RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/97 pp. 3-6
  • Kokorodzano Yoruwa Yo“kutenda Shoko raMwari” ya1997

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kokorodzano Yoruwa Yo“kutenda Shoko raMwari” ya1997
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Kokorodzano Yoruwa ya1996 Ye“Nhume Dzorugare rwaMwari”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Kokorodzano Dzoruwa Nedzamarudzi Akawanda Dze“nzira yaMwari Youpenyu” dza1998
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Kokorodzano Yoruwa ya“Varumbidzi Vanofara” ya 1995
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Kokorodzano Dzeruwa dze“Shoko raMwari Rouprofita” dza1999
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 7/97 pp. 3-6

Kokorodzano Yoruwa Yo“kutenda Shoko raMwari” ya1997

1 Muapostora Pauro akayeuchidza Timotio kuti “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari.” (2 Tim. 3:16) Sezvo Shoko raMwari rakafuridzirwa, tine chikonzero chiri chose chokuva nokutenda mariri. Musoro wekokorodzano yoruwa yegore rino unoti “Kutenda Shoko raMwari.” Purogiramu yacho ichasimbisa kutenda kwedu muBhaibheri, tingava takaziva chokwadi kwemakore akawanda kana kuti tichangobva kupinda musangano raJehovha. Tose zvedu tinofanira kuronga kupinda purogiramu yose. Kuchava kunovaka sei kana vanhu vachangobva kufarira, zvikurukuru vatinofunda navo Bhaibheri, vakapinda nesu!

2 Kokorodzano Yemazuva Matatu: Gore rino kokorodzano yemazuva matatu yakarongwa nokuda kwokubetserwa kwedu. Tsamba yeSosaiti yaMarch 23, 1997, yakaronga kokorodzano gumi dzichaitirwa muZimbabwe. Kusvika panguva ino makaziviswa kokorodzano yakagoverwa dunhu kana kuti ungano yenyu, uye munofanira kuve makaita gadziriro chaidzo dzokupinda mazuva ose matatu epurogiramu yacho. Makataura nemushandirwi wenyu here kuti muwane nguva inodikanwa yekusava pabasa? Kana mune vana vanoenda kuchikoro uye kokorodzano yenyu ichiva mukati menguva yekuenda kuchikoro, makazivisa vadzidzisi vavo nomutsa kuti vana venyu vachave vasipo nemusi weChishanu nokuda kweurwu rutivi runokosha rwerovedzo yavo yorudzidziso here?—Dheut. 31:12.

3 Purogiramu ichavamba na9:30 a.m nemusi weChishanu neChitanhatu uye na8:30 a.m. nemusi weSvondo. Tapota cherekedzai kuti hapana zvigaro zvingachengetwa usiku. Tinofanira kuratidza mutsa kuhama dzedu dzakura uye ndonda kupfurikidza nokusiya zvigaro zviri munzvimbo dzinosvikika zvikuru uye zvakanaka zvisina kugarwa.—VaF. 2:4.

4 Ita Zvakanaka Kupfurikidza Nokuteerera: Muapostora Petro akayeuchidza vaKristu vemuzana rekutanga remakore kuti vaizoita zvakanaka kuteerera shoko rechiporofita serambi rinopenya munzvimbo ine rima. (2 Petro 1:19) Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi kwatiri. Kurarama munyika ino iri pasi poudzori hwaSatani kwakafanana nokuva munzvimbo ine rima. Tinoonga kuti takadanwa kubva murima romudzimu. (VaK. 1:13; 1 Pet. 2:9: 1 Johane 5:19) Kuti tirambe tiri muchiedza, tinofanira kuchengeta kutenda kwedu kwakasimba kupfurikidza nokuteerera Shoko rakafuridzirwa raJehovha. Kokorodzano yedu yoruwa gore rino ichatikurudzira kuita izvozvo chaizvo.

5 Nhamburiko yedu ingadikanwa kana tichizopa ngwariro papurogiramu, asi zvirokwazvo tichakomborerwa nokuda kwokuita saizvozvo. Tinofanira kuvavarira kuuya kunzvimbo yekokorodzano tazorora zvakanaka kuitira kuti tive vakamuka mukati memarusando. Bvumira nguva yakakwana yekuenda kunzvimbo yekokorodzano zuva rimwe nerimwe kuitira kuti uve pachigaro chako purogiramu isati yavamba. Ipapo kumbanira murwiyo rwokuzarura nomunyengetero pakutanga kwepurogiramu yezuva rimwe nerimwe. Vakura vanofanira kugadza muenzaniso, uye vabereki vanofanira kurovedza vana vavo.—VaEf. 6:4.

6 Kana tikatarira misoro yehurukuro purogiramu yezuva racho isati yavamba, tinogona kuedza kukarira kuti mapfundo api angabudiswa mukati merusando irworwo. Ikoku kuchawedzera fariro yedu mumashoko acho apo anopiwa. Tingatsvaka mapfundo achatibetsera kutaura kuvamwe chikonzero nei tichidavira Mwari nechipikirwa chake chechokwadi chokutusa avo vanomutsvaka zvepachokwadi. (VaH. 11:1, 6) Kwakarumbidzwa kuti tiite zvinonyorwa zvipfupi zvichatibetsera kuyeuka mapfundo makuru epurogiramu. Kana tikanyora zvakawandisa, tingarasikirwa nemapfundo anokosha nemhaka yokuti tinenge takanyanyobatikana mukunyora.

7 Gore rapfuura vakura vakawanda nepwere vakacherekedzwa zvekare vachidzungaira nomumikoto, vachimira-mira kunze, uye vachitaura nevamwe apo purogiramu yakanga ichipfuurira, panzvimbo pokuteerera kuizvo “muranda wakatendeka, wakangwara” akanga agovera kuti tibetserwe. Jesu akavimbisa kutipa zvokudya zvomudzimu panguva yakafanira. (Mat. 24:45-47) Naizvozvo, tinofanira kuvapo kuti tibetserwe nezvokudya izvozvo uye tisaratidza kusaonga. (2 VaK. 6:1) Kunoratidzikawo kuti apo vamwe vana vanofinhikana, kakawanda vanokumbira kuenda kuchimbudzi sepembedzo yekusimuka ndokufamba-famba. Rovedzo yakafanira pamusha kazhinji kazhinji ichaita kuti kuenda kuchimbudzi kwakawanda kusave madikanwa. Padzimwe nguva, pwere dzakura dzinogara pamwe chete kwadzo dzoga, dzichitaura, kuita zevezeve, uye dzichinyorerana zvinonyorwa. Vaduku vedu, avo vanotarisana nedzvinyiriro dzakawanda nhasi, vanofanira kuteerera mashoko anenge achipiwa, kwete kuita zvimwe zvinhu mukati mepurogiramu. Zvishuvo zvoupwere zvisingatsinhirane nenheyo dzeBhaibheri zvinofanira kudziviswa. (Enzanisa na2 Timotio 2:22.) Kuteerera kwavose, vakuru nevaduku, kuchakudza Jehovha ndokumuita kuti afare.

8 Kana kukava madikanwa kuti mumwe wevarindiri ape zano ani naani muidzi nhau, rinofanira kugamuchirwa segadziriro yerudo inobva kuna Jehovha. (VaG. 6:1) Vose vanofanira kuyeuka kuti chikonzero chatinoitira nhamburiko dzokupinda kokorodzano ndechokuti ti‘teerere ndokudzidza.’ (Dheut. 31:12) Uyewo, “munhu akachenjera achanzwa uye achagamuchira kurayirwa kwakawanda.” (Zvir. 1:5, NW) Munguva yasara musati mapinda kokorodzano, kurukurai semhuri kudikanwa kwokugara pamwe chete muvateereri, kuramba makagara mukati mepurogiramu, uye kuteerera nokudisa, kuitira kuti mubetserwe zvakazara nepurogiramu.

9 Kushonga Kunofadza Jehovha: Vanhu vaJehovha vari kutarirwa nenyika yose. (1 VaK. 4:9) Tinogarocherekedzwa nokuda kwemupimo wedu wakaisvonaka wekupfeka nokushambidzika. Kushandisa nheyo dzeMagwaro dzinowanwa pana 1 Timotio 2:9, 10 uye pana 1 Petro 3:3, 4 kwakaguma nechinjo huru muchitarisiko chevakawanda zvichienzaniswa nezvavaiva apo vakatanga kusonganirana neungano yechiKristu. Ikoku kunopesana zvikuru nemipimo iri kuderera zvishoma nezvishoma yemupfekero nokushambidzika yatinoona munyika. Tinoda kungwarira kuti tisafanana nenyika muchitarisiko chedu—kupfeka zvipfeko zvinoshamisira, kutsigira mafashoni enyika mukugadzira vhudzi, kana kuti kupfeka zvisina mwero. Mupfekero wedu womuenzaniso nokushambidzika zvinofanira kubetsera vatsva vanopinda kokorodzano yacho kuona kuti vaKristu vanofanira kuzvishongedza sei.

10 Nepo murangariro wevakawanda wakavapo semugumisiro wekokorodzano dzegore rapfuura wakanga wakanaka, kupfeka kwenyika nokushambidzika zvinopfuurira kuva chinetso kudzimwe hama nehanzvadzi, zvikurukuru kana marusando apera. Apo tinenge tichiita gadziriro dzedu dzokupinda kokorodzano, tinofanira kuzvinzvera mumupfekero wedu nokushambidzika. Vabereki, tarisirai nokungwarira izvo vana venyu vaduku nepwere vachapfeka. Ivai nechokwadi chokuti hatisi kubvumira zvitayera zvenyika nemafashoni kuva netapuro yakaipa pachitarisiko chedu chechiKristu.

11 Mufambiro Wako Uchaunza Rumbidzo Here? Gore rimwe nerimwe chinyorwa chaJuly cheUshumiri Hwedu hwoUmambo chinotiyeuchidza nomutsa ukoshi hwemufambiro wakanaka patinenge tichipinda kokorodzano yoruwa. Chokwadika, mufambiro wedu nguva dzose unofanira kuva womuenzaniso, asi patinoungana munhamba huru, kazhinji kazhinji tinocherekedzwa zvikuru neavo vasiri muchokwadi. Mufambiro wedu, wakanaka kana kuti wakaipa, ungataura zvakawanda zvikuru kupfuura kuparidza kwedu. Tinoda kuti Jehovha arumbidzwe nezvatinotaura nokuita.—Zvir. 27:2; 1 Pet. 2:12.

12 Pashure peimwe kokorodzano yoruwa, murindiri wepaimwe hotera akatsinhira kuti: “Iri ndiro boka repwere dzakaisvonakisisa dzandati ndamboona munguva refu zvikuru.” Ipapo, pashure pokutsinhira pamusoro petsika dzakaipa nokuparadza kwemamwe mapoka evanhu vaduku, akawedzera pamusoro pevana veZvapupu kuti: “Vanozvibata zvikuru uye zvinofadza kuva navo. Ndinoshuva kuti dai kumwe kuungana kunoitirwa pano kwaiva kwakafanana nouku.”

13 Mumwe munyori wemupepanhau achinyora mupepanhau rake akataura izvi pamusoro pekokorodzano yacho: “Vakadzi nevasikana vakanga vakapfeka marokwe akaisvonaka, uye varume nevakomana vakanga vakapfeka mabhachi netai. Vainyora zvinonyorwa nokudisa sezvo vaiteerera mazuva mana evakurukuri. Uye kana rucheno ruri pedyo noumwari, eya, Zvapupu zvaJehovha zvakashandisa murangariro iwoyo nenzira yakakwirira.” Kunyange zvakadaro, haisi mishumo yose yave yakanaka zvakadaro.

14 Vabereki vazhinjisa vakasimba kuvana vavo pamusoro pokupinda misangano yeungano vhiki imwe neimwe. Havafaniri kuva vakasimba zvakafanana here pakunouya kukuva nechokwadi chokuti vana vavo vanogara pedyo navo uye havafambi-fambi nomumikoto mukati mepurogiramu? Nzvimbo yekokorodzano inochinjwa kuva Horo yoUmambo huru, asi ino itsika yaSatani uye kungava nyore kuti vanhu vasina tsika vapinde muchivako kana kuti nzvimbo yacho vane vavariro dzisina kufanira. NGUVA DZOSE MUNOFANIRA KUZIVA KUNE VANA VENYU UYE ZVAVARI KUITA.

15 Kufukidza Ndyiko Dzekokorodzano: Tose zvedu tichava nendyiko dzine chokuita nokupinda kokorodzano. Kune imwe ndyiko yatinoita zvakanaka kurangarira. Nzvimbo dzinoitirwa kokorodzano dzinodhura. Kune dzimwewo ndyiko dzinofanira kutarisirwa. Mipiro yedu yorupo yokuzvidira pakokorodzano inoongwa zvikuru.—Mabasa 20:35; 2 VaK. 9:7, 11, 13.

16 Pokugara: Nhungamiro dzakapiwa kwemakore akati dzichapfuurira kushanda, dzokuti, ZVIGARO ZVINGACHENGETERWA BEDZI MITEZO YENYU YEMHURI YEPEDYO UYE VAPI NEVAPI VANGAVE VACHIFAMBA NEMI MUMOTOKARI YENYU. Kwakanaka kuona kuti vakawanda vave vachiteerera idzi nhungamiro mumakore achangobva kupfuura, uye ikoku kwakasimudzira mudzimu worudo unoratidzirwa pakokorodzano. Panzvimbo zhinjisa zvimwe zvigaro zvinosvikika zviri nyore zvikuru kupfuura zvimwe. Tapota ratidzai kurangarira, uye siyirai zvigaro zvinosvikika zvikuru kuavo vanozvida nemhaka yemamiriro avo ezvinhu.

17 Makamera, Mavhidhiyo Maduku, uye Matepi Ekurekodha: Makamera nemidziyo yekurekodha zvingashandiswa pakokorodzano. Zvisinei, kuzvishandisa kwedu hakufaniri kudzongonyedza vamwe vari muvateereri. Hatifaniri kufamba-famba mukati memarusando tichitora mifananidzo, sezvo izvozvo zvingavhiringidza vamwe vari kuedza kuteerera purogiramu. Hakuna michina yekurekodha yorudzi rwupi norwupi inofanira kubatanidzwa kumidziyo yemagetsi kana kuti gudzanzwi, uye iyi midziyo haifaniri kuvhara munofambwa namo, nzira, kana kuti kudzikatidza vamwe.

18 First Aid: Dhipatimendi reFirst Aid nderekurapa kwekukurumidzira bedzi. Harikwanisi kutarisira vanorwara zvakakomba. Ndicho chikonzero nei muchifanira kurangarira zvinodikanwa zvenyu zveutano nezvemhuri yenyu pachine nguva mberi. Tapota uyai nemishonga yenyu inonyaradza marwadzo, zvinoyamura kugaya zvokudya, mabhandeji, zvipeneti, nezvimwe zvakafanana, sezvo zvinhu zvakadaro zvisati zvichizowanika pakokorodzano. Vapi nevapi vanoziva kuti vane ngozi yekubatwa nepfari, kupererwa neshuga mumuviri, zvinetso zvemwoyo, zvichingodaro, vanofanira kufanofunga zvinodikanwa zvavo kusvika kutambanuko inobvira. Vanofanira kuva nemishonga inodikanwa, uye mumwe mutezo wemhuri kana kuti weungano unonzwisisa mugariro wavo unofanira kuva navo panguva dzose kuti ugovere betsero ipi neipi inodikanwa. Zvinetso zvakamuka pakokorodzano apo vanhu vane zvinetso zvourwere zvinopfuurira vakasiyiwa vari voga uye vakatanga kurwara. Vanotarisira kokorodzano vaitofanira kudana vebasa rokurapa rekurumidziro kuti vavaendese kuchipatara. Kana vamwe vane zvinodikanwa chaizvo zveutano vasina mitezo yemhuri inogona kuvabetsera, vakuru veungano yavo vachafanira kuziviswa nezvemamiriro ezvinhu uye kuita gadziriro dzinokosha dzokubetsera. Hapana gadziriro ichaitwa pakokorodzano yemakamuri chaiwo okugara kuavo vanorwariswa nezvinhu zvisingawirirani nemiviri yavo.

19 Zvokudya Pakokorodzano: Kusava nezvokudya pakokorodzano kwakaita kuti vakawanda vasununguke mumarusando ose kuti vape ngwariro pazvokudya zvomudzimu. Kuonga kwakati nokuda kwouku kupfavisa kwakagamuchirwa kubvira apo iyi gadziriro yakatangwa. Vose vanofanira kuronga kuunza zvokudya zvavo zvinogutsa, zvinovaka nokuda kwezvokudya zvemasikati. Hapana zvokuisira zvemagirazi uye hapana zvinwiwa zvinodhaka zvinofanira kuunzwa kunzvimbo yekokorodzano. Vamwe muvateereri vakaonekwa vachidya nokunwa mukati mepurogiramu. Kuita izvi kusaremekedza. Uko kune nzvimbo dzebhizimisi dzokudyira mukati menzvimbo yekokorodzano kana kuti kune vatengesi kunze, dzimwe hama dzakaonekwa dzichitenga muidzi nzvimbo mukati mepurogiramu. Muitiro wakadaro hauna kufanira.

20 Kusimbisira mifungo yakati, zvinhu zvinotevera zvokuuya nazvo zvinokarakadzwa nokuda kwezvokudya zvemasikati: masangweji akatonhora, zvinhu zvakabhekwa, uye michero yakanaka. Zvinwiwa zvingabatanidza tii, kofi, donhodzo, michero yakasvinwa, kana kuti mvura yemumabhodhoro, muchokuisira chisingaputsiki kana kuti furasiki. Kugadzira zvokudya zvakapfava kuchaita kuti muende kunorara panguva ine mufungo usiku humwe nohumwe. Mabhegi okutonhodza anofanira kuva maduku zvakakwana kugadzika pasi pechigaro chenyu. Zvisinei, hapana mabhokisi okutonhodza makuru epikiniki anofanira kuunzwa kunzvimbo yekokorodzano.

21 Imwe nyevero yokuwedzera ndeyokuti hapana kubika kunofanira kuitwa panzvimbo yekokorodzano, kunze kweuko kunoitwa munhungamiro yekuronga kwekokorodzano. Kwakanaka kuyeuka kuti nguva inobvumirwa nokuda kwezvokudya zvemasikati yakarongwa kuitira kuti tigone kudya zvokudya zvakapfava ndokufarikanya songaniro youbati ushe hwaMwari nehama dzedu nehanzvadzi. Sevanhu vaJehovha, tinoziva kuti zvokudya zvomudzimu pakokorodzano ndezvoukoshi hwokutanga mukuenzaniswa nezvinhu zvokunyama, uye tinofanira kuronga nenzira inowirirana.

22 Tinofara sei kuti Kokorodzano Dzoruwa dzo“Kutenda Shoko raMwari” dzichatanga nokukurumidza. Tose zvedu tinoda kuva nechokwadi chokuti gadziriro dzedu dzakaitwa dzokupinda purogiramu yose, kuitira kuti tigone kufarikanya zvakazara madyo omudzimu ayo Jehovha akatigadzirira kupfurikidza nesangano rake. Nenzira iyoyo tichava “[v]akagadzirirwa kwazvo mabasa ose akanaka” mumazuva ari mberi.—2 Tim. 3:17.

[Bhokisi riri papeji 6]

Zviyeuchidzo Zvekokorodzano Yoruwa

Rubhabhatidzo: Vose vanoda kubhabhatidzwa vanofanira kuendeswa nemumwe wevakuru kuBATO RERUBHABHATIDZO kunonyoreswa. Izvi zvinofanira kuitwa pazuva rokutanga rekokorodzano kana kuti nokukurumidza pazuva rechipiri. Vanoda kubhabhatidzwa vanofanira kugara muchikamu chakasarudzwa purogiramu isati yavamba nemusi weChitanhatu mangwanani. Zvokushambira nazvo zvine mwero netauro zvinofanira kuunzwa nemunhu wose anoronga kubhabhatidzwa. Munguva yakapfuura vamwe vakapfeka zvipfeko zvakanga zvisina kufanira uye zvakarerutsa nhambo yacho. Vakuru vanohwirudzura mibvunzo iri mubhuku raHushumiri Hwedu nevanoda kubhabhatidzwa vanofanira kuva nechokwadi chokuti mumwe nomumwe anonzwisisa iyi mifungo. Pashure pehurukuro yorubhabhatidzo nomunyengetero unopiwa nomukurukuri, sachigaro werusando rwacho achasuma rwiyo. Pashure pendima yokugumisa, varindiri vachatungamirira vanoda kubhabhatidzwa kunzvimbo yorubhabhatidzo. Rubhabhatidzo mukuratidzira tsauriro yemunhu inhau inokosha uye yemunhu oga pakati pemunhu wacho naJehovha. Nokudaro, hakuna kufanira kuti vanoda kubhabhatidzwa vambundirane kana kuti kubatana maoko apo vanenge vachibhabhatidzwa.

Mabheji: Tapota pfekai bheji ra1997 nguva dzose pamunenge muri muguta rekokorodzano uye pamunenge muchifamba pakuenda nokudzoka kukokorodzano. Ikoku kakawanda kunotipa mikana yokupa uchapupu hwakaisvonaka. Mabheji nezvibatiso zvinofanira kuwanwa kupfurikidza neungano yenyu, sezvo zvisati zvichizowanika pakokorodzano. Musamirira kutozosvikira mazuva mashomanene kokorodzano isati yavamba kuti mukumbire makadhi enyu uye emhuri yenyu. Yeukai kutakura Advance Medical Directive/Release Card renyu razvino uno.

Pokugara: Mutsamba yeSosaiti yaMarch 23, 1997, zvakataurwa kuti pazvinobvira, vaparidzi vanokarirwa kuzvirongera pokugara pavo. Ikoku imhaka yokuti zvinodhura zvikuru kuhaya nzvimbo dzokurara panzvimbo dzekokorodzano. Kana vaparidzi vachigona kuwana pokugara kushamwari kana kuti kuhama, tinodavira kuti izvozvi zvichava zvisingadhuri uye zviri nyore zvikuru. Zvisinei, dare rekokorodzano richapfuurira kubetsera avo vasingakwanisi kuzviwanira pokugara. Vanyori veungano vanofanira kuzivisa dare rekokorodzano kuti vangani vanobva muungano yavo vangada kurongerwa pokugara. Tapota goverai udzame hwakadai sokuti munhurume kana kuti munhukadzi, akaroora kana kuti kwete, mazera evana, zvichingodaro.

Sosaiti ingadawo kukurudzira hama dziri mumaguta ekokorodzano kuzarura misha yadzo kuti dziwanise pokugara nhume dziri kushanya. Bhaibheri rinotikurudzira kuva nomutsa. Mutsa unogona kurondedzerwa se‘kuda vaeni.’ Tinogona kuratidzira urwu rudo mukati mekokorodzano kupfurikidza nokugamuchira mudzimba dzedu hama dzinoda pokugara here? Avo vari kugara mudzimba dzevanhu vanofanira kutarisira zvinodikanwa zvavo zvokunyama uye havafaniri kukarira vagamuchiri vavo kuvatarisira. Vachadawo kuratidza ruremekedzo nokuda kwezvinhu zvevamwe. Izvi zvichaunza rumbidzo kuzita raJehovha.

Mapurema nemaDeck Chair: Munzvimbo zhinjisa, izvi hazvigoni kushandiswa munzvimbo dzinoungana vanhu vakawanda. Mitemo yemoto inodzivisa kuzviisa mumikoto nemunofambwa namo kana kuti pakati pemitsetse yezvigaro. Sezvo mapoka makuru angaparira kumanikidzana, mapurema ane bviro yokuva nengozi kuvose vari vaviri mwana uye ani naani angagona kugumburwa nawo. Naizvozvo tapota musaunza mapurema kunzvimbo yekokorodzano. Zvigaro zvevacheche kana kuti zvevana zvinobvumirwa, sezvo izvi zvichigona kuiswa muzvigaro zviri pedyo nevabereki. Batira pamwe yenyu inokosha uye inoongwa.

Basa Revazvipiri: Munogona kutsaura nguva pakokorodzano yekubetsera murimwe remadhipatimendi here? Kubatira hama dzedu, kunyange kwemaawa mashomanene bedzi, kuchabetsera zvikuru uye kuchaunza gutsikano yemunhu oga huru zvikuru. Kana muchigona kubetsera, tapota shumai kuDhipatimendi Rebasa Rekuzvipira pakokorodzano. Vana vari pasi pezera remakore 16 vanogonawo kupa mupiro wakaisvonaka kupfurikidza nokushanda munhungamiro yemubereki kana kuti mumwe akura akavimbika.

Shoko Renyevero: Rambai muchingwarira zvinetso zvingabvira kuitira kudzivisa zvinetso zvisiri madikanwa. Kakawanda mbavha nevamwe vanhu vasina kutendeseka vanobira vanhu vanenge vasiri pamusha wavo. Ivai nechokwadi chokuti motokari yenyu yakakiyiwa nguva dzose, uye musatongosiya chinhu chipi nechipi chichioneka chingaedza mumwe munhu kupaza ndokupinda. Mbavha nemvangamakomwe dzinoisa ngwariro yadzo pakuungana kukuru. Kwaisazova kuchenjera kusiya zvinhu zvinokosha zvipi nezvipi pachigaro chako. Haugoni kuva nechokwadi chokuti munhu wose ari pedyo newe muKristu. Kupirei muedzo? Mishumo yakagamuchirwa yekuedza kuba vana kwakaitwa nevamwe vokunze. RAMBAI MUCHIONA VANA VENYU NGUVA DZOSE.

Tapota musachaira runhare kana kuti kunyorera dare rekokorodzano, muchitsvaka mashoko pamusoro penhau dzipi nedzipi dzekokorodzano. Kana mashoko asingawaniki kuvakuru, munganyorera Sosaiti.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe