RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/94 p. 2
  • Misangano Yebasa yaSeptember

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaSeptember
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naSeptember 5
  • Vhiki Inotanga naSeptember 12
  • Vhiki Inotanga naSeptember 19
  • Vhiki Inotanga naSeptember 26
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 9/94 p. 2

Misangano Yebasa yaSeptember

Vhiki Inotanga naSeptember 5

Rwiyo 5

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo neZviziviso zvakakodzera zvomuUshumiri Hwedu hwoUmambo.

20 min: “Kudza Pfuma Yako Yebasa roUmambo.” Mutariri webasa nomumwe mukuru vanokurukura mapfundo makuru ari munyaya yacho. Hwirudzurai mubato weungano wegore rakapera, muchirumbidza pamwe chete nokupa zvikarakadzo zvokuvandudza. Simbisai nharidzano yokuwedzera goverano yedu yomunhu oga muushumiri.

15 min: “Sakurira Fariro muBhuku raKurarama Nokusingaperi.” Vaparidzi vatatu kana kuti vana, kubatanidza muduku, vanokurukura nyaya yacho uye ipapo vanova nerusando rwerovedzo. Vanoenzanisira mharidzo mbiri kana kuti nhatu uye ipapo vanodzihwirudzura, vachipana zvikarakadzo zvinoshanda nerumbidzo.

Rwiyo 32 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naSeptember 12

Rwiyo 54

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Hwirudzurai “Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu” uye dudzai misi yegungano redunhu rinotevera, kana ichiwanika.

17 min: Mufambiro wechiKristu Muchikoro. Kurukurirano inoitwa nomukuru ane vechiduku vatatu kana kuti vana. Muchikoro, vanhu vedu vaduku vane mhatsa yedzvinyiriro dzokubvumiranisa pane zvisakafanira kuremekedza kwavo nheyo dzeBhaibheri. Dzakawanda dzaidzodzi dzinobva mumibato isina kubatana zvakananga nekamuri rekirasi. Mitambo, kuronga misi yokuvhakacha, uye kuungana kwenhandaro zvinoparira ngozi. Mukuru anokurukura inoti “Extracurricular Activities” navechiduku, achishandisa Bhurocha raSchool, mapeji 22-5. Vanhu vaduku vanoita tsinhiro dzinoratidza kuti vanotarisana nedzvinyiriro dzokugoverana muzvinhu izvozvi uye naizvozvo vanoonga zano rapiwa.

18 min: “Havana Kurega Kupupura.” Mibvunzo nemhinduro. Simbisai kuti kunyange zvazvo tose zvedu tisingagoni kupedzera chitsama chakafanana chenguva muushumiri, tinofanira kuwana mufaro ndokuvavarira kuva vomweya wose.

Rwiyo 60 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naSeptember 19

Rwiyo 36

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Ravai mushumo weakaunzi nokubvumwa kupi nokupi kwokugamuchirwa kwemipiro.

15 min: “Kudzokera Kuchikoro Zvakare.” Mibvunzo nemhinduro. Simbisai zvinetso vanhu vaduku vanotarisana nazvo nenzira iyo vabereki vanogona kubetsera nayo vana vavo.

20 min: “Kutanga Fundo dzeBhaibheri Nebhuku raKurarama Nokusingaperi.” Kurukurai navateereri. Rongai mienzaniso miviri muchishandisa mharidzo dzakakarakadzwa.

Rwiyo 67 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naSeptember 26

Rwiyo 44

12 min: Zviziviso zvomunzvimbomo ne“Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo.” Kana uchizivikanwa, zivisai musi wezuva regungano chairo rinotevera uye kurudzirai vose kuita gadziriro dzokupinda. Kumbirai vateereri kurondedzera zvakaitika zvipfupi zvokugovera bhuku raKurarama Nokusingaperi kana kuti kutanga fundo mariri.

13 min: Zvinodikanwa zvomunzvimbomo. Kana kuti ipai hurukuro panyaya inoti “Ganhuriro Dzinokuodza Mwoyo Here?” inobva muNharireyomurindi, yaSeptember 1, 1994, mapeji 27-8.

20 min: Kugovera Nharireyomurindi naMukai! mukati maOctober. Magazini edu anoita rutivi rukuru mubasa rokuparidza romunyika yose; uyu wave uri mutoo kupfurikidza nawo mamiriyoni akanzwa zvokwadi kwenguva yokutanga. Simbisai kukosha kwokuashandisa nguva dzose nokuagovera mubasa rapasuo nesuo kunyange apo mamwe mabhuku ari kugoverwa. Dudzai betsero dzeZuva raMagazini revhiki nevhiki. Kurukurai nzira iyo basa rokupupura mumugwagwa nokuchitoro nechitoro rinozarura nayo mikana yakawanda yezvinogoverwa. Yeuchidzai hama kuchengeta chinyorwa chezvinogoverwa, nenharidzano yokutanga kwakamirirwa magazini. Tsanangurai kuti kuzvinyoresa kunogona kugoverwa pashanyo dzedzokerero apo kunenge kune fariro yapachokwadi. Simbisirai kukosha kwokusanogadzirira musati mabuda. Itai kuti vaparidzi vatatu, mumwe wavo munhu muduku, aenzanisire mharidzo pfupi dzamagazini.

Rwiyo 76 nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe