuva kunotsausa kuvamwe. Hapana michina yokurekodha yorudzi rwupi norwupi inofanira kubatanidzwa negudzanzwi kana kuti michina yegudzanzwi uyewo michina yacho haifaniri kuvhara mikoto kana kuti munofambwa. Kana ukasarudza kutora mifananidzo kana kuti kurekodha mativi epurogiramu necamcorder kana kuti audiocassette inhau yomunhu oga. Mifananidzo uye kurekodha zvinogona kuunza yeuko dzinofadza apo zvinotariswa pamusi wapashure. Zvinhu zvose zvakadaro zvinofanira kushandiswa nomwero, munzira isingavhiringidzi vamwe kana kuti kukudzivisa kuwana betsero hurusa yakanakisisa yepurogiramu. Pashure pokunge wadzokera kumba, pachava nenguva yokuhwirudzura zvakarekodhwa here? Ungawana kuti kunyora zvinonyorwa kuchakwana.
24 Pokugara: Pakokorodzano Yoruwa yo“Rutyo Rwoumwari” ya 1994 wakacherechedza vandudziko munhau yokuchengeta zvigaro here? Fambiro mberi yakati yakaitwa, asi tichiri kuda kuziva nezveichi chiyeuchidzo: ZVIGARO ZVINGACHENGETERWA BEDZI MITEZO YEMHURI YENYU YAPEDYO UYE AVO MUNGAVA MUCHIFAMBA NAVO MUMOTOKARI YENYU. Tiripo savaeni veSosaiti. Mari yokurenda nhandare yacho yakabhadharwa kupfurikidza nemipiro yokuzvidira. Kwaizova kune rudo uye kurangarira kuchengeta chigaro icho tisina chokwadi kuti chichagarwa here? Nemhaka yenzvimbo yakaganhurirwa inowanika panzvimbo dzekokorodzano, munokurudzirwa kuunza zvigaro zvinopeteka zvenyu mumene, kana munazvo. Kana muchave muchizoshandisa sambureni, tapota ivai nechokwadi chokuti iyoyi haizati ichidzongonyedza avo vakagara shure kwenyu kana kuti kudzikatidza kuona kwavo.
25 Kokorodzano imwe neimwe inoita gadziriro nokuda kwaavo vane zvinodikanwa chaizvo, vakadai savakwegura nevakaremara. Tapota iva nechokwadi chokusagara zvigaro muchimwe cheizvi zvikamu kana musingakwanirisi. Uyewo ivai vakasvinurira kubetsera avo vane zvinodikanwa chaizvo kuwana chigaro kana vasingaperekedzwi nomumwe munhu anomutoro wokutarisirwa kwavo.
26 Kutarisira Zvinodikanwa Zvako Zvokudya Zvekokorodzano: Sezvakatsanangurwa mutsamba yedu yaMarch 15, 1995, Sosaiti iri kuedza kubva pakutsamira pabato rezvokudya kuti ifukidze ndyiko dzekokorodzano. Kumwero unobvira tingada kuti mhuri dzinobva muguta rekokorodzano dziunze zvokudya zvadzo uye zvinodikanwa zvadzo dzimene nezvinodikanwa zvokunwa kukokorodzano zuva rimwe nerimwe. Zvisinei, zvokudya zvichawanika nokuda kwehama dzinenge dzichirara panzvimbo dzekokorodzano. Tapota yeukai kuzivisa vadzidzi venyu veBhaibheri nezveidzi gadziriro kuitira kuti vagogona kuuya vakagadzirira.
27 Kungosimbisa chete mamwe mapfundo, muchada kuyeuka kuunza izvi zvinhu zvakarakadzwa nokuda kwokutindika masikati: zvokudya zvamasikati zvakapfava, zvishoma, uye zvinovaka muviri zvakafanana neizvo vanhu kazhinji kazhinji vaizoenda nazvo kubasa rokunyika, zvakadai semasangweji, zvakabhekwa, uye michero inotonhora. Zvokunwa zvingabatanidza tii, kofi, zvinwiwa, jusi yemichero, kana kuti mvura yomubhodhoro, muchokuisira chisingaputsiki kana kuti furasiki. Kugadzirira zvokudya zvakapfava kuchavimbisa kuti unorara panguva ine mufungo usiku humwe nohumwe. Kana macooler bag maduku ari madikanwa, achagamuchirika kana achizokwana kupinda pasi pechigaro chako. Zvisinei, hapana macooler bag epikiniki mahombe, zvinwiwa zvinodhaka, kana kuti zvokuisira zvegirazi zvinofanira kupinzwa munzvimbo yekokorodzano. Kudya kana kuti kutsenga-tsenga mukati memarusando epurogiramu zvinofanira kudziviswa. Ikoku kwaizoratidza kusaremekedza zvokudya zvomudzimu zviri kupiwa.
28 Nyevero yokuwedzera ndeyokuti hapana kubika kunofanira kuitwa panzvimbo yekokorodzano. Kwakanaka kurangarira pfundo rokuti nguva inobvumirwa nokuda kwokudya kwamasikati yakarongerwa kuti tidye zvokudya zvakapfava uye tifarikanye songaniro youmwari nehama dzedu nehanzvadzi. Savanhu vaJehovha, tinoziva kuti zvokudya zvomudzimu zvekokorodzano ndezvoukoshi hukuru mukuenzanisa nezvinhu zvokunyama, uye tinofanira kuronga nenzira inowirirana.
29 Pana August 25, 1995, yokutanga ye“Varumbidzi Vanofara” Kokorodzano Dzoruwa ichavamba muZimbabwe. Wakapedza gadziriro dzako, uye zvino wagadzirira kufarikanya mazuva matatu oushamwaridzani hunofadza uye zvinhu zvakanaka zvomudzimu here? Munyengetero wedu wapachokwadi kuti Jehovha achakomborera nhamburiko dzako dzokupinda kokorodzano yegore rino nehama nehanzvadzi dzako sezvatinofunga pamusoro penzira yokuva nayo varumbidzi vanofara vaJehovha.
[Bhokisi riri papeji 6]
Zviyeuchidzo zveKokorodzano Yoruwa
Rubhapatidzo: Vose avo vanoda kubhapatidzwa vanofanira kuendeswa nomumwe wavakuru kuBATO RORUBHAPATIDZO kunonyoresa. Ikoku kunofanira kuitwa pazuva rokutanga rekokorodzano kana kuti nokukurumidza pazuva rechipiri. Vanoda kubhapatidzwa vanofanira kuva muzvigaro zvavo pachikamu chakasarudzwa purogiramu isati yavamba paChitanhatu mangwanani. Kwakacherechedzwa kuti vamwe vanopfeka zvipfeko zvisina chiremera uye zvinotsausa panhambo yacho. Zvipfeko zvokushambira zvine mwero uye tauro zvinofanira kuunzwa nomumwe nomumwe ari kuronga kubhapatidzwa. Pashure pehurukuro yorubhapatidzo nomunyengetero unopiwa nomukurukuri, sachigaro worusando rwacho achapa mirayiridzo mipfupi kuvanoda kubhapatidzwa uye ipapo achakumbira rwiyo. Pashure pomutsara wokupedzisira, varindiri vachatungamirira vanoda kubhapatidzwa kunzvimbo yoruombeko. Sezvo rubhapatidzo muratidzirwo yokuzvipira kwomumwe rwuri nhau yomunhu oga pakati pomunhu mumwe nomumwe naJehovha, hapana gadziriro yerunonzi rubhapatidzo rweshamwari umo vanoda kubhapatidzwa vaviri kana kuti vanopfuura vanombundirana kana kuti kubatana maoko apo vanenge vachibhapatidzwa.
Makadhi Amabheji: Tapota pfekai kadhi rebheji ra 1995 pakokorodzano uye apo munenge muchifamba kuenda uye kubva kunzvimbo yekokorodzano. Ikoku kazhinji kazhinji kunokuita kuti kutibvirire kupa uchapupu hwakaisvonaka apo tinenge tichifamba. Makadhi amabheji nezvibatiso zvinofanira kuwanwa kupfurikidza neungano yenyu, sezvo zvisati zvichizowanika pakokorodzano. Sosaiti ichatumira ungano yenyu nhamba imwe cheteyo yamakadhi amabheji nemakopi amunogamuchira oUshumiri Hwedu hwoUmambo. Makadhi okuwedzera uye zvibatiso zvepurasitiki zvichafanira kuodhwa. Yeukai kutakura khadhi reAdvance Medical Directive/Release renyu razvino uno. Mitezo yemhuri yeBheteri uye mapiyona vanofanira kuva nemakadhi avo ezivikanwo.
Nzvimbo Dzokurara: Dare reKokorodzano richaita gadziriro dzepokugara pakakodzera migariro yavo. Kana ivo vasati vatodaro, ivo vachanyorera kuungano yenyu vachigovera udzame hune chokuita negadziriro dzepokugara. Tapota teverai mirayiridzo yakadaro nokungwarira nokuda kwokubudirira kwekokorodzano. Pakokorodzano dzakawanda zvikurusa mupiro muduku unokarirwa nokuda kwepokugara pako. Iwoyu uchaunganidzwa pamunosvika pakokorodzano uye uchaongwa kwazvo.
Mapurema namaPushchair: Mune dzimwe nzvimbo, izvozvi hazvigoni kushandiswa munzvimbo dzokuungana kwavose. Mitemo yemwoto inodzivisa kuzviisa munzira kana kuti pakati pezvigaro. Sezvo mapoka akawanda angaparira kumanikidzana, mapurema namapushchair ane ngozi zvikuru kwete bedzi kumwana asiwo kunaani naani angagumburwa nazvo. Naizvozvo tapota musazviunze kunzvimbo yekokorodzano. Zvisinei, zvigaro zvavana zvinobvumidzwa, sezvo izvi zvinogona kuiswa muzvigaro zviri pedyo nevabereki. Batira pamwe yenyu muidzi nhau inoongwa.
Basa Rokuzvipira: Unogona kutsaura imwe nguva yakati pakokorodzano yokubetsera murimwe ramabato here? Kubatira hama dzedu, kana kwamaawa mashomanene bedzi, kunogona kuva kunobetsera zvikuru uye kuunza gutsikano yakanaka. Kana uchigona kubetsera, tapota shuma kuBato Rebasa Rokuzvipira pakokorodzano. Vana vari pasi pamakore 16 ezera vanogonawo kuita mupiro wakaisvonaka kupfurikidza nokushanda munhungamiro yomubereki kana kuti mumwe mukuru akavimbika.
Mashoko Enyevero: Kupfurikidza nokuramba takasvinurira kuzvinetso zvinobvira, tinogona kuzvidzivirira timene chinetso chisiri madikanwa. Kazhinji kazhinji mbavha nevamwe vanhu vasina tsika vachasvika pavanhu avo vari kure nomugariro wenharaunda yomusha wavo. Iva nechokwadi chokuti motokari yako yakakiiwa nguva dzose, uye usatongosiya chinhu chipi nechipi chichioneka kuti uedze mumwe munhu kuti apaze. Mbavha uye mvakamakomwe vanonangidzira ngwariro yavo pakuungana kukuru. Kwaisazova kuchenjera kusiya zvinhu zvipi nezvipi zvinokosha pachigaro chako. Haugoni kuva nechokwadi chokuti munhu ari wose akakupoteredza muKristu. Neiko kupa muedzo upi noupi? Mishumo yakagamuchirwa kuti kuedza kwakaitwa nevamwe vokunze kuba vana. ZIVAI KUNA VANA VENYU PANGUVA DZOSE.
Tapota musaridza runhare kuvanotarisira nhandare yekokorodzano muchitsvaka mashoko pamusoro penhau dzipi nedzipi dzekokorodzano. Kana mashoko asingawaniki kuvakuru, tapota nyorerai Sosaiti.